Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kubhururuka kweNhunzi Inonzi Fruit Fly

Kubhururuka kweNhunzi Inonzi Fruit Fly

 Kana wakamboedza kurova nhunzi unoziva kuoma kwazvakaita. Ikaona kuti iri kuda kubatwa inokurumidza kutiza.

 Nyanzvi dzesainzi dzakaona kuti nhunzi inonzi fruit fly, inokwanisa kupidiguka-pidiguka sezvinoita ndege diki dzehondo dzinonzi mafighter jets, uye inokwanisa kuzviita munguva iri pasi pesekondi. Purofesa Michael Dickinson anoti, “nhunzi iyi inozvarwa ichitogona kunzvenga-nzvenga. Zvainoita zvakafanana nekutora kasvava wokaisa mundege diki yehondo kobva katotanga kuityaira.”

 Vaongorori vakaona kuti inorova mapapiro ayo ka200 pasekondi yega yega. Ikangorova mapapiro kamwe chete inotokwanisa kupidiguka yobva yatiza.

 Vaongorori vakaonawo kuti kukurumidza kuchinja kunoita nhunzi iyi kwayanga ichienda kunodarika zvakapetwa ka50 kubwaira kunoita munhu ziso rake. Purofesa Dickinson anoti, “Munguva pfupi, nhunzi iyi inokwanisa kuona kuti ndekupi kune njodzi uye kuti yotizira kupi.”

 Vaongorori vari kuedza kutsvaga kuti kanhunzi kane pfungwa diki zvakadaro kanogona sei kuita zvinoshamisa kudaro?

Nhunzi inonzi fruit fly inochinja-chinja kwainenge ichienda. Inotiza njodzi nekupidiguka ichichinja kwayanga ichienda munguva iri pasi pesekondi

 Unofungei? Zvakangoitikawo zvega here kuti nhunzi iyi iite zvainoita pakubhururuka kana kuti pane akaisika?