Enda pane zvauri kuda

Albert Wright/iStock via Getty Images

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Panokandirirwa Mazai Neshiri Inonzi Mallee

Panokandirirwa Mazai Neshiri Inonzi Mallee

 Shiri dzinowanika kumaodzanyemba kweAustralia dzinonzi mallee dzinoita kuti madzinokandirira mazai murambe muchidziya zvekubva pa31°C kusvika pa34°C. Shiri idzi dzinokwanisa sei kuita izvi gore rese?

 Mumwaka wechando wega wega, shiri idzi dzinochera gomba rakakura rakadzika mita imwe chete uye rakafara mamita matatu. Hono yacho inobva yazadza gomba iri nemurwi wemashizha, uswa nezvimwewo. Inomirira kuti mvura yekupedzisira yemuchando inaye yototesa murwi uyu. Kana zvadaro, inobva yachera kamwe kakomba nechepamusoro pemurwi wacho kanozokandirirwa mazai. Yapedza kudaro, inovhara murwi wacho wese nejecha. Nekufamba kunenge kuchiita nguva, mashizha aya nezvimwewo zvinotanga kuora zvoita kuti mugomba macho mudziye.

Kuti mazai azosvika pakutsotsonya (A), shiri inonzi mallee inoshandisa kudziya kunobva kuzuva uyewo kunobva pazvinhu zviri mugomba zvinenge zvichiora (B). Inobvisa kana kuwedzera jecha rinenge riri pamusoro (C), kuitira kuti munenge muine mazai murambe muchidziya zvinotambira pa34ºC kwemwedzi yakawanda. Kuti iite izvi, inoita zvekufukura-fukura jecha racho nemakumbo ayo (D)

 Hadzi yacho pese painenge yava kuda kukandira zai, hono yacho inobvisa jecha rinenge rakavhara kakomba kekukandirira mazai kuitira kuti hadzi yacho iwane pekukandirira. Ichingobva kukandira, hono yacho inobva yapavhara nejecha. Hadzi yacho inogona kukandira mazai anosvika 35 kubva muna September kusvika muna February. a

 Shiri idzi dzinopota dzichinyudza miromo yadzo mujecha iri kuti dzinzwe kuti muri kudziya zvakadini. Dzinowedzera jecha kana kuribvisa zvichienderana nemwaka. Semuenzaniso:

  •   Panguva yechirimo, uswa nezvimwe zviri mugomba umu pazvinenge zvava kuora zvoita kuti mugomba macho munyanye kupisa, hono yacho inofukura jecha rinenge riri pamusoro pemunokandirirwa mazai kuti kupisa kwacho kudzikire. Pava paya, inozopavhara nejecha rinenge richitonhorera.

  •   Panguva yakunenge kuchinyanya kupisa, hono yacho inowedzera kuisa jecha pamusoro pemurwi wacho kuitira kuti mazai asapiswa nezuva. Asi mangwanani ega ega, inobvisa jecha rinenge riri pamusoro pacho, yozoridzorera kana jecha racho nemunokandirirwa mazai zvava kutonhorera.

  •   Kana nguva yekupisa yapera, murwi uyu wemashizha unenge waora uye unenge usisadziyise mazai. Hono yacho inobva yabvisa jecha rinenge riri pamusoro, yosiya shomanana. Izvi zvinoita kuti zuva rikwanise kudziyisa mazai nejecha racho. Pava paya, inobva yadzorera jecha riya kuti mune mazai murambe muchidziya manheru.

 Zuva rimwe nerimwe hono yacho inoita maawa anopfuura 5 ichibvisa nekudzorera jecha ringaita makirogiramu 850. Kubviswa nekudzorerwa kunenge kuchiitwa jecha kune zvimwewo zvakunobatsira. Kunoita kuti jecha racho rirambe rakareruka zvekuti kana mazai akatsotsonya, zvinozoitira nyore tumanyana kufukura kuti tubude.

 Ona shiri dzinonzi mallee dzichibvisa jecha padzinokandirira mazai

 Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti shiri inonzi mallee ikwanise kuita kuti painokandirira mazai parambe pachidziya zvakakodzera?

a Mazai anotsotsonya pashure pemavhiki 7 kana 8, kureva kuti shiri iyi inofanira kuramba ichishanda kuti munenge muine mazai murambe muchidziya zvakakodzera kusvika muna April.