Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kupa Ruyamuro Munyika Ine Hondo

Kupa Ruyamuro Munyika Ine Hondo

27 MAY 2022

 Mumazuva ano ekupedzisira, tinotarisira kunzwa “nezvehondo nemashoko pamusoro pehondo.” (Mateu 24:6) Asi hama dzedu padzinosangana nematambudziko anokonzerwa nehondo, dzinowana rubatsiro rwadzinoda. Muvhidhiyo inonzi Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira #3 2022 makataurwa zvinhu zvinokurudzira nezvebasa riri kuitwa kuEastern Europe rekuyamura vari kutambura nenyaya yehondo iri kuitika muUkraine. Hama dzedu dziri kukwanisa kubatsirana sei panguva iyi iri kuitika hondo? Basa rekuyamura riri kubatsira sei hama dzedu dziri muUkraine?

Zvii Zviri Kudiwa Uye Zviri Kuendeswa Sei?

 Musi wa24 February 2022, pakatanga hondo yekuUkraine, Komiti Yevanoronga yakabvumira kuti pave neimwe mari yaizoshandiswa kubatsira hama dzedu dziri muUkraine. Bazi rekuUkraine rakabva ratotanga kutenga zvinhu munyika mavo uye kuzviendesa kuhama nehanzvadzi richishandisa Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi arakanga raronga anosvika 27.

 Kuwedzera pane izvi, hama dziri kuMahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha dzakabva dzatotanga kufunga nezvezvimwe zvinhu zvavaigona kuita kuti vabatsire. Komiti Yevanoronga uye Komiti Inoona Nezvekubudiswa Kwemabhuku yakakumbira Dhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu riri kumahofisi makuru kuti rishande nehama dzebazi rekuUkraine nerekuPoland kuti vaone kuti zvii zvaidiwa uye kuti zvingaendeswa sei. Zuva rega rega, hama iri muDare reBazi rekuUkraine uye hama dzekuUkraine nePoland dziri muDhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu, Dhipatimendi Rekutumira Mabhuku, Dhipatimendi Remitemo dzaikurukura nehama dziri muDhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu riri kumahofisi makuru nezvekuti zvinhu zvacho zvingafambiswa sei.

Mabhokisi ekuyamura anenge aine zvinhu zvakadai sezvekudya, zvinhu zvekushandisa uye tsamba dzinokurudzira

 Jay Swinney anoshanda muDhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu riri kumahofisi makuru anoti: “Chekutanga, taifanira kuona kuti zvii zvaidiwa. Taida kupa hama nehanzvadzi zvekudya uye zvimwe zvinhu zvekushandisa zvavakajairana nazvo. Asi kunze kwekungoziva kuti zvii zvaidiwa, taifanirawo kuona kuti zvinhu zvacho zvaizopinda sei nekukurumidza muUkraine imo muine hondo uye taifanirawo kutsvaga nzira yekuti hama dziri kuendesa zvinhu zvacho dzirambe dzakachengeteka.”

 Pakazosvika musi wa9 March 2022, hama dzakanga dzava kuziva kuti zvii zvaidiwa. Zvinhu zvakanga zvichizotumirwa zvaisanganisira nyama yemumagaba, rice, bhinzi uyewo zvimwe zvinhu zvekushandisa zvakadai sesipo nematishu. Panguva iyoyo zvaifungidzirwa kuti pangangoda mari inosvika US$65 kuti munhu mumwe chete awane zvinhu zvekushandisa zvinokwana mwedzi. Sezvo paigona kuzova nezviuru zvehama zvaida kubatsirwa, Komiti Yevanoronga yakabvumira kuti pashandiswe mari yakati wandei pakuvabatsira. Asi hama dzedu dzaizoendesa sei zvinhu izvi dzisingazvipinzi pangozi?

 Musi wa13 March, hama mbiri dzekuPoland dzakaendesa zvimwe zvinhu kune imwe nzvimbo iri pedyo neLviv, kuUkraine, vachida kuona kuti mafambiro acho ari sei. Vasati vaita rwendo rwacho, hama dziri pabazi rekuPoland nerekuUkraine dzakabatsira hama idzi pakugadzirira rwendo rwacho. Bazi rakagadzirisa mapepa ekuti hama idzi dzikwanise kupinda muUkraine. Vakava nechokwadi chekuti mota yavaizoshandisa yainge yakanyatsonyorwa kuti vaienda kunobatsira uye vakakurukura nehama dzekuUkraine kuti vaone nzira yaizoita kuti vakurumidze kusvika kwavaienda kana vayambuka bhodha. Nemhaka yemarongero aya akanaka uye kukomborerwa kwavakaitwa naJehovha vakakwanisa kuendesa zvinhu zvekuyamura kuMakomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi mumaawa 24 kubva pazvakasvika muLviv, uye hama dzedu dzakadzokera kuPoland dzakachengeteka.

 Kunyange zvazvo rwendo urwu rwakabudirira, hama idzi dzakangokwanisa kuendesa zvinhu zvisingasviki tani imwe chete. Pakanga pachiri kuda kuendeswa zvinhu zvinosvika matani anenge 220. Zvinhu zvakawanda kudai zvaizoendeswa sei kuUkraine zvopiwa vanhu nekukurumidza?

“Vanhu Vako Vachazvipira Nemwoyo Wese”

 Pashure pekuona nhau pajw.org dzekutambura kwaiita hama dzedu nenyaya yehondo yekuUkraine, hama nehanzvadzi dzemunyika dzakasiyana-siyana dzaida kubatsira. Vakawanda vaiva kure vakapa zvipo zvemari kubasa remunyika yese reZvapupu zvaJehovha, vachiziva kuti mari yacho yaizoshandiswa zvakanaka. Vamwe vaiva munyika dziri pedyo vakashandisa nguva yavo, simba ravo uye zvinhu zvavo kuti vabatsire. Inzwa kuti zvii zvakaitwa nevamwe.

 MuPoland, vanhu vakazvipira kugadzira zviuru zvetsapo dzaiva nezvinhu zvekushandisa uye vana vakagadzira makadhi. Bartosz Kościelniak, uyo anoshanda muDhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu riri pabazi rekuPoland anoti: “Ndakaverenga kakawanda mashoko ari pana Pisarema 110:3 anotaura kuti vanhu vaJehovha ‘vachazvipira nemwoyo wese.’ Asi ndakazvionera ndega hama nehanzvadzi dzakawanda dzichidirana kuuya dzakagadzirira kushanda. Izvi zvakandiratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi.”

 Chimwe Chapupu chaJehovha chine kambani yemarori anotakura zvinhu kuenda kunyika dzakasiyana-siyana chakapa mota pamwe chete nemafuta ekushandisa. Anoti: “Izvi zvakandipa mukana wekuti ndiratidze kuti ndinoda hama dzangu uye Jehovha. Ndinofara chaizvo kuti ndakazvipira kubatsira.” Pakapiwa mafuta anodarika marita 7 700 uye hama dzakashandisa nguva nesimba pakudhiraivha kwemakiromita anoda kusvika 48 000 dzichiendesa zvinhu!

 Kuzvipira kwakaita hama nehanzvadzi dzedu kwakaita kuti pakazosvika musi wa28 March, mazuva 15 chete pashure pekunge rwendo rwekutanga rwabudirira, muUkraine makanga maendeswa matani 110 ezvekudya, zvinhu zvekushandisa uye mishonga! Uye zvipo zvakapiwa nehama dzedu nevamwewo zvakaita kuti mari yakanga yarongwa kuti ishandiswe pakutenga zvaidiwa iderere chaizvo. Kusvika pari zvino, Zvapupu zvaJehovha zvatumira matani anodarika 209 ezvinhu zvekuyamura kuUkraine. Zvinhu izvi zvakabatsira sei hama dzedu?

“Maivawo Nemakadhi Anoratidza Kutida Kwamunoita!”

 Paingosvika zvinhu zvekuyamura muLviv, Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi ari muUkraine aibva azviendesa kune vaida kubatsirwa. Zvinhu izvi zvakaendeswa kumaguta akasiyana-siyana mamwe ari kure neLviv nemakiromita anodarika 1 300. Kunyange zvazvo basa iri raiitwa zvakarongeka, raitora nguva. a

 Markus Reinhardt, uyo ari muDare Rebazi rekuUkraine anoti: “Panguva iyi yehondo, hama dzakawanda dzazvionera rudo rwaJehovha, vakaonawo kukosha kwazvakaita kunyatsoteerera mirayiridzo inobva kusangano rake kunyange njodzi isati yaitika. Semuenzaniso, vanhu vese vanokurudzirwa kuti vagare vaine zvekudya nemvura mudzimba dzavo zvekushandisa kwemavhiki akati kuti. Achitaura nezvemurayiridzo uyu mumwe mukuru anonzi Anton anogara muKyiv anoti: ‘Sangano raJehovha rakatibatsira kuti tigadzirire nguva dzakaoma seidzi, uye tinotenda chaizvo. Kuva nezvekudya, mvura uye redhiyo kwakatiponesa.’ Tinofara chaizvo kuti hama dzakateerera murayiridzo uyu nekuti izvi zvakaita kuti varambe vaine zvekushandisa hofisi yebazi payakanga ichiri kuronga kuti vanhu vawane rubatsiro.”

 Hama nehanzvadzi dzedu dzakanzwa sei pakasvika zvinhu izvi zvekuyamura? Mykola naZinaida, vanogara muKharkiv, vanoti: “Tinobaiwa mwoyo chaizvo nerudo rwenyu. Tinokutendai chaizvo nezvekudya uye mishonga. Tinonyatsoona kuti Jehovha ari kutichengeta.” Valentyna anogarawo ikoko, anoti: “Kubva pakatanga hondo vanhu vaimira mumitsetse yakareba kuti vatenge zvekudya. Dzimwe nguva taitotadza kutenga zvataida. Asi Jehovha aiziva uye aiona dambudziko rataisangana naro. Akagadza hama dzaiunza zvinhu zvekuyamura kudzimba dzedu, uye zvinhu zvacho ndizvo zvatainyatsoda! Munguva dzakaoma kudaro pakunenge kuchiita sepasisina tariro, munhu ndipo paunonyatsoona kudiwa kwaunoitwa naJehovha nesangano rake. Zvinofadza kubatsirwa panguva chaiyo yaunenge uchida rubatsiro.”

 Yevhen, Iryna, naMykyta, avo vakatiza kuMariupol, vanoti: “Tinotenda chaizvo kubatsira kwamakaita mhuri yedu. Zvinhu zvacho zvakauya panguva chaiyo. Pakutanga, takafunga kuti mabhokisi acho aingova nezvinhu zvekushandisa, asi patakaavhura takaona kuti maivawo nemakadhi anoratidza kutida kwamunoita!”

Yevhen, Iryna, naMykyta

 Munogona kuona kuti Jehovha akashandisa mweya wake kutungamirira vanhu vake kuti vakwanise kuendesa zvinhu zvekuyamura panguva ‘yehondo nemashoko pamusoro pehondo.’ Zvipo zvenyu zvamakapa kubasa remunyika yese, zvakawanda zvacho muchishandisa donate.isa4310.com, zvakabatsira chaizvo pabasa iri. Tinokutendai chaizvo nerupo rwenyu!

Kuita Basa Rekuyamura Nekukurumidza Uye Zvisingapinzi Hama Pangozi

  1. 24 February 2022: Komiti Yevanoronga inobvumira kuti pashandiswe mari kuyamura hama dziri kuUkraine, izvi zvinoita kuti bazi reko ritange basa rekuyamura

  2. 24 February–8 March 2022: Bazi rekuUkraine rinotenga zvinhu munyika mavo rozviendesa kuhama richishandisa Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi. Bazi rinogadzirirawo kugamuchira nekuendesa zvinhu zvinobva kuPoland

  3. 9 March 2022: Komiti Yevanoronga inobvumira kuti zvinhu zvekuyamura zviendeswe kuUkraine

  4. 10-12 March 2022: Panorongwa rwendo rwekuendesa zvinhu zvekushandisa kuLviv, kuUkraine zvichibva kuPoland kuti zvionekwe kuti urongwa hwacho hunobudirira here

  5. 13 March 2022: Painoitwa rwendo rwekuendesa zvinhu kuLviv, kuUkraine zvichibva kuPoland

  6. 14-16 March 2022: PaImba Yemagungano iri pedyo nePoznan, kuPoland hama dziri muboka reLDC dzinorongwa kuti dzigadzire tsapo dzine zvekudya uye zvimwe zvekushandisa

  7. 17 March 2022: Pashure pemazuva 4 rwendo rwekutanga rwabudirira, matani 14 ezvinhu zvekuyamura anotanga kuendeswa kubhodha reUkraine

  8. 21-27 March 2022: Pachishandiswa urongwa hwakafanana, dzimwe tsapo dzezvinhu zvekuyamura dzinogadzirwa muPoland dzoendeswa kuUkraine uye dzozoendeswa kunzvimbo dzinodiwa zvinhu zvekuyamura mumaawa 24

  9. 28 March 2022: Mumazuva 20 pashure pekunge pabvumirwa kuti zvinhu zvekuyamura zviendeswe, matani 110 ezvekudya, zvinhu zvekushandisa uye mishonga zvakanga zvaendeswa kuUkraine

 Kusvika pari zvino, Zvapupu zvaJehovha zvaendesa matani anodarika 209 ezvinhu zvekuyamura kuUkraine.

a Kuti unzwe zvakawanda nezvekuti zvinhu zvekuyamura zvakaendeswa sei, ona nyaya yakanzi “Brothers Courageously Deliver Aid, Rescue Others in Ukrainian War Zone.”