Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Zvirevo 3:5, 6—‘Rega Kuzendamira Panjere Dzako’

Zvirevo 3:5, 6—‘Rega Kuzendamira Panjere Dzako’

 “Vimba naJehovha nemwoyo wako wese, urege kuvimba nekunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzese, uye iye acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6, Shanduro yeNyika Itsva.

 “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutende, uye acharuramisa nzira dzako.”—Zvirevo 3:5, 6, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naZvirevo 3:5, 6

 Tinofanira kutsvaga kutungamirirwa naJehovha a Mwari patinoita zvisarudzo zvakakura pane kuita zvatinofunga.

 “Vimba naJehovha nemwoyo wako wese.” Tinoratidza kuti tinovimba naMwari patinoita zvinhu maererano nezvaanoda. Tinofanira kunyatsovimba naye nemwoyo wedu wese. MuBhaibheri, shoko rekuti mwoyo rinowanzoreva zvakaita munhu nechemukati, izvo zvinosanganisira vavariro dzake, manzwiro, mafungiro uye maitiro ake. Saka kuvimba naMwari hakungogumiri pamanzwiro atinoita. Chisarudzo chatinotoita nekuti tinonyatsoziva kuti Musiki wedu anoziva zvakatinakira.—VaRoma 12:1.

 “Urege kuvimba nekunzwisisa kwako.” Tinofanira kuvimba naMwari kwete kuvimba nekunzwisisa kwedu nekuti tine chivi. Kana tikazvivimba kana kuti tikatungamirirwa nemanzwiro edu tinogona kuita zvisarudzo zvinoita sezvakanaka asi zvichizotipinza mumatambudziko. (Zvirevo 14:12; Jeremiya 17:9) Mwari akachenjera kutidarika. (Isaya 55:8, 9) Patinotungamirirwa nemafungiro ake, tinobudirira muupenyu.—Pisarema 1:1-3; Zvirevo 2:6-9; 16:20.

 “Funga nezvake munzira dzako dzese.” Tinofanira kufunga nezvemaonero aMwari pazvinhu zvese zvinokosha muupenyu hwedu uye pazvisarudzo zvese zvakakura zvatinoita. Tinoita izvi nekunyengetera tichimukumbira kuti atitungamirire uye nekutevedzera zvaanotiudza muShoko rake Bhaibheri.—Pisarema 25:4; 2 Timoti 3:16, 17.

 “Iye acharuramisa makwara ako.” Mwari anoruramisa makwara edu nekutibatsira kuti tirarame maererano nemitemo yake yakarurama. (Zvirevo 11:5) Hatizozvipinzi mumatambudziko uye tichava vanhu vanofara.—Pisarema 19:7, 8; Isaya 48:17, 18.

Mashoko akapoteredza Zvirevo 3:5, 6

 Bhuku raZvirevo rine mazano anotibatsira kuti tifare muupenyu uye tifadze Mwari. Zvitsauko 9 zvekutanga zvine mashoko anoita sekuti baba vari kurayira mwanakomana wavo wavanoda. Chitsauko 3 chinoratidza makomborero anowanikwa nevaya vanokoshesa uye vanotevedzera zvavanoudzwa neMusiki wedu.—Zvirevo 3:13-26.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.