Enda pane zvauri kuda

Mudzidzi weBhaibheri Mumwe Chete Anoguma Nevakawanda

Mudzidzi weBhaibheri Mumwe Chete Anoguma Nevakawanda

 Mumwe weZvapupu zvaJehovha muGuatemala anonzi Marta, ari kudzidzira mutauro unonzi Kekchi kuti azoparidzira vanhu vanotaura mutauro uyu. Rimwe zuva akaona mumwe murume aibva pachipatara. Chitarisiko chake chakaita kuti Marta afunge kuti murume uyu aibva kune mumwe musha une vanhu vanotaura chiKekchi munharaunda yemakomo kusingawanzosvikwa neZvapupu zvaJehovha. Akabva aenda kwaari ndokutanga kutaura naye mumutauro wechiKekchi waakanga achiri kudzidzira.

 Marta akabva akumbira kudzidza Bhaibheri nemurume uyu. Uye akabvuma achifara asi achibva audza Marta kuti aisava nemari yekubhadhara chidzidzo chacho. Marta akatsanangurira murume wacho kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidza nevanhu pasina mari inobhadharwa. Akaudzawo murume wacho kuti anogona kudzidza pafoni uye kuti mhuri yake yese yaigona kudzidzawo. Murume wacho akabva abvuma. Sezvo aitaura uye kuverenga chiSpanish, Marta akapa murume wacho Bhaibheri reShanduro Yenyika Itsva muchiSpanish. Akabva amupawo bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rechiKekchi. Vhiki rakatevera, murume uyu, mudzimai wake nevana vavo vaviri, vakatanga kudzidza Bhaibheri naMarta vachishandisa foni. Vaidzidza kaviri pavhiki. Marta anoti: “Nekuti ndaisanyatsogona mutauro wechiKekchi, taidzidza nechiSpanish, uye murume wacho aishandurira mudzimai wake muchiKekchi zvataidzidza. Vana vacho vainzwa chiSpanish.”

 Murume uyu aiva mufundisi muchechi yake. Akatanga kudzidzisa vateveri vake zvaakanga ari kudzidza muBhaibheri. Vateveri vacho vakafarira zvavainzwa vakabva vamubvunza nezvekwaainge anzwa dzidziso itsva idzi. Paakavaudza kuti akanga ari kudzidziswa Bhaibheri, vakatanga kubatana naye. Pasina nguva, vanhu 15 vakanga vava kuungana vhiki nevhiki kuti vadzidze Bhaibheri pafoni naMarta. Nekufamba kwenguva, vakaisa maikorofoni pedyo nefoni kuitira kuti munhu wese anzwe.

 Marta paakaudza vakuru vekuungano kwake nezvechidzidzo chacho cheBhaibheri, mumwe wevakuru vacho akashanyira musha waigara vadzidzi ava. Akavakoka kuzoteerera hurukuro yaizopiwa nemutariri wedunhu a uye vaifanira kufamba awa imwe chete nemota vozopedzisa maawa maviri vachifamba netsoka. Vadzidzi vakabvuma uye 17 vavo vakaenda.

 Kwapera mavhiki anoverengeka, mutariri wedunhu nezvimwe Zvapupu vakashanyira vadzidzi vacho kwemazuva mana. Mangwanani ega ega vaiona mavhidhiyo eBhaibheri mumutauro wechiKekchi epajw.org, uye vaidzidza bhuku rinonzi Ndivanaani Vari kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? Masikati vaiona zvikamu zveJW Broadcasting. Mutariri wedunhu akarongawo kuti mudzidzi mumwe nemumwe ave nemunhu anomudzidzisa Bhaibheri.

 Mumazuva mana iwayo, Zvapupu zvacho zvakaparidza munharaunda iri pedyo ine vanhu vanotaura chiKekchi uye vakakoka vanhu vacho kumusangano waikosha. Pamusangano wacho, hama dzakaudza vanhu 47 vakanga vauya kuti vadzidziswe Bhaibheri. Mhuri 11 dzakabvuma kudzidza.

 Papera mwedzi mishoma, vakuru vakaronga kuita misangano kupera kwevhiki rega rega munharaunda yavakanga vatanga kuparidzira. Kutaura kuno, vanhu vanenge 40 vari kupinda misangano nguva dzese. Uye hama padzakaita Chirangaridzo cherufu rwaJesu ikoko, vakafara kuva nevanhu 91 vakapinda.

 Achirangarira zvakaitika zvacho, Marta anoti: “Ndinotenda Jehovha. Dzimwe nguva ndinonzwa sekuti handikwanisi kuita zvakawanda. Asi tiri maturusi ari mumaoko aMwari. Aiziva zvaiva mumwoyo yevagari vemisha iyi, uye akaita kuti vaonane nevanhu vake. Jehovha anovada.”

a Mutariri wedunhu mushumiri weZvapupu zvaJehovha anoshanyira ungano dzinenge 20 dzinoumba dunhu.