Enda pane zvauri kuda

Kirasi yechi138 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Kirasi yechi138 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Musi weMugovera 14 March 2015, kirasi yechi138 yeGiriyedhi yakaita musangano wokupedza chikoro kuPatterson, kuNew York. Vanhu vakaona purogiramu yacho kusanganisira vamwe vaiva kune dzimwe nzvimbo vaidarika 14 000. Pakatanga purogiramu iyi pakaridzwa nziyo dzoUmambo itsva 4 uye vanhu vakazodziimbawo pava paya. a

Hama Geoffrey Jackson, veDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha ndivo vaiva sachigaro wepurogiramu yacho. Vakakurudzira vadzidzi kuti vaisafanira kuomera neruzivo rwavakanga vava narwo asi kuti vaifanira kurupakurirawo vamwe.​—2 Timoti 2:2.

Hama Jackson vakataura zvakaitwa naMosesi. Tende raMosesi rakamboshandiswa senzvimbo yokunamatira nevaIsraeri kwekanguva. Asi pakapera kugadzirwa tebhenekeri, ndiyo yakanga yava kushandiswa pakunamata kwechokwadi. Zvinoita sokuti Mosesi akanga asingabvumirwi kupinda muNzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri yacho, asi maingopindwa nemupristi mukuru chete. Hapana chinoratidza kuti Mosesi akambonyunyuta nekuchinja kwakanga kwaita zvinhu. Akaramba achitotsigira Aroni nemwoyo wose pabasa raakanga ava kuita semupristi mukuru. (Eksodho 33:7-11; 40:34, 35) Tinodzidzei? “Hatimbofaniri kufa takaomera neruzivo rwatiinarwo,” vakadaro Hama Jackson.

“Uchavhunduka Nokunzwa Shizha Riri Kupeperetswa Here?” Ndiyo hurukuro yakapiwa naHama Kenneth Flodin, vanobatsira Komiti Yekudzidzisa yeDare Rinotungamirira. Vakaudza vadzidzi kuti vaigona kuzosangana nezvinhu zvinoita sezvinotyisa zvakadai sokutambudzwa kana kuti mamwe mabasa akavaomera. Vakashandisa mashoko ari muna Revhitiko 26:36 kuti vakurudzire vadzidzi vacho kuona zvinhu izvi kwete sezvinhu zvinotyisa asi seshizhawo zvaro riri kupeperetswa. Hama Flodin vakabva vazotaura zvakaitwa nomuapostora Pauro uyo akatsungirira matambudziko akawanda nemhaka yokuti aivimba naJehovha.​—2 VaKorinde 1:8, 10.

“Muri Kutarisira Kuzowanei?” Hama Mark Sanderson veDare Rinotungamirira ndivo vakapa hurukuro yaitevera. Vakataura chidzidzo chatinowana pana Zvirevo 13:12, panoti: “Kana chinhu chinotarisirwa chikanonoka, chinoita kuti mwoyo urware.” Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanorarama upenyu hwavo hwose vakaora mwoyo, nemhaka yokuti mwoyo yavo inenge ichingova pazvinhu zvavanogona kuzotadza kuita, zvakadai sekupfuma kana kuti kuva nemukurumbira.

Munguva yaJesu, vamwe vaitarisira zvinhu zvisiri izvo nezvaJohani Mubhabhatidzi. (Ruka 7:24-28) Somuenzaniso, vangadaro vaitarisira kuona munhu akadzidza chaizvo aizovadzidzisa zvinhu zvakaoma kunzwisisa. Kana zviri izvo zvavaifunga vaizoora mwoyo nokuti Johani aidzidzisa mashoko aMwari aiva nyore kunzwisisa. Vamwe vangadaro vaitarisira kuona munhu aipfeka zvinhu zvinoshamisira. Asi Johani aipfeka zvinhu zvaipfekwa nevanhu vaitarisirwa pasi. Kana vari vaya vaitarisira kuona muprofita vaisazoora mwoyo nokuti Johani aiva muprofita uyewo ndiye akazivisa nezvokuuya kwaMesiya!​—Johani 1:29.

Hama Sanderson vakabva vazokurudzira vadzidzi kuti vaise pfungwa dzavo pazvinhu zvinokosha. Panzvimbo pokufunga nezvemukurumbira kana kuti kuda kuonekwa sevanhu vanokosha, vakaudzwa kuti vashandise ruzivo rwavakawana kuti vabatsire vamwe. Vanogona kuita izvi nokuudzawo vamwe zvinhu zvavakadzidza kuGiriyedhi, nokusimbisa kutenda kwehama nehanzvadzi dzavo, uye kudziratidza rudo. “Nguva dzose zvininipisei uye shandirai hama dzenyu . . . Mukadaro, chokwadi muchafadzwa nezvamuchawana,” vakadaro Hama Sanderson.

“Ipa Zvokudya Vane Nzara.” Ndiyo hurukuro yakapiwa naHama James Cauthon, vari muDhipatimendi Rezvikoro Zvesangano. Hama Cauthon vakataura kuti munhu wese ane nzara yokuratidzwa rudo uye kuratidzwa kuti anokosha. Kunyange Jesu aitozvidawo, zvokuti musi waakabhabhatidzwa, Jehovha akataura mashoko anoratidza kuti anomuda.​—Mateu 3:16, 17.

Jehovha akatipa simba rokuti tikurudzire uye tisimbise vamwe nezvatinotaura, uye anotarisira kuti tishandise simba iroro. (Zvirevo 3:27) Hama Cauthon vakakurudzira vadzidzi vachiti, “Dzidzirai kutarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe uye musazeza kuvarumbidza.” Kurumbidza hama dzedu zvichibva pamwoyo kuchaita kuti dzizive kuti zvadzinoita zvinokosha.

“Kuzvipira Nemwoyo Wose.” Hama Mark Noumair, vanobatsira Komiti Yekudzidzisa ndivo vakapa hurukuro yaitevera. Vakataura zvakaitwa nemuapostora Pauro kuti vakurudzire vadzidzi kutsvaka mikana yokuwedzera kana kuvandudza zvavanenge vachiita. SaPauro, vachawana mufaro kana vakazvidurura vachiitira hama dzavo.​—VaFiripi 2:17, 18.

Pauro haana kukanda mapfumo pasi kunyange paaiva mumatambudziko. Akaita seakazvidurura nokuti akaramba achishanda nesimba kusvikira paakafa. Ndokusaka akazoti: “Ndamhanya kusvika kumugumo.” (2 Timoti 4:6, 7) Hama Noumair vakakurudzira vadzidzi kuti vatevedzere Pauro nokutsigira nemwoyo wose basa roUmambo chero kwavanenge vari.

Zvakaitika. Hama Michael Burnett, mumwe wevarayiridzi vechikoro cheGiriyedhi, vakaitisa chikamu chaitevera papurogiramu yacho uye vamwe vadzidzi vakaratidza zvavakasangana nazvo pavaiparidza panguva yavaipinda chikoro muPatterson.

Nguva nenguva vadzidzi vaibudirira chaizvo nemhaka yokuti vaigara vakagadzirira kuparidza uye vaiedza kuparidzira vanhu “norurimi rwaamai vavo.” Somuenzaniso, mumwe mudzidzi akaudzwa kuti mundima yaaida kunoparidza mune vanhu vakawanda vanotaura chiSpanish. Saka rimwe zuva asati aenda kunoparidza, akatanga adzidzira mashoko mashoma echiSpanish achibatsirwa neJW Language app. Musi iwoyo, akabva asangana nemumwe murume aitaura chiSpanish. Akatanga kutaura nemurume wacho achishandisa mashoko mashomanana echiSpanish aakanga adzidzira vakazopedzisira vatoronga kudzidza Bhaibheri nemurume wacho uye nevamwe vanhu 4 vemumhuri make.

Nhaurirano. Hama William Turner, Jr., vanobatsira Komiti Yebasa yeDare Rinotungamirira, vakaita nhaurirano nevadzidzi 4 vachivabvunza zvinhu zvavakasangana nazvo vasati vauya kuGiriyedhi uyewo zvavakanga vadzidza muchikoro ichi.

Vadzidzi vakataura zvinhu zvakavakurudzira pane zvavakadzidza muchikoro. Somuenzaniso, mumwe wavo akataura zvaakadzidza munyaya iri muna Ruka chitsauko 10. Vadzidzi 70 vakatumwa naJesu vakafara pavakabudirira muushumiri hwavo. Kunyange zvazvo Jesu akafarawo, akavaudza kuti mufaro wavo haufaniri kungobva pakubudirira kwavaiita asi waifanira kubva pakuziva kuti Jehovha aifadzwa nekuita basa ravakanga vanzi vaite. Izvi zvinotiyeuchidza kuti mufaro wedu haubvi pakuti zvinhu zvipi zvatiri kuita uye kuti tinokwanisa kuita zvakawanda zvakadini asi pakuti Jehovha ari kufara nazvo here.

Hama Turner vakazokurudzira vadzidzi nemashoko ari pana VaFiripi 1:6 vachiratidza kuti Jehovha akanga “atanga basa rakanaka” mavari uye kuti aizoramba ainavo.

“Ramba Wakatarira Kuna Jehovha.” Hama Samuel Herd veDare Rinotungamirira, ndivo vakapa hurukuro inokosha. Vakati hatigoni kuona Jehovha nemaziso edu. Saka tingaramba sei takamutarira iye asingaoneki?

Imwe nzira yatinogona kuona nayo Jehovha ndeyokuongorora zvinhu zvaakasika, izvo zvinotidzidzisa nezvake. Uyewo, Jehovha ‘akavhenekera maziso emwoyo yedu.’ (VaEfeso 1:18) Tikagara tichiverenga Bhaibheri tinowedzerawo kuziva zvakawanda nezvake. Patinodaro tinobva tawedzera kuva pedyo naye.

Kuti tinyatsoziva kuti Jehovha munhu akaita sei, tinofanira kuongorora zvinotaurwa nemabhuku aMateu kusvika kuna Johani ayo anotaura nezveupenyu hweMwanakomana wake. Jesu akanyatsoratidza zvakaita Jehovha zvokuti aigona kuti: “Aona ini aonawo Baba.”​—Johani 14:9.

Hama Herd vakakurudzira vaivapo kuti vasangogumira pakuongorora zvaiitwa naJesu asiwo kuti vamutevedzere. Somuenzaniso, Jesu akashanda nesimba kuti audze vanhu mashoko aMwari, isu tinofanirawo kushanda nesimba kuti tiudzewo vamwe zvatinodzidziswa nesangano.

Kana tikaramba takatarira kuna Jehovha chii chichaitika? Tinogona kuva nechivimbo sechaiva nemunyori wepisarema uyo akanyora kuti: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.”​—Pisarema 16:8.

Mhedziso. Vadzidzi ava pavakapedza kupiwa zvitupa zvavo, mumwe wavo akabva averenga tsamba yokutenda yakanyorwa nekirasi yacho. Hama Jackson vakabva vapedzisa musangano wacho nokuudza vadzidzi vacho kuti havafaniri kuona sokuti zvose zvavachadzidzisa zvinofanira kunge zviri zvinhu zvitsva. Kazhinji kacho vanenge vachingoyeuchidza hama nehanzvadzi dzavo zvinhu zvadzagara dzichitoziva. Hama Jackson vakasimbisawo nyaya yokuzvininipisa. Panzvimbo pokuti vade kuonekwa kana kuti kudada neruzivo rwavawana pachikoro cheGiriyedhi, vadzidzi vanofanira kuita kuti vanhu vaise pfungwa dzavo pane zvinotaurwa neBhaibheri uye nemabhuku anobudiswa nesangano. Kuita izvi kuchaita kuti vasaodza mwoyo vaya vangasava nemukana wekupinda chikoro cheGiriyedhi, uye zvichatokurudzira hama dzavo kuti dzishandise zvinhu zvadzinokwanisa kuwana. Musangano uyu pawakapera vanhu vose vaivapo vakaenda vakurudzirwa zvokuti vakanga vava nechido chokunoshumira hama nehanzvadzi dzavo.

Freeman naMiriam Abbey

Joel Acebes

Arsen naAlyona Airiiantc

Aynura Allahverdiyeva

Haja naLalatiana Andriakaja

Dale naSonia Clarke

Michael naKatrina Davies

Trent Edson

Aleksandr Fomin

Josué François

Juan Giovannelli

Mark naJill Hollis

Daniel Jovanović

Hugues naRachel Kabitshwa

Dong-in Kim

Yura Kucherenko

Robert naSamantha Li

Gilles naChristiane Mba

Kyaw naHka Tawm Naing

Victor naAmi Namba

Ebenezer naSonnie Neal

David Nwagu

Meray Razzouk

Sóstenes naEly Rodrigues

Davy Sehoulia

Eki Soba

Simão Sona

Anja Van Looveren

Gwen Williams

K. Abdiel naArmande Worou

a Vanhu vaivapo vakapiwa nziyo itsva mazuva mashomanana musangano wacho usati waitwa.

b Dzimwe nyika hadzipo pamepu.

c Mamwe mazita evadzidzi haana kunyorwa.