Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kana Uchisurukirwa

Zvaungaita Kana Uchisurukirwa

 Unombonzwa kusurukirwa here? Kana uchinzwa saizvozvo, unogona kunzwa sezvakaita munyori wepisarema uyo akati: “Ndakaita seshiri iri yega iri padenga remba.” (Pisarema 102:7) Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira padambudziko iri rekusurukirwa.

 Swedera pedyo naMwari

 Kunyange uchigara uri wega, unogona kuwana mufaro kana ukaverenga Shoko raMwari uye ukava pedyo naye. (Mateu 5:3, 6) Zvinhu zvinotevera zvinogona kukubatsira.

  •   Bhaibheri riri paIndaneti rakarurama uye riri nyore kunzwisisa

  •   Mavhidhiyo anotaura dzidziso dzinokosha dziri muBhaibheri

  •   “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa”—Mibvunzo inobvunzwa nevanhu vakawanda

  •   “Tevedzera Kutenda Kwavo”—Chikamu ichi chine nyaya dzevarume nevakadzi vemuBhaibheri vaiva vakatendeka

  •   “Zvakangotika Zvega Here?”—Chikamu ichi chinoratidza kunaka uye kushamisa kunoita zvinhu zvakasikwa

Verenga mavhesi anonyaradza

  Mavhesi aya akanyaradza vakawanda. Panzvimbo pekuverenga mavhesi akawanda panguva imwe chete, edza kuverenga vhesi imwe chete wotora nguva yako uchifunga nezvayo uye nyengetera.—Mako 1:35.

Verenga unzwe kuti sei zvinhu zvakaipa zvichiitika

  Kana ukaziva kuti nei zvinhu zvakaipa zvichiitika uye kuti Mwari achazvigadzirisa sei, zvichakubatsira kuti usanyanya kunetseka.—Isaya 65:17.

  •   Nei Mwari achibvumira kutambura?

  •   Bhaibheri rinoti kudii nezvekurwara?

  •   Chiratidzo chemazuva ekupedzisira ndechipi?

  •   Ndivanaani vakatasva mabhiza 4 anotaurwa muna Zvakazarurwa?

  •   Umambo hwaMwari huchaitei?

Usanyanya kuzvidya mwoyo

  Nyaya dzinotevera dzinogona kukubatsira kuti usanyanya “kuzvidya mwoyo.”—Mateu 6:25.

  •   Kukunda dambudziko rekushushikana

  •   Kuva nemaonero akanaka

  •   Kuzvidya mwoyo nekuti upenyu hunenge huri pangozi

  •   Kuzvidya mwoyo nenyaya dzemari

  •   Kuzvidya mwoyo kunoitika kune vechidiki

Tsvaga shamwari

  Kuva neshamwari kunogona kukubatsira chaizvo kuti usanyanya kunetseka kunyange paunenge usingagoni kuonana nadzo. Kana uri pamba uye usingafaniri kubuda panze, unogona kupota uchifonera shamwari dzako kana kuti kutanga dzimwe itsva. Nyaya dzinotevera dzinogona kukubatsira kuwana “shamwari yechokwadi” uye kuti iwewo uve shamwari yakanaka.—Zvirevo 17:17.

  •   Shamwari yechokwadi yakaita sei?

  •   Unofanira kuwedzera shamwari here?

  •   Ko kana uchinzwa sekuti hauna shamwari?

  •   Iva nerupo kuratidza kuti uri shamwari yakanaka

  •   Tenda zvaunoitirwa kuratidza kuti uri shamwari yakanaka

Ita maekisesaizi

  Bhaibheri rinoti “kusimbisa muviri kunobatsira.” (1 Timoti 4:8) Kunogona kukubatsira kuti uve nemaonero akanaka kana uchigara wega uye uchinzi usabva pamba. Nyaya dzinotevera dzinogona kukubatsira kuti ugare uine utano.

  •   Chii chingandipa shungu dzekuekisesaiza?

  •   Kuva neutano