Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Tinofanira Kugara Tese Tisati Tachata Here?

Tinofanira Kugara Tese Tisati Tachata Here?

 Vanhu vakawanda vanotanga kugara vese vasati vachata. Chinoita kuti vamwe vadaro ndechekuti vanenge vachida kutanga vaona kuti vanowirirana zvakadii. Uyewo vanenge vachifunga kuti kana vakagara vese zvichazoita kuti vave newanano yakasimba. Asi kugara mese musati machata kwakanaka here?

Zviri munyaya ino

 Bhaibheri rinoti kudii?

  •   Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vasati vachata havafaniri kuita zvepabonde. Semuenzaniso rinotiudza kuti ‘regai upombwe.’ (1 VaTesaronika 4:3; 1 VaKorinde 6:18) Izvi zvinosanganisira kurara pamwe chete kunoita murume nemukadzi vanenge vachigara vese vasati vachata, pasinei nekuti vari kuronga kuzochata. a Zvinotaurwa neBhaibheri izvi zvinobatsira murume nemukadzi vasati vachata kuti pasazova nepamuviri pasingadiwi kana kuti mamwe matambudziko anokonzerwa nekuti vanhu vatanga kugara vese vasati vachata.

  •   Urongwa hwekuti pave newanano hwakatangwa naMwari. Paakahutanga, akati: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Kana murume nemudzimai vakasarudza kuchata, kakawanda kacho vanova nemhuri inofara, yakasimba uye ine rudo.

 Kugara mese kunoita kuti mugadzirire kuzova muwanano here?

 Vamwe vanoti hungu. Vanofunga kuti kana vanhu vaviri vakagara vese zvinovabatsira kuziva zvakaita imba nekuti vanenge vachiita mabasa epamba pamwe chete uye vanenge vaine mukana wekunyatsocherechedza kuti mumwe nemumwe wavo ane unhu hwakaita sei. Asi chinhu chinokosha chinonyanya kudiwa kuti wanano isimbe kuramba makavimbika kune mumwe nemumwe.

 Murume nemukadzi vangadzidza sei kuramba vari vese zvinhu pazvinenge zvakanaka uyewo pazvinenge zvakaoma? Kugara mese musati machata handiko kunoita kuti muzova newanano yakasimba, nekuti pamunenge musati machata mese muri vaviri munenge muchingoona sekuti munogona kungorambana mobva matoparadzana. Asi wanano inosimba vanhu vaviri pavanoperera kune mumwe nemumwe uye pavanoshanda pamwe chete kugadzirisa nyaya dzinenge dzanetsa.

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Vanhu vanenge vachigara vese vasina muchato vanogona kufunga kuti vari kugadzirira zvavanozoita kana vachata, asi chokwadi ndechekuti vanenge vachigadzirira kuzoparadzana.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

 Kugara mese kunoita kuti musevhe mari here?

 Vamwe vanoti hungu. Imwe ongororo yakaitwa kuUnited States yakaratidza kuti vanhu 4 pavanhu 10 vega vega vakatanga kugara vese vasina muchato, vachiitira kuti vasevhe mari. Asi pashure pekugara vese kwekanguva, vamwe vavo vakataura kuti nyaya dzemari ndidzo dzaiita kuti vaone kuti vainge vasati vagadzirira kupinda muwanano.

 Kana vanhu vaviri vakagara vese vasati vachata zvinewo mamwe matambudziko azvinokonzera, kunyanya kuvanhukadzi. Semuenzaniso, kazhinji kacho vanhu pavanorambana, vakadzi ndivo vanowanzosara vachizorera vana vari vega.

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Kutanga kugara mese musati machata kunokonzera matambudziko akawanda.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, iye anokudzidzisa zvinokubatsira.”—Isaya 48:17.

 Kugara mese kunokubatsira kuti usazoroorana nemunhu anoita kuti uzoshaye mufaro here?

 Vamwe vanoti hongu. Asi rimwe bhuku rinonzi Fighting for Your Marriage rinoti, “vanhu vanotanga kugara vese vasati vachata havazive kuti zvinowanzooma kuti vanhu vanenge vambogara vese vazorambana.” Nei zvakadaro? Vamwe varume nevakadzi vanogara vese vasina muchato vanogona kuona kuti vane zvinhu zvakawanda zvavasingawirirani pazviri. Asi nemhaka yekuti vanenge vaine mhuka yavanochengeta vese, imba yavakatenga vese, kana kuti mukadzi ava nepamuviri, vanozongopedzisira vagara vese nekuti ndizvo zvavajaira. Bhuku rinonzi Fighting for Your Marriage rinozoenderera mberi richiti, “vamwe vanhu vaigona kunge vakarambana vasati vapinda muwanano vanogona kupedzisira varoorana nekuti zvinenge zvava nyore kungoramba vachigara vese.”

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Pane kuti zvikubatsire kuita chisarudzo chakanaka, kugara mese musati machata kunogona kuita kuti zviome kurambana.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.”—Zvirevo 22:3.

 Pane zvimwe zviri nani zvaungaita here?

 Unogona kunzvenga matambudziko anokonzerwa nekugara mese musati machata uye kuwedzera mikana yenyu yekuva newanano inofadza. Ungazviita sei? Nekutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yewanano. Nyatsotora nguva yako kuti uzive kuti munhu wauri kuda kupinda naye muwanano akaita sei musati matanga kugara semurume nemudzimai. Kuti vanhu vazogarisana zvakanaka zvinowanzoda vaine zvinhu zvakafanana zvavanokoshesa, uyewo dzidziso dzimwe chete dzechitendero. Izvi zvinonyanya kukosha kupfuura kutorwa mwoyo nechimiro chemumwe wako.

 Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uve newanano inofadza uye yakasimba. b Semuenzaniso, Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira kuti . . .

 Kuti uzive zvakawanda nezvenyaya idzi, ona chikamu chepajw.org chinonzi “Wanano Uye Mhuri

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Magwaro ese akafemerwa naMwari uye anobatsira pakudzidzisa.”—2 Timoti 3:16.

a Ona nyaya ine musoro unoti, “Does Romantic Love Justify Premarital Sex?

b Mune dzimwe tsika, vabereki vanobatsira vana vavo pakusarudza munhu wekuroorana naye. Bhaibheri rine mazano ekubatsira vabereki pakuziva zvekutarisa pavanenge vachitsvagira mwana wavo munhu wekuchata naye.