Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 2

Jehovha Ndiro Zita Renyu

Jehovha Ndiro Zita Renyu

(Pisarema 83:18)

  1. 1. Mwari wechokwadi,

    Wezvese zvakasikwa.

    Kugara nekugara,

    Munonzi Jehovha.

    Tinodada kuti

    Tiri ungano yenyu.

    Tinozivisa kwese

    Mbiri yenyu Mwari.

    (KORASI)

    Jehovha, Jehovha,

    Imi ndimi mega.

    Kumatenga nepanyika,

    Ndimi Mwari mega.

    Ndimi Wemasimbaose,

    Vanhu ngavazive.

    Jehovha, Jehovha,

    Ndimi mega Mwari wedu.

  2. 2. Munoita kuti

    Tive chero zvamada,

    Tiite zvamunoda;

    Munonzi Jehovha.

    Makatitumidza

    Kuti Zvapupu zvenyu.

    Imi makatikudza;

    Tine zita renyu.

    (KORASI)

    Jehovha, Jehovha,

    Imi ndimi mega.

    Kumatenga nepanyika,

    Ndimi Mwari mega.

    Ndimi Wemasimbaose,

    Vanhu ngavazive.

    Jehovha, Jehovha,

    Ndimi mega Mwari wedu.