Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 145

Vimbiso yaMwari yeParadhiso

Vimbiso yaMwari yeParadhiso

(Ruka 23:43)

  1. 1. Paradhiso yakavimbiswa,

    Mukutonga kweChiuru.

    Mwari paachabvisa chivi,

    Rufu, nemisodzi yese.

    (KORASI)

    Nyika yova paradhiso.

    Nekutenda tozviona.

    Kristu achazvizadzisa,

    Anoda kuda kwaMwari.

  2. 2. Pasi pano, munguva pfupi

    Jesu achamutsa vanhu.

    Sezvaakavimbisa kuti:

    ‘Uchava muParadhiso.’

    (KORASI)

    Nyika yova paradhiso.

    Nekutenda tozviona.

    Kristu achazvizadzisa,

    Anoda kuda kwaMwari.

  3. 3. Akavimbisa Paradhiso,

    Iye zvino ndiye Mambo.

    Totenda Mwari Baba vedu,

    Tiimbe nemwoyo wese.

    (KORASI)

    Nyika yova paradhiso.

    Nekutenda tozviona.

    Kristu achazvizadzisa,

    Anoda kuda kwaMwari.