Enda pane zvauri kuda

Nyanzvi Dzakadzidza Dzinobvuma Here Kuti Jesu Akamborarama?

Nyanzvi Dzakadzidza Dzinobvuma Here Kuti Jesu Akamborarama?

 Nyanzvi dzakadzidza dzine uchapupu hwakasimba hunoita kuti dzibvume kuti Jesu akamborarama. Nyanzvi dzinoongorora nhoroondo dzezvakaitika kare dzakararama muzana remakore rokutanga uye rechipiri dzakataura nezvaJesu nevaKristu vokutanga-tanga mubhuku rinonzi Encyclopædia Britannica ya2002 kuti: “Mabhuku akasiyana-siyana anoratidza kuti kare kare kunyange vaya vaishora chiKristu havana kumbobvira varamba kuti Jesu aivako. Nyaya yokuramba kuti Jesu aivako yakatozotanga mumakore okuma1700 ava kunopera kusvikira pakutanga kwema1900, uyewo hapana umboo hunotsigira kuti Jesu haana kumbobvira ararama.”

 Muna 2006, bhuku rinonzi Jesus and Archaeology rakati: “Hapana nyanzvi yakadzidza inovimbwa nayo inoramba kuti muJudha ainzi Jesu mwanakomana waJosefa haana kumbobvira ararama; vakawanda vanobvuma kuti tava nemashoko akawanda anotibatsira kuti tizive dzidziso dzake uye mararamiro aaiita.”

 Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu munhu akamborarama. Rine mazita edzinza raakabva uye evemumhuri yake. (Mateu 1:1; 13:​55) Rinotaurawo mazita evatongi vakanga vakakurumbira avo vakararama panguva imwe chete naJesu. (Ruka 3:​1, 2) Mashoko iwayo anobatsira vaongorori kuti vaone kururama kwenyaya dziri muBhaibheri.