Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 38

Achakusimbisa

Achakusimbisa

(1 Petro 5:10)

  1. 1. Nei Jehovha akakupa chokwadi,

    Akakudana ubve murima?

    Akaona kuti waitomutsvaga

    Uchida kuita zvakanaka.

    Wakavimbisa kumute’rera.

    Akabatsira, achabatsira.

    (KORASI)

    Mwari akakutenga neropa raJesu.

    Achakutsigisa, achakusimbisa.

    Achafamba newe, achakudzivirira.

    Achakutsigisa, achakusimbisa.

  2. 2. Mwari akapa Mwanakomana wake,

    Saka anoda kuti ukunde.

    Zvaasina kukunyima Mwana wake,

    Achakupa simba raunoda.

    Haazokanganwi rudo rwako;

    Haazotadzi kukutsigira.

    (KORASI)

    Mwari akakutenga neropa raJesu.

    Achakutsigisa, achakusimbisa.

    Achafamba newe, achakudzivirira.

    Achakutsigisa, achakusimbisa.