Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Anton Petrus/Moment via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Pasi Rese Pachaguma Paitika Hondo Here?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Pasi Rese Pachaguma Paitika Hondo Here?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Makore 30 adarika, vakawanda vaifunga kuti zvinhu pasi rese zvakagadzikana uye kuti zvaizoramba zvichiwedzera kunaka. Asi zviri kuitika zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

  •   “Vanhu vari kunetseka kuti hondo iri kurwiwa kuGaza ichapedzisira yava kupindawo mune dzimwe nyika dziri pedyo sezvo Israel yava kutorwisana neHezbollah pamuganhu weLebanon.”—Reuters, January 6, 2024.

  •   “Mapoka ari kudzorwa neIran ari kurwisawo mune dzimwe nzvimbo, uye Iran yakabva yatotangazve kugadzira mabhomba enyukiriya. Iye zvino Iran yabatana neRussia neChina, saka iri nderimwe dambudziko ratarisana nenyika dzekuEurope neAmerica.”—The New York Times, January 7, 2024.

  •   “Russia iri kuramba ichibhomba Ukraine.”—UN News, January 11, 2024.

  •   “Kusimukira kuri kuita China panyaya dzezveupfumi uye zvechiuto, kuda rusununguko rwekuzvitonga kuri kuita Taiwan, uye kusawirirana kuripo pakati peChina neUnited Sates zvinoratidza kuti chero nguva hondo inogona kutanga.”—The Japan Times, January 9, 2024.

 Bhaibheri rine zvarinotaura here panyaya yekusagadzikana kwezvinhu kuri kuitika pasi rese? Zviri kuitika zvichaita kuti nyika dzese dzipedzisire dzatanga hondo here?

Bhaibheri rakagara rataura zvatava kuona zvichiitika

 Bhaibheri harina haro kugara rataura kuti nyika dzatava kuona dzichirwisana iye zvino dzaizorwisana. Asi rakataura kuti munyika dzakawanda kwaizova nehondo zvichiratidza kuti tava kurarama panguva ipi uye kuti kurwisana ikoko ‘kwaizobvisa runyararo panyika.’—Zvakazarurwa 6:4.

 Bhuku raDhanieri rakataura kuti “munguva yekuguma,” nyika dzine simba kudarika dzimwe ‘dzaizosundidzirana,’ kana kuti kuratidzana masimba. Vaizorwisana vachishandisa zvombo zvine simba rakakura uye vachishandisa “pfuma,” kana kuti mari yakawanda.—Dhanieri 11:40, 42, 43.

Pane hondo yava pedyo kuitika

 Bhaibheri rinoratidza kuti zvinhu zvichatanga zvatowedzera kuipa asi zvozopedzisira zvanaka. Jesu akati paizova “nekutambudzika kukuru kusati kwamboitika kubvira pakutanga kwenyika.” (Mateu 24:21) “Kutambudzika kukuru” ikoko kuchaperera pahondo inonzi Amagedhoni, iyo inorondedzerwa ‘sehondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.’—Zvakazarurwa 16:14, 16.

 Asi Amagedhoni ichaponesa vanhu, kwete kuvaparadza. Mwari achashandisa hondo iyoyo kuti agumise kutonga kwevanhu uko kwakonzera hondo dzakawanda dziri kusiya dzaparadza vanhu nekusakadza zvinhu. Kuti unzwe kuti sei Amagedhoni ichinzi ichaita kuti panyika pave nerunyararo nekusingaperi, verenga nyaya dzinotevera: