Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Vabereki Vanofanira Kuzivei Nezvekuendesa Vana Kukireshi?

Vabereki Vanofanira Kuzivei Nezvekuendesa Vana Kukireshi?

 Vamwe vabereki vanoenda kubasa vanosarudza kuendesa vana vavo vanenge vachiri vadiki kukireshi vachizonovatora ava manheru. Munofanira kuendesa mwana wenyu kukireshi here?

 Mibvunzo yamunofanira kuzvibvunza

 Kana mwana wangu akaswera ari kukireshi hazvizovhiringidzi here kuwirirana kwandinoita naye? Zvinogona kuvhiringidza. Mwana paanenge ari mudiki, ndiyo nguva yaanodzidza zvinhu zvakawanda zvichamubatsira kuti akwanise kuzogarisana nevamwe paanenge akura. Panguva iyi, edzai nepese pamunogona napo kuti muve nenguva yakawanda muine mwana wenyu.—Dheuteronomi 6:6, 7.

  •    Kana vabereki vakafunga kuendesa mwana wavo kukireshi vanofanira kufunga zvavachaita kuti varambe vachiwirirana nemwana wavo.

 Kana mwana wangu akaswera ari kukireshi achakwanisa kuramba achiteerera zvandinomudzidzisa here? Pamwe pacho anogona kusateerera. Rimwe bhuku rinonzi Hold On to Your Kids rinoti: “Vana vadiki pavanoita nguva yakawanda vari vega, vanotanga kutevedzera zvinoitwa nevamwe vavo.”

  •    Kana vabereki vakafunga kuti mwana wavo aswere kukireshi vanofanira kuzvibvunza kuti: ‘Mwana wangu haazodzidziswi zvinopesana nezvandinoda here?’

 Kana mwana wenyu akaenda kukireshi zvichamubatsira here paanozotanga chikoro? Vamwe ndizvo zvavanofunga. Asi vamwe vanoti kireshi haina zvainonyanya kubatsira pakudzidzisa mwana. Pasinei nezvinofungwa nevanhu, imwe nyanzvi inoona nezvekukura kwevana inonzi Penelope Leach yakanyora kuti: “Musafa makafunga kuti kukurumidza kuendesa mwana kuchikoro kana kuti zvaanodzidza ikoko ndizvo zvichanyanya kumubatsira muupenyu. Kana mukangova nemafungiro akadaro, munenge muchiita sekuti zvese zvamakamudzidzisa kubva pamakamubereka hazvikoshi.”

  •   Vabereki vanenge vachifunga nezvekuendesa mwana wavo kukireshi vanofanira kufunga kuti pane chikonzero chakanaka chekuti vadaro here uye kuti zvichabatsira mwana wacho here.

 Madii kuita kuti mumwe wenyu agare pamba achirera mwana? Dzimwe nguva murume nemukadzi vanoenda kubasa kuti vangoramba vaine kaupenyu kepamusoro. Asi pane chinokosha kupfuura mwana wenyu here?

  •   Vabereki vanenge vachifunga nezvekuendesa mwana wavo kukireshi vanofanira kuongorora kuti havakwanisi kuderedza mari yavanoshandisa here kuitira kuti mumwe wavo agare pamba achirera mwana.

 Musati maendesa mwana wenyu kukireshi tangai manyatsofunga kuti zvakanakirei uye zvakaipirei. Kana mafunga kumuendesa, zvii zvamunogona kuita?

 Zvamunogona kuita

 Bhaibheri rinoti, “munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.” (Zvirevo 14:15) Mashoko aya eBhaibheri anoratidza kuti munofanira kutanga manyatsofunga musati masarudza kuti muchada kuti mwana wenyu aende kukireshi here.

 Zvisarudzo zvipi zvamunogona kuita?

  •   Vamwe vabereki vanosarudza kuti mwana wavo aende kukireshi inoitirwa pamba panenge paine munhu mumwe chete kana vaviri vanenge vachichengeta vana uye paine vana vashoma.

  •   Vamwe vabereki vanosarudza kugara nehama yavo kana kuti musikana webasa anenge achisara nemwana.

 Zvese zvamuchasarudza zvine zvazvakanakira nezvazvakaipira. Madii mataura nevamwe vabereki vakamboita izvi? Bhaibheri rinoti: “Uchenjeri ndehwevaya vanotsvaga mazano.”—Zvirevo 13:10.

 Kana mukasarudza kuendesa mwana wenyu kukireshi, fungai nezvezvinhu izvi . . .

 Nzvimbo yacho yakaita sei?

  •   Yakanyoreswa uye iri kuita zvinoenderana nemutemo here? Ine mukurumbira wakanaka here?

  •   Nzvimbo yacho yakachena uye hapana zvinokonzera njodzi kuvana here?

  •   Zvii zvichange zvichiitwa nemwana wenyu ikoko? a

 Ndivanaani vanenge vachichengeta mwana wenyu?

  •   Vakadzidziswa here kuti vana vadiki vanodzidziswa sei, kusanganisira zvefirst aid?

  •   Munokwanisa here kutsvaga mashoko kuti muzive kana vanhu vachachengeta mwana wenyu vasina kumbopara mhosva?

  •   Vashandi vepakireshi pacho vanogara vachingochinja-chinja here? Kana vachigara vachingochinja zvinogona kuomera mwana kujairana nevanhu vakasiyana-siyana.

  •   Pakireshi pacho pane vana vangani, uye vanochengetwa nevanhu vangani? Kana munhu mumwe chete achichengeta vana vakawanda zvinoreva kuti mwana wenyu haazonyatsowanirwa nguva yakakwana. Asi nguva inodiwa nemwana inosiyana zvichienderana nezera rake uye zvaanokwanisa kuita.

  •   Vanenge vachichengeta mwana wenyu vakasununguka here kukurukura nemi kana paine zvavanoda kwamuri kana kuti imiwo muine zvamunoda kwavari?

a Semuenzaniso, mwana wenyu achangoswera achiona TV here, kana kuti anenge achidzidziswa kuitawo zvimwe zvinhu uye kuita maekisesaizi?