Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 19

Kudya kwaShe Kwemanheru

Kudya kwaShe Kwemanheru

(Mateu 26:26-30)

  1. 1. Baba vedu vari kudenga,

    Usiku huno hutsvene!

    Makada kuratidza rudo nesimba,

    Kururama, uchenjeri.

    Israeri akanunurwa

    Negwayana rePaseka.

    Ishe neropa rake rakadeurwa

    Akazozadzisa Paseka.

  2. 2. Nechingwa ichi newaini,

    Toyeuka chipo chenyu

    Chakapihwa naShe, Nezvatakawana

    Nekuteerera kwake.

    Tokoshesa Chirangaridzo;

    Inguva yekuyeuka

    Kuti rufu rwaShe Ndorwakatitenga,

    Kutidzikinura parufu.

  3. 3. Taungana pamberi penyu.

    Matidana tikauya

    Kuzokurumbidzai nerudo rwenyu.

    Nerudo rweMwana wenyu.

    Pakudya kwaShe Kwemanheru

    Tinotsungiswa pamwoyo

    Kufamba tichitsika maakatsika,

    Kuti tizowana upenyu.