Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 132

Tava Nyama Imwe

Tava Nyama Imwe

(Genesisi 2:23, 24)

  1. 1. Pfupa remapfupa angu,

    Nyama yangu; handisi ndega.

    Mwari andipa shamwari,

    Wekutiwo wangu.

    Tava mumwe; ta’kuwana

    Zvikomborero tiri pamwe.

    Semurume nemukadzi,

    Zvino tava mhuri.

    Tichashumira Mwari wedu.

    Ticharatidza Rudo sezvaanoda.

    Sezvatakatsidzirana,

    Tidanane kuti tifare.

    Ngatikudzei Jehovha,

    Urambewo uri wangu.