Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 112

Jehovha, Mwari Werugare

Jehovha, Mwari Werugare

(VaFiripi 4:9)

  1. 1. Jehovha werudo,

    Munotipa rugare.

    Tipeiwo chibereko

    Chemweya wenyu m’tsvene.

    Nekutenda Kristu,

    Uyo akavimbika,

    Tinova shamwari dzenyu.

    Tine rugare nemi.

  2. 2. Nemweya mutsvene,

    Pamwe neShoko renyu,

    Muri kutivhenekera

    Munyika ine rima.

    Dzamara tapinda

    M’nyika isina hondo,

    Mweya wenyu uve nesu

    Tichengete rugare.

  3. 3. Vese vamunoda

    Kudenga nepanyika,

    M’novabatanidza pamwe

    Vazivise Umambo.

    NeUmambo hwenyu

    Muchagumisa hondo.

    Vanyoro vachazofara

    Kugara murugare.