Enda pane zvauri kuda

Mitemo Inoda Kutevedzerwa

Mitemo Inoda Kutevedzerwa

Uridzi (Copyright)

© 2014 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, Inc. Kudhinda kana kukopa pasina mvumo hazvibvumirwi.

Nzvimbo ino yepaIndaneti inogadzirwa uye inochengetwa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. (“Watchtower”). Kutoti zvaratidzwa neimwe nzira, mashoko ose nezvimwewo zviri panzvimbo ino ndezveWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

Zviratidzo Zvemakambani (Trademarks)

Adobe, chiratidzo cheAdobe, Acrobat, uye chiratidzo cheAcrobat, zviratidzo zvepamutemo zvekambani inonzi Adobe Systems Incorporated. iTunes uye iPod zviratidzo zvepamutemo zveApple Inc. Zvimwe zviratidzo zvese nezviratidzo zvakanyoreswa pamutemo zvine varidzi vazvo.

Mvumo Uye Mitemo Yekushandisa Nzvimbo Ino

Mitemo Yekushandisa iyi inodzora mashandisire aunoita nzvimbo ino yepaIndaneti. Kushandisa kwaunoita nzvimbo ino kunoratidza kuti uri kubvumirana neMitemo yese Yekushandisa iri pano. Kana usingabvumirani neMitemo iyi yekushandisa kana kuti chimwe chikamu chayo, haufaniri kushandisa nzvimbo ino.

Kunonzi kushandisa kunobvumirwa kwakaita sei? Unogona kuona, kudhaunirodha, kana kuprinda mifananidzo yevaridzi (copyrighted) yakaita zvekudhirohwa, mabhuku, mimhanzi, mapikicha, mashoko uye mavhidhiyo (zvinonzi, “Zviri Mukati” pasi apa) zviri panzvimbo ino kana uchizoshandisa zvinhu zvacho iwe pachako, usiri kuzozvitengesa uye usingatyori zvinorambidzwa zvakanyorwa pasi apa uye mune dzimwe nzvimbo mugwaro iri reMitemo Yekushandisa. Naizvozvo, haufaniri:

  • Kuisa Zviri Mukati zvawatora panzvimbo ino yepaIndaneti (pane imwe nzvimbo yepaIndaneti, kana kuti nzvimbo yekugovana mafaira, kana kuti panzvimbo dzepaindaneti dzekutandarira (masocial network);

  • Kubudisazve Zviri Mukati zvaunenge watora panzvimbo ino yepaIndaneti wakazvibatanidza kana kuti sechikamu cheprogiramu yepakombiyuta;

  • Kudzokorora kubudisa, kugadzira zvakafanana zvisina kana kamusiyano, kukopa, kana kushandisa neunyanzvi zvinhu zviri panzvimbo ino mune zvemari nekutengeserana (kunyange kana zvisiri zvekuita profiti), kusanganisira kuparadzirwa kwemapurogiramu epakombiyuta akanyorwa pachitorwa zvinhu zvepanzvimbo ino, kana kuti zvakabatana nenzvimbo ino yepaIndaneti, (zvisinei kuti zvakangotorwa kamwe chete here kana kuti zvinoramba zvichichinja-chinja);

  • Kupinda panzvimbo ino yepaIndaneti uine chinangwa chokugadzira kana kuparadzira mashoko anoshandiswa neprogiramu yekombiyuta kuti ivhurike, (source code), maprogiramu anoshanda sematurusi kana kuti nzira dzokuchera nekufukunura mashoko zvakarongeka (dzinosanganisira asi dzisingagumiri pazvinonzi data scraping, data mining, data extraction uye data harvesting) zvichiitwa panzvimbo ino yepaIndaneti kana kuti zvakabatana nayo;

  • Kushandisa zvisiri izvo nzvimbo ino nemaprogiramu ari pamamwe mapeji acho, zvakadai sekuvhiringidza mashandire enzvimbo yacho, kana kupinda mairi nemune mamwe maprogiramu ayo uchishandisa dzimwe nzira kunze kwedzinobvumidzwa;

  • Kuita chero chinhu chipi chinoguma kana kuti chingangoguma chadhiriza nzvimbo ino kana kuti chavhiringa kuvhurika kwayo, kana kutadzisa vanhu kupinda; kana kuti kuishandisa nenzira chero ipi zvayo isiri yepamutemo, yekubiridzira, inokuvadza, kana kuti kuishandisa uine chinangwa kana uchiita mabasa asiri epamutemo, ekubiridzira kana kuti anokuvadza;

  • Kushandisa nzvimbo ino nechinangwa chokushambadzira nekutengesa.

Kutyora Mitemo Yekushandisa

Isingarasikirwi nedzimwe kodzero dzayo dzinotaurwa muchibvumirano chino, kana iwe ukatyora Mitemo Yekushandisa munzira ipi zvayo, Watchtower ichatora matanho ainoona kuti anoenderana nokutyorwa kwemutemo kunenge kwaitwa, anosanganisira kukubvisira kodzero dzokupinda panzvimbo iyi yepaIndaneti, kurambidza kombiyuta dzine adhiresi yeIP yako kuti dzipinde panzvimbo iyoyo, kutaura nekambani inoita kuti uende paIndaneti ichikumbira kuti vakutadzise kupinda panzvimbo iyoyo uye/kana kuti, kukuendesa kumatare edzimhosva.

Kugadziridzwa

Nguva nenguva Watchtower inogona kugadziridza Mitemo iyi Yekushandisa. Mitemo Yekushandisa Yakagadziridzwa inotanga kushanda musi wainobudiswa panzvimbo ino yepaIndaneti. Tinokukumbira kuti urambe uchitarisa peji rino kuitira kuti ugare uchiziva zvinenge zvagadziridzwa.

Mutemo Nechiremerera Chawo

Mitemo iyi Yekushandisa ichange ichidzorwa uye ichidudzirwa zvinoenderana nemitemo yeState of New York, U.S.A., pasinei nokuti mitemo yacho inogona kunge ichipesana neyekwaunogara. Nyaya dzine chokuita neMitemo Yekushandisa dzichakwidzwa kudare restate kana kuti dare repamusoro (federal court) rine chiremera muState of New York, U.S.A.

Kana Zvimwe Zvikamu Zvechibvumirano Ichi Zvisingashandisiki

Kana chimwe chinhu pane zvataurwa muchibvumirano cheMitemo Yekushandisa iyi chikanzi nedare rine chiremera hachiiti, hachipindi ipapo, hachitevedzereki, kana kuti hachisi pamutemo, zvimwe zvikamu zvasara zvicharamba zvichishanda. Kana Watchtower ikatadza kuona kuti chikamu cheMitemo iyi Yekushandisa chero chipi zvacho chachengetwa, izvi hazvifaniri kutorwa kana kududzirwa sekunge kuti chikamu chacho hachisisina basa kana kuti iyo haisisina kodzero yekurayira kuti chiteererwe.

Chibvumirano Chakazara

Mitemo iyi Yekushandisa ndicho chibvumirano chacho chese pakati pako neWatchtower panyaya yekushandisa kwauchaita nzvimbo ino yepaIndaneti, uye chinobva chaita kuti zvimwe zvibvumirano zvawakamboita kare neWatchtower maererano nezvekushandisa nzvimbo ino zvisashande.