Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Ruoko Runoshamisa rweOctopus

Ruoko Runoshamisa rweOctopus

 Mainjiniya anoita zvekugadzira marobhoti ari kugadzira michina inobatsira vanachiremba kuti vakwanise kuvhiya vachishandisa nzira dzinoita kuti vasacheka pakakura. Pane muchina wavakagadzira wakabva pakuongorora ruoko rweoctopus.

 Chimbofunga izvi: Octopus inokwanisa kubata uye kudzvanya zvinhu nemaoko ayo 8. Maoko acho anokwanisa kutatamuka uye kuzvonyongoka kunyange munzvimbo dzakamanikana. Inogona kubhendesa maoko acho kuti atarise kwainenge ichida uye inokwanisawo kuomesa zvimwe zvikamu zveruoko sezvinenge zvichidiwa.

 Vanotsvakurudza vanoti kana kukagadzirwa robhoti rinenge riine ruoko rwakapfava uye runogona kuzvonyongoka sezvinoita rweoctopus, zvinogona kubatsira pakuvhiya asi munhu asingachekwi pakakura. Michina yakadai inogona kubatsira varwere vanenge vachifanira kuvhiyiwa pakakura.

 Ona vhidhiyo yekuzvonyongoka kunoita maoko eoctopus

 Pane ruoko rwakadaro rwakatogadzirwa, uye ruchiri kumboshandiswa pakuvhiya kwekuedzesera kunoitwa nemakombiyuta. Chimwe chikamu cheruoko rwacho chakareba 135 mm uye chinogona kusimudza nhengo dzemumuviri chisingadzikuvadzi, uku chimwe chikamu cheruoko chichivhiya. Muzvinadzidzo anonzi Tommaso Ranzani, uyo akashandawo pakugadzira muchina wacho akataura kuti, “tinovimba kuti kugadzira kwataita muchina uyu anongova mavambo, asi uchazoita uchivandudzwa.”

Kana pakagadzirwa ruoko rwerobhoti rwakapfava uye rwunokwanisa kupinda pakawanda rwungazobatsira chaizvo pakuvhiya

 Unofungei? Ruoko rweoctopus rwakangoerekana rwavapo here kana kuti rwakasikwa?