RWIYO 38
Achakusimbisa
-
1. Nei Jehovha akakupa chokwadi,
Akakudana ubve murima?
Akaona kuti waitomutsvaga
Uchida kuita zvakanaka.
Wakavimbisa kumute’rera.
Akabatsira, achabatsira.
(KORASI)
Mwari akakutenga neropa raJesu.
Achakutsigisa, achakusimbisa.
Achafamba newe, achakudzivirira.
Achakutsigisa, achakusimbisa.
-
2. Mwari akapa Mwanakomana wake,
Saka anoda kuti ukunde.
Zvaasina kukunyima Mwana wake,
Achakupa simba raunoda.
Haazokanganwi rudo rwako;
Haazotadzi kukutsigira.
(KORASI)
Mwari akakutenga neropa raJesu.
Achakutsigisa, achakusimbisa.
Achafamba newe, achakudzivirira.
Achakutsigisa, achakusimbisa.
(Onawo VaR. 8:32; 14:8, 9; VaH. 6:10; 1 Pet. 2:9.)