Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKAMUKA!

Zvapupu zvaJehovha Panguva Yakaurayiwa Vanhu Zveutsinye nevaNazi—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Zvapupu zvaJehovha Panguva Yakaurayiwa Vanhu Zveutsinye nevaNazi—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Musi wa27 January 2023, unenge uri musi weInternational Holocaust Remembrance Day. Zuva iri nderekuyeuka kuurayiwa kweutsinye kwakaitwa vanhu nehurumende yevaNazi kuGermany makore 75 apfuura. Unogona kunetseka kuti sei Mwari akarega zvinhu izvi zvichiitika.

 VaJudha vakawanda vakatambudzwa. VaNazi vakatoita zvekuronga kuuraya mamiriyoni evaJudha. Kunewo mamwe mapoka evanhu akaurayiwa panguva iyi. Vamwe vacho vaiva Zvapupu zvaJehovha. Vaitambudzirwa zvavanotenda.

“Ramangwana rakanaka netariro”

 Vanhu vakawanda vanotya kuti kuurayiwa kwevanhu zveutsinye uku kunogona kuitika zvakare. Chinonyaradza ndechekuti Bhaibheri rinotiudza kuti mune ramangwana zvinhu zvakadaro hazvizomboitiki.

  •   “‘Nekuti ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pfungwa dzerugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei ramangwana rakanaka netariro.’”—Jeremiya 29:11. a

 Tariro iyi ichazadziswa Jehovha Mwari paachagumisa uipi hwese uye paachagadzirisa matambudziko ese ahwakakonzera. Ava pedyo:

 Zvinhu izvi zvinovimbiswa neBhaibheri zvichatoitika. Kuti uone kuti sei tichidaro, tinokukumbira kuti uite kosi yeBhaibheri uchibatsirwa nemumwe munhu.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.