Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Bhaibheri?

Chii Chinonzi Bhaibheri?

 Chokwadi nezveBhaibheri

  •   Ndiani akanyora Bhaibheri? Mwari ndiye Munyori weBhaibheri asi akaita kuti varume vanenge 40 vanyore pfungwa dzake. Vamwe vacho ndiMozisi, Mambo Dhavhidhi, Mateu, Mako, Ruka naJohani. a Mwari akaudza varume ava mashoko aaida kuti vanyore muBhaibheri.—2 Timoti 3:16.

     Semuenzaniso: Muridzi wekambani anoudza mushandi wake mashoko aari kuda kuti anyorwe mutsamba, kureva kuti muridzi wekambani ndiye muridzi wetsamba yacho. Ndizvo zvakaitikawo paBhaibheri, Mwari ndiye munyori weBhaibheri, kunyange zvazvo akashandisa vanhu kuti vanyore mashoko ake.

  •   Shoko rekuti “Bhaibheri” rinorevei? Shoko rekuti “Bhaibheri” rinobva pashoko rechiGiriki rekuti biblia, rinoreva “mabhuku madiki.” Nekufamba kwenguva shoko rekuti biblia rakazopedzisira rava kureva mabhuku madiki akawanda akabatanidzwa atinoziva seBhaibheri.

  •   Bhaibheri rakanyorwa riini? Bhaibheri rakatanga kunyorwa muna 1513 B.C.E. uye rakazopedzwa kunyorwa munenge muna 98 C.E., pashure pemakore 1 600.

  •   Zvinyorwa zvekutanga zveBhaibheri zviripi? Hapana zvinyorwa zvekutangatanga zveBhaibheri zviriko mazuva ano, nemhaka yekuti vakanyorera pazvinhu zvinoora zvakadai sematehwe uye mapepa akagadzirwa nenhokwe. Sezvo rairamba richikopwa kwemazana emakore, zvakaita kuti richengetedzwe kusvika nanhasi.

  •   Chii chinonzi “Testamendi Yekare” uye “Testamendi Itsva”? Testamendi Yekare chikamu cheBhaibheri chine mabhuku akawanda akanyorwa muchiHebheru, chinozivikanwawo seMagwaro echiHebheru. b Testamendi Itsva chikamu cheBhaibheri chakanyorwa muchiGiriki, chinozivikanwawo seMagwaro echiKristu echiGiriki. Zvikamu zviviri izvi ndizvo zvinozivikanwa seMagwaro Matsvene. c

  •   MuBhaibheri munei? MuBhaibheri mune nhoroondo dzezvakaitika kare, mitemo, uprofita, nhetembo, zvirevo, nziyo, netsamba.—Ona chikamu chakanzi “ Mabhuku ari muBhaibheri.”

 Bhaibheri rinotaura nezvei?

 Bhaibheri rinotanga kutaura nezvekusikwa kwakaitwa matenga nenyika naMwari Wemasimbaose. MuBhaibheri, Mwari anotiudza zita rake rekuti Jehovha, kuratidza kuti anoda kuti timuzive.—Pisarema 83:18.

 Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vanotaura nhema nezvaMwari uye kuti achaita sei kuti azvitsvenese.

 Bhaibheri rinotaurawo chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu nenyika. Rinoratidza kuti mune ramangwana Mwari achabvisa zvinhu zvinoita kuti vanhu vatambure.

 Bhaibheri rinotiudzawo mazano anoshanda muupenyu hwedu. Semuenzaniso:

  •   Zvatingaita kuti tiwirirane nevamwe. “Saka zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”—Mateu 7:12.

     Zvazvinoreva: Tinofanira kuitira vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo.

  •   Zvatingaita kana tiine zviri kutidya mwoyo. “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro.”—Mateu 6:34.

     Zvazvinoreva: Zviri nani kuisa pfungwa dzedu pane zviri kuitika nhasi, pane kunyanya kunetseka nezvezvinhu zvinogona kuzoitika mune ramangwana.

  •   Zvatingaita kuti tive newanano inofadza. “Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuda mudzimai wake sezvaanozviita; mudzimai anofanirawo kuremekedza murume wake zvikuru.”—VaEfeso 5:33.

     Zvazvinoreva: Kudanana uye kuremekedzana ndiko kunoita kuti wanano ibudirire.

 Bhaibheri rakachinja here?

 Aiwa. Vanoongorora vakaenzanisa zvinotaurwa muzvinyorwa zveBhaibheri zvekare nezviri muBhaibheri ratiinaro nhasi, uye vakaona kuti mashoko ari muBhaibheri haana kuchinja. Izvi zvine musoro nekuti Mwari anoda kuti vanhu vaverenge uye vanzwisise Shoko rake, saka akaita kuti mashoko arimo asachinjwe. dIsaya 40:8.

 Nei kuine maBhaibheri akasiyana-siyana?

 Vanhu vakawanda mazuva ano havagone kuverenga mitauro yakashandiswa kunyora Bhaibheri. Asi Bhaibheri rine “mashoko akanaka” anofanira kunzwika ‘nemarudzi ese nemadzinza nemitauro.’ (Zvakazarurwa 14:6, mashoko emuzasi) Saka vanhu vanoda Bhaibheri rakashandurirwa mumutauro wavanonzwisisa kuitira kuti vaverenge uye vanyatsonzwisisa Shoko raMwari.

 MaBhaibheri anogona kuiswa muzvikwata zvitatu:

  •   Mamwe akashandurwa shoko neshoko sezvazviri.

  •   Mamwe akashandurwa pfungwa nepfungwa, pachishandiswa mashoko anoreva zvakafanana nezvaiva muzvinyorwa zvekutanga.

  •   Mamwe akashandurwa semanzwisisiro azvaiitwa nevashanduri. MaBhaibheri akadai anowedzeredza kana kubvisa mamwe mashoko nechinangwa chekuti zvinakidze kuverenga. Asi kushandura nenzira iyi kunogona kuita kuti zviri kurehwa zvisanyatsobuda.

 Bhaibheri rakashandurwa zvakanaka harishanduri zvese shoko neshoko asi rinoshandisa mashoko ari nyore kuti vanhu vanyatsonzwisisa Shoko raMwari. e

 Ndiani akataura zvaifanira kunyorwa muBhaibheri?

 Sezvo Mwari ari Munyori weBhaibheri ndiye akataura kuti ndezvipi zvinofanira kunge zvirimo. Pakutanga akasarudza rudzi rwevaIsraeri ‘akavapa mashoko matsvene aMwari’ kuti vanyore Magwaro echiHebheru.—VaRoma 3:2.

 Pane mamwe mabhuku eBhaibheri akarasika here?

 Aiwa. Hapana kana bhuku rakarasika, zvirimo zvakakwana. Pane vamwe vanoti pane mamwe mabhuku asina kuiswa muBhaibheri asi anofanira kunge arimo. f Asi Bhaibheri pacharo rinoratidza kuti mabhuku anofanira kunge arimo ndeapi. (2 Timoti 1:13) Mabhuku ese ari muBhaibheri ayo akafemerwa naMwari, anopindirana. Asi mabhuku ekare anonzi nevamwe anofanira kunge arimo muBhaibheri, zvaanotaura hazvipindirani. g

 Ungawana sei vhesi yaunenge uchida muBhaibheri?

  Mabhuku ari muBhaibheri

a Kuti uone mazita emabhuku ese ari muBhaibheri, vanyori vawo uye kuti akanyorwa riini, ona chikamu chakanzi “Mabhuku eBhaibheri.”

b Zvimwe zvikamu zvidiki zveBhaibheri zvakanyorwa muchiAramaiki. Mutauro wacho wakada kufanana nechiHebheru.

c Vanhu vakawanda vanofarira kushandisa mashoko ekuti “Magwaro echiHebheru” uye “Magwaro echiGiriki.” Mashoko ekuti “Testamendi Yekare” anogona kupa pfungwa yekuti chikamu ichi hachichashandi mazuva ano uye chakatsiviwa nechikamu chinonzi “Testamendi Itsva.”

d Ona nyaya yakanzi “Bhaibheri Rakachinjwa Here?

e Vakawanda vanofarira kuverenga Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva nekuti yakarurama uye iri nyore kuverenga. Ona nyaya yakanzi “Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakarurama Here?

f Mabhuku aya ndiwo anonzi Apokirifa. Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoratidza kuti mabhuku aya haamo mumagwaro ekutanga akashandiswa pakunyora Bhaibheri.

g Kuti unzwe zvimwe, ona nyaya yakanzi “Evhangeri dzeApokirifa—Dzine Chokwadi Chatisingazivi nezvaJesu Here?