Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuruboshwe: Vashandi vanoita basa rekuyamura kuChile vakabatsira kuvakazve imba yemumwe murume nemudzimai yakanga yatsva nemoto. Kurudyi: Hanzvadzi mbiri dzekuNigeria dzakawana ruyamuro pashure pekunge nharaunda yavaigara yaparadzwa nemafashamo

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kuyamura Vakawirwa Nenjodzi Muna 2023—“Takazvionera Tega Kuti Jehovha Anotida”

Kuyamura Vakawirwa Nenjodzi Muna 2023—“Takazvionera Tega Kuti Jehovha Anotida”

26 JANUARY 2024

 Bhaibheri rakagara rataura kuti “rudzi [rwaizomukira] rudzi” uye kuti “nyika [payaizenge] yava kumagumo kwayo” kwaizoitika njodzi. (Mateu 24:3, 7) Uprofita uhwu takahuona huchizadzika mugore rebasa ra2023. a Asi panguva iyoyo yairwisana marudzi uye yaiitika njodzi dzinongoitika dzega munyika dzinoda kusvika 100, Zvapupu zvaJehovha zvairatidza kuti zvine rudo. Vaizviratidza sei?

 Mugore rebasa ra2023, hama dzedu dzakawirwa nenjodzi dzinodarika 200 dzinosanganisira dzakangoitika dzega kana kuti dzakakonzerwa nevanhu. Masangano epamutemo anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha akashandisa mari inodarika madhora 10 miriyoni kubva pamari yaibviswa semupiro wekutsigira basa remunyika yese. Mari yacho vakaishandisa pakuyamura vainge vawirwa nenjodzi. b Asi panewo imwe mari yakashandiswa nehama nehanzvadzi padzaizvipira kubatsira pamabasa aiitwa kwavanogara. Chimbofunga nezvekuti mari yezvipo yawakapa yakashandiswa sei pakubatsira hama dzedu dzakawanda dzakawirwa nenjodzi dziri munyika mbiri.

“Rudo Rwechokwadi Rwuriko”

 Mune dzimwe nzvimbo dzekuNigeria munogara muchiita mafashamo. Asi mafashamo akaitika muna 2022 mumwedzi waOctober ndiwo ainge akanyanya kuipa kudarika mamwe ese akanga amboitika mumakore 10 ainge adarika. Mahekita anodarika 676 000 eminda akaparadzwa, uye vanhu vanodarika 2 miriyoni vaitofanira kutiza vachibva munzvimbo dzavaimbogara. Bazi rekuNigeria rakabva ratoita kuti pave neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti aronge mabasa ekuyamura uye kuti akurudzire hama nehanzvadzi.

Hama dzekuNigeria dzichifamba mumugwagwa wainge wakazara nemvura uye dzichiyambuka rwizi rwainge rwakazara nemvura dzichiendesa zvinhu zvekuyamura

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  •   Vaparidzi 7 505 vakasiya misha yavo

  •   Dzimba 860 dzakakanganiswa kana kuti kuparadzwa

  •   Mvura yakawanda yakapinda muDzimba dzeUmambo 90 uye paImba Yemagungano imwe chete

Mashandisirwo Akaitwa Mari Yezvipo

 Mari inodarika $250 000 yakashandiswa pamabasa ekuyamura, anosanganisira:

  •   Kutenga zvekudya zvakadai semupunga, bhinzi nezvimwewo

  •   Kutenga zvinhu zvakadai semamatiresi nemaneti anodzivirira vanhu pamosikito

  •   Kugadzirisa kana kuti kuvakazve dzimba dzakanga dzaparadzwa

 Zvii zvakaitwa nehama dzedu kuti dzive nechokwadi chekuti mari dzezvipo dzashandiswa zvakanaka? Chimwe chavakaita kwaive kuongorora chivakwa chimwe nechimwe kuti chaida kugadziriswa sei. Vaiti vakaona kuti chivakwa chinenge chichitoda kuvakwazve patsva, vaibva vachivaka vachishandisa nzira isingadhure inoenderana nemavakirwe anoitwa munharaunda yacho.

 Hama nehanzvadzi dzedu dzinoonga chaizvo kubatsirwa kwadzakaita. Imwe hanzvadzi yakati: “Mafashamo akakanganisa upenyu hwedu nekuti akatiparadzira minda yedu uye takasara tisisina pekugara. Musi wacho wakaitika njodzi takanzwa kuzorodzwa patakaona hama nehanzvadzi dzichiuya kuzotibatsira uye kuzotigadzirira pekugara pakanaka. Takanzwa kufara patakagamuchira zvekudya zvaibva kuhofisi yebazi. Takapererwa patakazvionera tega kuzadzika kwaJohani 13:34, 35 muupenyu hwedu. . . . Rudo rwechokwadi rwuriko. Ini nemhuri yangu tinoda kutenda nemwoyo wese hama dzakauya kuzotibatsira panguva chaiyo yataida kubatsirwa.”

 Vamwe vemunharaunda yacho vakaona basa rekuyamura rataiita. Mumwe mukuru mukuru wemunharaunda yeSabagreia, muBayelsa, akati: “Pasi rese pane masangano kana kuti machechi akawanda, asi Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvaita zvinhu zvakadai. . . . Chitendero chenyu chiri pamberi.”

“Takazvionera Tega Kuti Jehovha Anotida”

 Muna February 2023, pakaitika moto ka400, ikasiya yaparadza zvinhu muChile. Nharaunda yakakura mahekita anodarika 430 000 yakaparadzwa, kusanganisira nzvimbo dzine zvivakwa zvinokosha chaizvo muChile. Vanhu vanoda kusvika 8 000 vakatamiswa kubva kwavaigara. Njodzi yacho ichangobva kuitika, hofisi yebazi yakabva yatoronga kuti paitwe mabasa ekuyamura.

KuChile, hama dzaiita basa rekuyamura dzakavakazve imba yeimwe mhuri yakanga yaparadzwa zvachose

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  •   Vaparidzi 222 vaitofanira kusiya misha yavo

  •   Dzimba 20 dzakaparadzwa

Mashandisirwo Akaitwa Mari Yezvipo

 Mari inodarika $200 000 yakashandiswa pamabasa ekuyamura, anosanganisira:

  •   Kutenga zvekudya uye mvura

  •   Kutenga peturu, zvekushandisa pakuchenesa, uye mishonga

  •   Kuvakazve dzimba dzakanga dzaparadzwa

 Imwe mhuri yakapera simba payakaparadzirwa zvinhu zvese kusanganisira musha wavo nebhizinesi ravo. Izvi zvakaita kuti vasare vasisina chinovawanisa chekurarama nacho. Mazuva ekutanga, vaishungurudzika chaizvo kuona paimbova neimba yavo pasisina chinhu. Asi vakatanga kunzwa zviri nani pavakazoona imba yavo yava kuvakwazve. Rudo rwavakaratidzwa nehama nehanzvadzi dzaizvipira kuvabatsira rwakaita kuti vakwanise kutsungirira. Izvozvo zvakabva zvatoita kuti mhuri yacho ibatsirewo hama nehanzvadzi idzodzo pakuvakawo imba yeimwe hama.

 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzakabayiwa mwoyo nemabasa iwayo ekuyamura. Imwe hama yakati: “Urongwa hwakaitwa naJehovha hwekuti pave neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi hunoshamisa zvechokwadi. Zuva rakatevera chairo njodzi yacho yaitika, vakanga vatouya kuzotibatsira. Tinokurudzirwa chaizvo patinoverenga nezvemabasa ekuyamura ari kuitwa munzvimbo dzakasiyana-siyana pasi rese. Asi pazvinozoitika kwauri, zvinenge zvakatosiyana nekungoita zvekuverenga. Unonyatsowedzera kukoshesa sangano; zvinoitwa nehama dzichitevedzera Jehovha; uye chido chavainacho chekuti tiwane zvatinoda pakurarama, pakunamata, uye kuti tirambe tichifara. Tinonyatsozvionera tega kuti Jehovha anotida.”

 Mugumo zvauri kuramba uchiswedera pedyo, ticharamba tichiona njodzi dzichiwedzera kuwanda. (Ruka 21:10, 11) Asi nezvatinoitirwa neungano yechiKristu, ticharambawo tichiona kuti Mambo wedu ane rudo, Jesu Kristu, anesu “mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateu 28:20) Zvipo zvamunopa kubasa rinoitwa munyika yese muchishandisa donate.isa4310.com nedzimwewo nzira, uyewo nguva nesimba zvamunoshandisa, zvinoratidza kuti munotsigira Umambo uye Mambo wedu ane rudo. Tinokutendai nekupa kwamunoramba muchiita.

a Gore rebasa ra2023 rakatanga musi wa1 September 2022, rikapera musi wa31 August 2023.

b Mari yese iri kutaurwa munyaya ino madhora ekuAmerica.