Imbirai Jehovha​—Nziyo Itsva

Nakidzwa nokuimba nziyo itsva dzokurumbidza Jehovha Mwari. Dhaunirodha nziyo nemashoko acho uye dzidzira kuimba nziyo idzi dzinonakidza.

RWIYO 136

Umambo Hwavapo​—Ngahuuye!

Rwiyo rwokurumbidza rwunotaura nezveUmambo tichirumbidza Jehovha Mwari pamusana pokuti Kristu Jesu ava kutonga.

RWIYO 137

Tipeiwo Ushingi

Batanawo nevamwe pakukumbira Jehovha Mwari ushingi hwokutaura nezvezita rake.

RWIYO 138

Jehovha Ndiro Zita Renyu

Rumbidzai zita guru raJehovha uye itai kuti vanhu vose vazive kuti ndiye oga Wokumusorosoro.

RWIYO 139

Vadzidzisei Kumira Vakasimba

Kukumbira Jehovha Mwari kuti atichengete uye atibatsire kuramba takatendeka kuti tizowana upenyu.

RWIYO 140

Upenyu hwaPiyona

Ratidza kuti unoda Jehovha uye unofara kuita basa rinogutsa.

RWIYO 141

Kutsvaka Shamwari Dzorugare

Rwiyo runonakidza uye runokurudzira runotaura nezvokuda vanhu uye kushingaira kwatinoita kutsvaka makwai anokosha aMwari.

RWIYO 142

Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ose

Imba nezvekunaka kwaJehovha uye zvatinoitawo pakuita kuti vanhu vemarudzi ose vave shamwari dzaMwari.

RWIYO 143

Chiedza Munyika Ine Rima

Shoko ratinozivisa rinopenya murima.

RWIYO 144

Kana Vachida Upenyu

Tinofanira kuparidza mashoko aMwari nguva ichiripo.

RWIYO 145

Kugadzirira Kunoparidza

Zviri nyore kurega kuenda kunoparidza, asi tinogona kuwana simba rokuti tiende.

RWIYO 146

Makazviitira Ini

Jesu anoona kudiwa uye kutsigirwa kunoitwa hama dzake dzakazodzwa sezviri kuitirwa iye.

RWIYO 147

Pfuma Chaiyo

Jehovha anokoshesha vanakomana vake vakazodzwa nemudzimu, uye vanoda kuita zvaanofarira.

RWIYO 148

Makatipa Mwanakomana Wenyu

Tenda Jehovha nechipo chinokosha kupfuura zvose chaakatipa. Chipo ichi chinopa munhu wose tariro.

RWIYO 149

Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

Hapana rudo rwunopfuura kufirwa kwatakaitwa naJesu uye izvozvo zvinoita kuti tirambe tichitenda Jehovha nekusingaperi.

RWIYO 150

Kuwedzera Basa Redu

Ratidza chido chaunacho chekushumira Jehovha nekuita chero chaanenge achida kuti uite.

RWIYO 151

Kuratidzwa Kwevanakomana vaMwari

Tiri kumirira nemwoyo wose zuva iro Jehovha achaita kuti vakazodzwa vazokunda pamwe chete naJesu kudenga.

RWIYO 152

Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

Upenyu pahunombooma tinombotya asi tinogona kuvimba naMwari otipa simba netariro.

RWIYO 153

Unonzwa Sei Nebasa Iri?

Unonzwa sei kana waita zvose zvaunogona pakutsvaga vakakodzera?

RWIYO 154

Ticharamba Tichitsungirira

Rwiyo rwunotibatsira kutsungirira uye kushumira Jehovha takatendeka kusvikira pamugumo.