Isaya 14:1-32

  • Israeri achagara munyika yake (1, 2)

  • Chirevo pamusoro pamambo weBhabhironi (3-23)

    • Anopenya anodonha kubva kudenga (12)

  • Ruoko rwaJehovha ruchapwanya muAsiriya (24-27)

  • Mutongo pamusoro peFiristiya (28-32)

14  Nekuti Jehovha achanzwira Jakobho+ tsitsi uye achasarudzazve Israeri.+ Achavagarisa* munyika yavo,+ uye vatorwa vachaenda kwavari, vobatana neimba yaJakobho.+  Marudzi achavatora ovaunza kunzvimbo yavo, uye achava mumaoko eimba yaIsraeri kuti ave varandarume nevarandakadzi+ munyika yaJehovha; vanhu vaimbovaita varanda vachava varanda vavo, uye vachava nesimba pane vaya vaivamanikidza kushanda.  Pazuva raunozorodzwa naJehovha pakurwadziwa kwako nepakuvhiringidzika kwako uye pauranda hwakaoma hwawakamanikidzwa kuva mahuri,+  uchataura mashoko aya ekushora mambo weBhabhironi: “Uya aishandisa vamwe asvika pamagumo ake! Udzvinyiriri hwazopera!+   Jehovha atyora tsvimbo yevakaipa,Mudonzvo wevatongi,+   Uya airova vanhu akashatirwa achinayisa zvibhakera zvisingaperi,+Uya aikunda marudzi akatsamwa achiatambudza zvisina mugumo.+   Iye zvino nyika yese yazorora, haisisina chinonetsa. Vanhu vari kushevedzera nemufaro.+   Kunyange mijunipa iri kufarawo pamusoro pako,Pamwe chete nemisidhari yekuRebhanoni. Iri kuti, ‘Kubvira pawakawa,Hakuna mutemi wemiti ari kuuya kuzotitema.’   Kunyange Guva* riri pasi ranyandurwaKuti risangane newe paunouya. Nemhaka yako, rinomutsa vaya vasina simba vari murufu,Ivo vatungamiriri* vese vane udzvinyiriri vepanyika. Rinoita kuti madzimambo ese emarudzi asimuke pazvigaro zvawo. 10  Ese zvawo anotaura achiti kwauri,‘Newewo hausisina simba sesu here? Wafanana nesu here? 11  Kudada kwako kwapinzwa muGuva,*Iko kurira kwezviridzwa zvako zvine tambo.+ Pasi pako pakawaridzwa honye semubhedha,Uye chekufuga chako ihonye.’ 12  Wadonha kubva kudenga,Haiwa iwe unopenya, mwanakomana wemambakwedza! Wadamburwa ukawisirwa pasi,Iwe wekukunda marudzi!+ 13  Wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kudenga.+ Ndichakwidza chigaro changu cheumambo pamusoro penyeredzi dzaMwari,+Uye ndichagara pasi pamusoro pegomo rekusanganira,Kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe.+ 14  Ndichakwira kumusoro, kumusoro kwemakore;Ndichazvifananidza neWekumusorosoro.’ 15  Asi iwe uchadzikiswa kuGuva,*Pasi pasi pegomba racho. 16  Vaya vanokuona vacharamba vakakutarisa;Vachanyatsokuongorora, vachiti,‘Ndiye here murume uya aizunungusa nyika,Aidederesa madzimambo,+ 17  Uya akaita kuti nyika ive serenjeUye akaparadza maguta ayo,+Asina kubvumira vasungwa vake kuti vadzokere kumusha?’+ 18  Mamwe madzimambo ese emarudzi akarara murukudzo,Ese zvawo,Mumwe nemumwe muguva rake.* 19  Asi iwe waraswa usina guva,Senhungirwa inosemwa,*Uye wakafukidzwa nevanhu vakaurayiwa avo vakabayiwa nebakatwa,Vanokandwa mugomba rine matombo,Sechitunha chakatsikwa-tsikwa. 20  Hauzoiswi muguva pamwe chete navo,Nekuti wakaparadza nyika yako,Wakauraya vanhu vako. Mazita evana vevanoita zvakaipa haazomboyeukwi zvakare. 21  Gadzirai pekuurayira vanakomana vakePamusana pemhosva yemadzitateguru avo,Kuti varege kusimuka votora nyika,Vozadza nyika yese nemaguta avo.” 22  “Ndichavarwisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. “Ndichaparadza zita nevakasara nechizvarwa nevazukuru muBhabhironi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 23  “Ndichariita nzvimbo yenungu nemachakwi, uye ndicharitsvaira nemutsvairo wekutsakatisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. 24  Jehovha wemauto apika achiti: “Zvichaitika sezvandaida,Uye zvichaitika sezvandakasarudza. 25  Ndichapwanya muAsiriya munyika yangu,Uye ndichamutsika-tsika mumakomo angu.+ Joko rake richabviswa pavari,Uye mutoro wake uchabviswa papfudzi ravo.”+ 26  Izvi ndizvo zvasarudzirwa nyika yese,Uye urwu ndirwo ruoko rwakatambanudzirwa* marudzi ese. 27  Nekuti Jehovha wemauto asarudza,Ndiani angaita kuti zvitadze kuitika?+ Ruoko rwake rwakatambanudzwa,Ndiani angarudzosa?+ 28  Gore rakafa Mambo Ahazi,+ pakataurwa chirevo ichi: 29  “Usafara Firistiya, chero ani zvake wako,Nekungoti chete mudonzvo wemunhu anokurova watyoka. Nekuti pamudzi wenyoka+ pachabuda nyoka ine uturu,+Uye mwana wayo achava nyoka yemoto inobhururuka.* 30  Matangwe evakaderera paanenge achidya,Uye varombo pavanenge vakarara pasi vakachengeteka,Ndichaita kuti mudzi wako ufe nenzara,Uye vanosara vako vachaurayiwa.+ 31  Ridza mhere, haiwa iwe gedhi! Shevedzera, haiwa iwe guta! Imi mese muchashaya simba, haiwa imi vaFiristiya! Nekuti pane utsi huri kubva kuchamhembe,Uye uto rake harina munhu ari kutamburira kufamba.” 32  Vanofanira kupindura vachiti kudii kunhume dzerudzi rwacho? Kuti Jehovha avaka nheyo dzeZiyoni,+Uye kuti vaya vakaderera pavanhu vake vachapotera mariri.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Achavapa zororo.”
Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
ChiHeb., “Idzo nhongo.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
ChiHeb., “muimba yake.”
Kana kuti “Sebazi rinosemwa.”
Kana kuti “rwakagadzirira kurova.”
Kana kuti “nyoka ine uturu inomhanya.”