Enda pane zvauri kuda

Kuruboshwe: Zviuru zvevanhu vakanzwa Hama Joseph F. Rutherford vachikurudzira nezvekuzivisa Mambo neUmambo hwake pagungano remazuva 9 rakaitirwa paCedar Point, Ohio, U.S.A. Kurudyi: Hama Rutherford vari kutaura pamaikorofoni kuitira kuti mhomho yevanhu vari pagungano ivanzwe zvakanaka

6 OCTOBER 2022
UNITED STATES

Gungano Rakaitwa paCedar Point Makore 100 Apfuura

Zviratidzwa Zvitsva Zvechiitiko Chakakurumbira

Gungano Rakaitwa paCedar Point Makore 100 Apfuura

Chimwe chezviitiko zvinonyanya kukosha munhoroondo yedu yemazuva ano chakaitika makore 100 apfuura musi wa5-13 September 1922, Zvapupu zvaJehovha pazvakaita gungano remazuva 9 paCedar Point, Ohio, U.S.A. Vanhu vakapinda vaibva munzvimbo dzakawanda dzemuUnited States, Canada, uye Europe. Paavhareji, vanhu vanenge 10 000 vaipinda gungano iri zuva rega rega, uye hurukuro dzaipiwa panguva imwe chete mumitauro 11.

Pamiziyamu iri kumahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha pava kuratidzwawo zvinhu zvine chekuita negungano iri uye kubatsira kwarakaita pabasa rekuparidza. Iye zvino, mhuri yeBheteri chete ndiyo inobvumirwa kuona zvinhu izvi asi ruzhinji rwevanhu ruchazokwanisa kuzviona kana vanhu vava kubvumirwa kushanya kuBheteri.

Musi wa8 September ndipo pakaitika chiitiko chinonyanya kukosha pagungano iri. Zuva iroro, vanhu vanenge 8 000 vakapinda muimba yaiitirwa gungano iyo yaiva pedyo nedhamu rinoyevedza rinonzi Lake Erie. Vakanga vauya kuzonzwa hurukuro yaHama Joseph F. Rutherford yaiva nemusoro wekuti “Umambo.”

Pashure pekunge vakurukura kwemaminitsi 90, Hama Rutherford vakashevedzera vachibvunza vateereri kuti vaibvuma here kuti Kristu ari kutonga. Vanhu vese vakabva vangopindura kuti: “Hungu!” Hama Rutherford vakabva vati: “Mune basa rekuudza munhu wese izvozvo. Saka, zivisai, zivisai, zivisai.” Vachingopedza kutaura mashoko iwayo, pakabva padzikiswa jira rakanga rakanyorwa mashoko ekuti: “Zivisai Mambo neUmambo.”

Vanhu vaiva pagungano pavakanzwa mashoko iwayo, vakabva vava nechido chakasimba chekuita ushumiri. Vakawanda vevateereri vakanga vagara vachitoita basa rekuparidza, asi hurukuro yaHama Rutherford yakavakurudzira kuti vatowedzera kuita ushumiri hwavo panguva iyo basa repaimba neimba raiwedzera kurongeka. Hanzvadzi Ethel Bennecoff, avo vainge vava kusvitsa makore 30 pakaitwa gungano iri, vakati pashure pehurukuro iyoyo yaibaya mwoyo, Vadzidzi veBhaibheri “vakawedzera chaizvo kushingaira uye kuva nerudo kupfuura zvavaimboita.” Hanzvadzi Odessa Tuck, avo vaiva nemakore 18 muna 1922, vakati: “Ndaida kutevedzera zvakaitwa naIsaya, uyo akati: ‘Ndiri pano! Nditumei!’”

Vanhu vachibhabhatidzwa pagungano repaCedar Point ra1922

Pashure pemazuva maviri kubva pakapiwa hurukuro yaHama Rutherford, International Bible Students Association ine chisarudzo chayakaita. Chisarudzo chacho chaiva nechikamu chaiti: “Seboka revaKristu vakatsunga kuteerera uye kutevera Ishe uye Muponesi wedu, Jesu Kristu, hatipindiri muhondo, hatipandukiri hurumende, hatikonzeri mhirizhonga, kana kurwisana nevanhu; uye hatitsigiri vanhu vanoshandisa Bhaibheri kubiridzira kana kunyengera vanhu. Tinonyatsoda rugare.” Chisarudzo ichi chakaratidzawo kuti Vadzidzi veBhaibheri vakanga vakasiyana nezvimwe zvitendero. Zvimwe zvitendero zvakanga zvatsigira Hondo Yenyika Yekutanga uye mumakore aizotevera, zvaizotsigira zvakare Hondo Yenyika Yechipiri.

Nharireyomurindi yaJune 15, 1922, yakati: “Tichaita zvese zvatinogona kuti gungano ra1922 rive ndiro rinopfuura mamwe ese. . . . Tinotarisira kuti richava chiitiko chisingakanganwiki nehama nehanzvadzi dzicharipinda.”

Chinangwa ichocho chakazadziswa. Iye zvino papfuura makore 100 uye Jehovha achiri kukomborera basa rekuzivisa Mambo neUmambo hwake.—Mateu 24:14.