Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Ivai Nenguva Yakawanda Muri Pamwe Chete

Ivai Nenguva Yakawanda Muri Pamwe Chete

 Varume nemadzimai vakawanda vanoona zvakavaomera kutaura vese, kunyange pavanenge vari pamwe chete. Chii chinoita kuti zvidaro?

 Nei vamwe vachinzwa sekuti havana ushamwari hwepedyo kunyange zvazvo vachipedza nguva yakawanda vari vese?

  •   Kuneta

     “Patinenge tawana nguva yekumbotaura tese, ndinenge ndakaneta kana kuti murume wangu ndiye anenge akaneta. Kana ndakaneta, ndinokurumidza kugumbuka. Saka zvinenge zvitori nani kuti tione hedu TV.”—Anna.

  •   Kuvhiringidzwa nemafoni uye matablet

     “Kuenda paIndaneti kunogona kutidyira nguva yakawanda. Unogona kuita maawa akawanda uri paIndaneti, usina kutombotaura nemumwe wako. Zvinotoita sekuti hamusi mumba mumwe chete.”—Katherine.

  •   Kufarira zvinhu zvakasiyana

     “Murume wangu paanodzoka kubasa, anoshandisa nguva yake kuita zvinhu zvaanofarira. Semunhu anoshanda nesimba, anofanira kumbowana nguva yekuva ega achiita zvaanofarira. Asi ndaizoda kuti tive nenguva yakawanda tiri pamwe chete.”—Jane.

  •   Basa

     “Zvinhu zvakadai semafoni mazuva ano zviri kuita kuti tiite mabasa kunyange panguva yatinenge tiine mhuri dzedu. Kazhinji ndinozoona ndava kupindura mae-mail uye mameseji ebasa panguva yandinofanira kunge ndiine mudzimai wangu.”—Mark.

 Zvamunogona kuita

  •   Onai nguva yekuva pamwe chete seinokosha kwete kumirira panomuka mukana.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Ivai nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’—VaFiripi 1:10.

     Zvekufunga nezvazvo: Zvaunoita zvinoratidza here kuti unokoshesa wanano yako kupfuura basa kana kuti zvimwe zvinhu zvaunofarira? Unongowanira mumwe wako nguva paunenge washaya zvekuita here?

     Zano: Rongai nguva yekuva pamwe chete. Moita kuti pasava nechimwe chinhu chinokuvhiringidzai.

     “Ndinofara murume wangu paanoronga kuti tive pamwe chete tiri vaviri. Zvinoita kuti ndione kuti anondikoshesa uye kuti anonakidzwa nekuva neni. Izvi zvinoita kuti ndiwedzere kumuda.”—Anna.

  •   Dzidza kumbogara usina foni kana kuti tablet yako.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho.”—Muparidzi 3:1.

     Zvekufunga nezvazvo: Kangani paunotadza kunyatsoteerera zvinenge zvichitaurwa nemumwe wako nekuti foni yako yapinda meseji?

     Zano: Edzai kudya mese kunyange kamwe chete pazuva uye siyai mafoni enyu mune rimwe kamuri. Nguva yekudya inokupai mukana wakanaka wekutaura zvaitika zuva iroro.

  •   Pazvinenge zvichiita, itai mabasa epamba pamwe chete kana kuenda kunotenga zvinhu muri mese.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete nekuti vane mubayiro wakanaka pakushanda kwavo nesimba.”—Muparidzi 4:9.

     Zvekufunga nezvazvo: Zvinowanzoitika here kuti mumwe anoenda ega kunotenga zvinhu kana kuti anoita mamwe mabasa ari ega?

     Zano: Batsiranai kuita zvinhu zvese kunyange mabasa anogona kuitwa nemunhu mumwe chete.

     “Shandisai nguva yamunoenda kunotenga zvinhu, kusuka ndiro, kurongedza hembe uye kugadzira panze semukana wekuva pamwe chete?”—Nina.

  •    Iva munhu anonzwisisa

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.”—VaFiripi 4:5.

     Zvekufunga nezvazvo: Ungaratidza sei kunzwisisa pane zvaunotarisira kuti mumwe wako akuitire?

     Zano: Kurukurai kuti mumwe azive zvinodiwa nemumwe. Sarudzai kuti muchada kushandisa sei nguva yenyu nenzira inoita kuti mese mufare.

     “Murume wangu achiine simba rakawanda asi ini utano hwangu hahuna kusimba saka ndine simba shoma. Kakawanda, ndinokurudzira murume wangu kuti ambobuda hake pamba aite zvaanofarira uye ndinosara kumba ndakamumirira kuti adzoke. Ndinozorora hangu ndiri pamba, iye achienda kunoita maekisesaizi. Tese tinofara nekuti tinenge taita zvatinokwanisa.”—Daniela.

 Zvamungataura nezvazvo

 Chekutanga, mumwe nemumwe wenyu ngaazvibvunze mibvunzo inotevera. Mozokurukura pamwe chete mhinduro dzenyu.

  •    Iye zvino unoona sekuti iwe nemumwe wako muri kuwana nguva yakakwana yekuva pamwe chete here?

  •   Chii chaunoyemura chinoitwa nemumwe wako kuti mukwanise kuwana nguva yekuva pamwe chete?

  •   Ndepapi paunoda kuti mumwe wako avandudze?

  •   Unovhiringidzwa zvakadii nezvinhu zvakadai semafoni zvekuti unotadza kunyatsoteerera mumwe wako paanenge achitaura?

  •   Mese mungaratidza sei kuti munonzwisisa pane zvamunotarisira kune mumwe nemumwe?

  •   Zvii zvamungaita vhiki rino kuti muwane nguva yekuva pamwe chete pasina chinokuvhiringidzai?