Enda pane zvauri kuda

Vaipfeka Triangle Yepepuru

Vaipfeka Triangle Yepepuru

 Maud anogara kuFrance uye anoshanda pane chimwe chikoro chine vana vakaremara. Munguva pfupi yapfuura, vamwe vana vaidzidza nezveutsinye hwakaitirwa vaJudha uye misasa yevasungwa yevaNazi. Vasungwa vaifanira kupfeka yunifomu yakasonerwa kachigamba kane ruvara. Ruvara neshepu yekachigamba aka zvairatidza kuti munhu wacho akasungirwei.

 Achitaura nezvezvigamba zvetriangle zvepepuru zvaipfekwa nevamwe vasungwa, mudzidzisi wacho akati: “Ndinofunga kuti vakasungirwa ungochani.” Chidzidzo chapera, Maud akataura nemudzidzisi uya akamutsanangurira kuti vaNazi vainamira triangle yepepuru payunifomu dzeZvapupu zvaJehovha. a Akakumbira kuunza mabhuku nezvimwe zvinhu zvaitsanangura nyaya iyi. Mudzidzisi wacho akabvuma.

 Pane imwe nguva zvidzidzo panyaya iyi pazvaienderera mberi, mumwewo mudzidzisi akaratidza chati yaiva nezviratidzo zvakasiyana-siyana zvaisonerwa payunifomu dzevasungwa. Chati iyi yairatidza kuti triangle yepepuru yainamirwa zvechokwadi payunifomu dzeZvapupu zvaJehovha. Zvidzidzo zvapera, Maud akaudza mudzidzisi uyu zvimwe zvinhu zvaaiziva nezvenyaya iyi. Mudzidzisi uya akateerera ndokubva audza Maud kuti azozviudzawo vamwe vadzidzi.

Maud akabata zvinhu zvaakashandisa

 Maud akagadzirira kuzotaura pamberi pekirasi yekutanga kwemaminitsi 15, asi nguva yacho payakasvika, akaudzwa kuti: “Takupa awa yese.” Maud akatanga nekuratidza vhidhiyo yekutambudzwa kwakaitwa Zvapupu nevaNazi. Vhidhiyo iya payakati vaNazi vakatora vana veZvapupu vaikwana 800 vachivabvisa pavabereki vavo, Maud akamboimisa zvishoma ndokubva averenga zvakaitika kune vamwe vana vacho vatatu. Vhidhiyo yapera, Maud akapedzisa nekuverenga tsamba yekuoneka yakanyorwa muna 1940 neChapupu chaiva nemakore 19 chekuAustria chainzi Gerhard Steinacher, uyo akanyorera vabereki vake pangosara maawa mashomanana kuti aurayiwe nevaNazi. b

 Maud akataurazve pamberi pekirasi yechipiri. Nemhaka yeushingi hwaMaud, iye zvino vadzidzisi vese vari vaviri vanova nechokwadi chekuti vataura nezveZvapupu zvaJehovha pavanodzidzisa nezvevanhu vakatambudzwa mumisasa yevaNazi.

a Pairwiwa Hondo Yenyika Yechipiri, Zvapupu zvaJehovha muGermany, izvo zvaizivikanwawo seVadzidzi veBhaibheri, zvakasungwa nekuti zvairamba kutsigira vaNazi.

b Gerhard Steinacher akatongerwa rufu nekuti akaramba kupinda muuto reGermany. Mutsamba yake yekuoneka, akanyora kuti: “Ndichiri mwana. Ndinoramba ndakashinga kana Ishe atondipa simba, uye izvi ndizvo zvandiri kukumbira.” Mangwanani akatevera acho Gerhard akaurayiwa. Dombo repaguva rake rakanyorwa kuti: “Akafa kuti Mwari akudzwe.”