Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 65

Fambira Mberi!

Fambira Mberi!

(VaHebheru 6:1)

  1. 1. Fambira mberi m’ne zvekunamata!

    Vhenekera vese chiedza chechokwadi.

    Edza kunatsa ushumiri hwako,

    Uchivimba naMwari.

    Pane basa remunhu wese.

    Ndiro raiitwa naJesu.

    Vimba naMwari usakundikane.

    Tsigira kururama.

  2. 2. Fambirawo mberi pakuparidza!

    Ushinge kuparidza usingasaruri.

    Rumbidza Jehovha pamwe nevamwe,

    Kubva paimba nemba.

    Vavengi votityisidzira,

    Asi uudze munhu wese,

    Kuti Umambo hwaMwari hwasvika.

    Ramba uchidzidzisa.

  3. 3. Fambirawo mberi pakushanyazve,

    Wedzera unyanzvi hwako, basa iguru.

    Ramba uchifamba nemweya waShe.

    Wana m’faro waMwari.

    Ida vanhu vaunowana,

    Dzoka uvabaye pamwoyo.

    Vabatsire vakure zvioneke,

    Chiedza chivheneke.