Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungaita Sei Kuti Uzive Pekugumira Pakunwa Doro?

Ungaita Sei Kuti Uzive Pekugumira Pakunwa Doro?

 Vamwe vanonwa doro pavanenge vaine zviri kuvanetsa kana kuti vakasurukirwa. Wava kunwa kupfuura zvawaimboita here? Kana zviri izvo zvawava kuita, ungaita sei kuti usapedzisira wava kunyanya kunwisa kana kuti wava kutotadza kurarama usinganwi? Chimboona zvimwe zvinogona kukubatsira kuti unwe zvine mwero.

 Kunwa doro zvine mwero kuita sei?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Usava pakati pevaya vanonwisa waini.”—Zvirevo 23:20.

 Funga izvi: Bhaibheri harirambidzi kunwa doro zvine mwero. (Muparidzi 9:7) Asi rinosiyanisa kunonzi kunwa zvine mwero, kunwisa uye kudhakwa. (Ruka 21:34; VaEfeso 5:18; Tito 2:3) Kunyange ukasazosvika pakudhakwa, kunwisa doro kunogona kuita kuti utadze kuita zvisarudzo zvakanaka, kukanganisa utano hwako, uye kutadza kugarisana nevamwe.—Zvirevo 23:29, 30.

 Hurumende dzinoziva kuti pane musiyano pakati pekunwa zvine mwero nekunwisa, uye chinovabatsira kuziva izvi kutarisa kuti munhu anonwa mabhodhoro mangani pazuva uye kuti anonwa mazuva mangani pavhiki. a Asi zvinoitwa nevanhu kana vanwa doro zvinosiyana uye dzimwe nguva zvitori nani kurega kunwa doro racho. Sangano rinoona nezveutano reWorld Health Organization rinoti:

 “Kunwa mabhodhoro maviri kunyange rimwe chete chairo kutopfuura mwero:

  •   Kana uchidhiraivha kana kuti uchiita basa.

  •   Kana uine pamuviri kana kuti uchiyamwisa.

  •   Kana uchinwa mimwe mishonga.

  •   Kana uine chimwe chirwere.

  •   Kana usingazokwanisi kuziva pekugumira.”

 Ungaziva sei kuti wava kunyanya kunwisa?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ngationgororei nzira dzedu, tinyatsodzitarisisa.”—Mariro 3:40.

 Funga izvi: Kana ukagara uchiongorora manwiro aunoita, wogadzirisa kana ukaona kuti pane panoda kuchinjwa, zvichakudzivirira pazvinhu zvinokonzerwa nekunwisa doro. Zvinhu zvinotevera zvinogona kukuratidza kuti wava kunwisa.

  •   Kuti ufare, unotofanira kutanga wanwa doro. Unoona sekuti unofanira kunwa kuti unzwe wakagadzikana kana kuti ufare paunenge uchitandara nevamwe. Unonwa kuti ukanganwe nhamo dzako.

  •   Wava kunwa kupfuura zvawaimboita kare. Wava kunwa kakawanda. Wava kushandisa doro rinonyanya kudhaka uye rakawanda.

  •   Manwiro awava kuita ari kuita kuti usawirirana nevamwe kumba kana kubasa. Dzimwe nguva wava kutoshandisa mari yakawanda padoro kupfuura yawanga wakabhajeta.

  •   Kana wanwa wava kuita zvinhu zvinokupinza munjodzi, zvakadai sekudhiraivha, kushambira, kana kuti kushandisa michina.

  •   Vamwe vari kunetseka nemanwiro auri kuita. Pavanotaura nezvazvo, unobva watanga kupa tuzvikonzero. Haudi kuti vamwe vazive kuti unonwa uye pamwe pacho unonyepa uchiti wangonwa shoma.

  •   Hauchagoni kuregedza kunwa. Wakamboedza kurega doro kana kuderedza manwiro aunoita asi uri kutadza.

 Zvinhu 5 zvinogona kukubatsira kuti unwe zvine mwero

 1. Ronga zvaunoda kuita.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire.”—Zvirevo 21:5.

 Edza izvi: Sarudza kuti mazuva api auchanwa doro uye kuti mabhodhoro mangani ausingafaniri kupfuudza. Iva nemazuva maviri kana kupfuura ausinganwi doro vhiki rega rega.

 Rimwe sangano rekuU.K. rinobatsira vanhu kuti vasanyanya kunwa doro rakati, “Kumbopota uchirega kunwa kunobatsira chaizvo kuti usapedzisira wava kutadza kurarama usina doro.”

 2. Ita zvaunenge waronga.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Pedzisai zvamakatanga.”—2 VaKorinde 8:11.

 Edza izvi: Tsvaga kuti munyika menyu, kunwa zvine mwero kunwa mabhodhoro mangani kuti uone kuti uri kunwa zvakadii. Tsvaga zvinwiwa zvisingadhaki, zvine utano, zvaunofarira uye gara uinazvo.

 U.S. National Institute on Alcohol Abuse and Alcoholism inoti, “Kungochinja zvishoma manwiro aunoita kunogona kukubatsira kuti uderedze matambudziko anokonzerwa nekunwisa.”

 3. Usachinja zvawasarudza.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “‘Hongu’ wenyu ngaave hongu, uye ‘Kwete,’ wenyu kwete.”—Jakobho 5:12.

 Edza izvi: Shinga kutaura kuti “Aiwa” kana mumwe munhu akakuedza doro panguva yausingafaniri kunwa, asi wozvitaura zvakanaka.

 U.S. National Institute on Alcohol Abuse and Alcoholism inoti, “Kukurumidza kuramba kunokubatsira kuti usazochinja pfungwa.”

 4. Funga zvakanakira kuita zvawakaronga.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo.”—Muparidzi 7:8.

 Edza izvi: Nyora pasi zvikonzero zviri kuita kuti ude kuderedza manwiro aunoita doro. Zvimwe zvaunofanira kunyora ndezvekuti zvichakubatsira kurara zvakanaka, kuva neutano hwakanaka, kushandisa mari zvakanaka uye kuwirirana nevamwe. Kana ukaudza vamwe zvawakaronga, nyanya kutaura zvakanaka zvichabva pachisarudzo chawakaita pane kungotaura kuoma kwazvakaita.

 5. Kumbira Mwari kuti akubatsire.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

 Edza izvi: Kana uri kunetseka nezvemanwiro aunoita, nyengetera kuna Mwari kuti akubatsire. Mukumbire kuti akupe simba uye ukwanise kuzvidzora. b Wana nguva yekuverenga mazano ari muShoko rake, Bhaibheri. Mwari anogona kukubatsira kuti usanwa zvakapfurikidza.

a Semuenzaniso, U.S. Department of Health and Human Services ichitsanangura kunwisa inoti “kana munhukadzi akanwa mabhodhoro 4 kana kupfuura pazuva kana kuti 8 kana kupfuura pasvondo, anenge achinzi ari kunwisa, uye munhurume anonzi ari kunwisa kana akanwa mabhodhoro 5 kana kupfuura pazuva kana kuti 15 kana kupfuura pasvondo.” Maonerwo anoitwa nyaya yacho anosiyana-siyana zvichienderana nenyika, saka taura nachiremba wako kuti akubatsire kuziva kuti unganwa rakawanda sei kuti usapfurikidza mwero.

b Kana uri kutadza kuderedza manwiro aunoita, unogona kutsvaga kubatsirwa navanachiremba.