Enda pane zvauri kuda

Kuparidzira Vanhu Vanofamba Nengarava

Kuparidzira Vanhu Vanofamba Nengarava

Zvinofungidzirwa kuti pasi rese pane vanhu vanosvika miriyoni nehafu vanofamba nengarava. Sezvo vashandi vemungarava vachifamba kubva pane chimwe chiteshi vachienda kune chimwe, Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei kuti zviudze vakawanda vavo mashoko anobva muBhaibheri? Ngarava painosvika pachiteshi, Zvapupu zvakanyatsodzidziswa zvinokumbira kupinda mungarava yacho kuti zvipe vashandi vemo mabhuku uye kuti zvivadzidzise Bhaibheri vasingabhadhari nemutauro wavanenge vachida.

Izvi zvakabatsira sei? Mumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi Stefano uyo anoparidza pachiteshi chengarava chiri muVancouver, kuCanada, akati: “Vamwe vanhu vanofunga kuti vashandi vese vemungarava vakaoma musoro. Variko havo vashoma vakadaro, asi vakawanda vacho vatinotaura navo vanozvininipisa uye vanoda kudzidza.” Stefano anotiwo: “Vakawanda vanotenda muna Mwari uye vanoda kuti avakomborere, saka vanotigamuchira zvine ushamwari.” Kubva muna September 2015 kusvika muna August 2016 muVancouver chete, Zvapupu zvaJehovha zvakashevedzwa kuti zvizoparidza mungarava dzakasiyana-siyana kanopfuura ka1 600! Vanhu vanofamba nengarava vakapiwa zviuru zvemabhuku mumitauro yakawanda uye vanopfuura 1 100 vakatanga kudzidza Bhaibheri.

Chii chinoitwa kuti vanhu vanofamba nengarava varambe vachidzidziswa Bhaibheri?

Sezvo Zvapupu zvichiwanika pazviteshi zvengarava pasi rese, vanhu vanenge vachida kuramba vachidzidza Bhaibheri vanogona kukumbira kuti chimwe Chapupu chizovashanyira kana vasvika kune chimwe chiteshi. Semuenzaniso muna May 2016, Zvapupu zvaJehovha zvemuVancouver zvakaonana nemukuru wevabiki wemune imwe ngarava inotakura zvinhu anonzi Warlito. Vakamuratidza vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? vachibva vatanga kumudzidzisa Bhaibheri vachishandisa bhuku rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Warlito akafarira zvaakadzidza uye aida kuramba achidzidza Bhaibheri, asi ngarava yake yaizonomira kuchiteshi chaiva kure chaizvo chinonzi Paranaguá chiri kuBrazil.

Ngarava yake payakazosvika kuParanaguá patopfuura mwedzi, Warlito akashamiswa chaizvo paakaona Zvapupu zviviri zvemuBrazil zvichifamba mungarava zvichimutsvaga nezita! Vakamuudza kuti zvimwe Zvapupu zvekuVancouver zvakanga zvatumira chikumbiro chake chekuti azoshanyirwa. Warlito akafara chaizvo paakaonana neZvapupu zvekuBrazil uye akatenda zvese zvakanga zvaitwa kuti ashanyirwe. Akataura achifara kuti aizoda kuenderera mberi nekudzidza Bhaibheri ngarava yake payaizonomira pachiteshi chaitevera.