Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 152

Nzvimbo Ichaita Kuti Murumbidzwe

Nzvimbo Ichaita Kuti Murumbidzwe

(1 Madzimambo 8:27; 1 Makoronike 29:14)

  1. 1. Jehovha, Musiki wedenga,

    Hamumbokwani mudenga,

    Kuzoti pano patavaka—

    Asi pane mweya wenyu.

    Vanofamba m’chiedza chenyu

    Voshongedza nzvimbo ino.

    Tinofara kushanda pamwe;

    M’nofadzwa tikazvipira.

    (BHIRIJI)

    Zvese zvatinazvo

    Zvakabva kwamuri’mi.

    Zvese zvatokupai

    Zvakabva kwamuri.

    (KORASI)

    Totenda zvamatiitira;

    Tokuimbirai rwiyo.

    Tariro yedu mazadzisa

    Nemba ino morumbidzwa.

  2. 2. Jehovha, maiziva taida

    Nzvimbo inokukudzai

    Makwai awane zvokudya,

    Kuti abatsire vamwe.

    Kuda kwenyu ngakuitwe pano.

    Pachine basa riripo,

    Timhanyise, tisambomisa

    Basa rakapiwa naShe.

    (BHIRIJI)

    Toda kukupai

    Zvakanakisa zvedu.

    Ndimi makakodzera—

    Makatipa zvese.

    (KORASI)

    Totenda zvamatiitira;

    Tokuimbirai rwiyo.

    Tariro yedu mazadzisa

    Nemba ino morumbidzwa.