Enda pane zvauri kuda

28 DECEMBER 2022
NHAU DZEPASI RESE

Makore 10 Tiine JW.ORG—Chikamu 1

Kubudiswa kweMavhidhiyo Nemabhuku Anotsanangura Bhaibheri pajw.org

Makore 10 Tiine JW.ORG—Chikamu 1

Sezvakambotaurwa mune dzimwe nhau, mugore ra2022 Zvapupu zvaJehovha zvakasvitsa makore 25 zviine website yazvo. Asi makore 10 adarika, musi wa27 August 2012, ndipo pakabudiswa jw.org yakagadziridzwa. Nyaya ino ichabuda muzvikamu zvitatu uye ichatsanangura kuti kugadziridzwa kwejw.org kwakabatsira sei mamiriyoni evanhu.

Mavhidhiyo: Pamagungano emunharaunda a2012, zvikamu zviviri zvekutanga zvemavhidhiyo anonzi Iva Shamwari yaJehovha zvakabudiswa paDVD. Asi paingova nevanhu vashoma vaishandisa maDVD uye akanga ava kudhura kugadzira. Website yakagadziridzwa payakatanga kushanda muna 2012, yakabatsira kuti tiwane nzira iri nyore yekubudisa mavhidhiyo. Saka muna January 2013, chikamu chechitatu chemavhidhiyo anonzi Iva Shamwari yaJehovha chine musoro unoti Nyengetera Chero Nguva, chakabudiswa pajw.org. Kubvira ipapo, pakabudiswa zvimwe zvikamu zvinopfuura 40.

Vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? yakabudiswawo pajw.org muna 2013. Vhidhiyo iyoyo iturusi rinokosha chaizvo muushumiri uye iri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Kubvira ipapo tiri kushandisa chaizvo jw.org muushumiri pakuparadzira mavhidhiyo. Semuenzaniso, patakaita mushandirapamwe wekuparadzira turakiti rejw.org muna August 2014, mavhidhiyo anenge 15 miriyoni akadhaunirodhwa kana kuti akaonekwa pajw.org.

Imwe hama yakashanda pakugadzira jw.org yakati: “Zvinosimbisa kutenda patinoona kuti Jehovha akaita kuti tigadzirire zvinhu zvaiva mberi. Panguva iyoyo, taisaziva kuti kugadzira nzira itsva yekuparadzira mavhidhiyo kwaizobatsira chaizvo mune ramangwana.” Semuenzaniso, JW Broadcasting yakatanga kubudiswa muna October 2014, uye mavhidhiyo anopfuura 37 miriyoni akadhaunirodhwa mwedzi iwoyo. Chirwere cheCOVID-19 pachakatanga muna 2020, mavhidhiyo akawanda akadhaunirodhwa pajw.org uye akawanda akaonekwa ipapo. Muna 2022 paavhareji, mavhidhiyo anodarika 260 miriyoni akadhaunirodhwa pajw.org mwedzi wega wega.

Mabhuku: Mazuva ano, vanhu vakawanda vava kufarira kuverengera paindaneti kana kuti pafoni pane kuverenga mabhuku akaprindwa. Website yakagadziridzwa payakatanga kushanda muna 2012, vanhu vakanga vava kukwanisa kuverenga magazini paindaneti, kazhinji kacho vasati vawana magazini akaprindwa. Basa rekugadzira zvinyorwa zvekuverengera pajw.org rakabatsirawo pakugadzirwa kweJW Library iyo yakazobudiswa muna 2013. JW Library nejw.org maturusi anobatsira vanhu chaizvo pakuverenga nekudzidza zvinyorwa zvinotsanangura Bhaibheri.

Pakutanga, zvinhu zvainge zvabudiswa pamagungano emunharaunda zvaizowanika pajw.org nepaJW Library muna January wegore raizotevera. Asi pamagungano emunharaunda a2015, vanhu vakafara chaizvo pavakaudzwa kuti vaikwanisa kubva vatodhaunirodha zvainge zvabudiswa pagungano. Izvi zvaisanganisira bhuku rinonzi Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu, bhurocha rinonzi Dzoka kuna Jehovha, uyewo vhidhiyo inonzi Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi? Gore rakatevera racho, muna May 2016 papurogiramu yeJW Broadcasting, Hama Anthony Morris vari muDare Rinotungamirira vakabudisa bhurocha rinonzi Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku uye vakabva vazivisa kuti vanhu vaikwanisa kubva vatoridhaunirodha. Aka ndiko kaiva kekutanga kuti chinyorwa chibudiswe kusangano rese rehama panguva imwe chete.

Sangano raJehovha ragara richishandisa kufambira mberi mune zvesainzi kuti riparidze mashoko akanaka uye ribatsire hama. Tinofara chaizvo kuona kuti jw.org iri kushandiswa sei pakuita kuti vanhu vakwanise kuwana “zvekudya zvavo panguva yakakodzera.”—Mateu 24:45.

  • Mavhidhiyo anodhaunirodhwa mwedzi wega wega

  • Vanoenda pajw.org mwedzi wega wega

  • Kubudiswa kwevhidhiyo inonzi Nyengetera Chero Nguva muna January 2013

  • Kubudiswa kweJW Library muna October 2013

  • Mushandirapamwe wekupa vanhu turatiki rejw.org muna August 2014

  • Kubudiswa kweJW Broadcasting muna October 2014

  • Zvakabudiswa pamagungano emunharaunda zvinotanga kubudiswa pajw.org muna May 2015

  • Kubudiswa kwebhurocha rinonzi Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku muna May 2016