Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 105

“Mwari Rudo”

“Mwari Rudo”

(1 Johani 4:7, 8)

  1. 1. Mwari rudo, anotiti:

    ‘Fambai m’nzira yangu.’

    Tikada Mwari nevanhu,

    Toita zvakanaka.

    Ndihwo upenyu chaihwo;

    Upenyu hwatinoda.

    Hatizozvidembi kana

    Ti’ne rudo rwaKristu.

  2. 2. Kuda Mwari nechokwadi,

    Kwoita tide vamwe.

    Tikawa anotimutsa;

    Totanga kufambazve.

    Rudo haruiti godo,

    Runoshivi’ra zvese.

    Tiwedzere kuda hama,

    Tinzwe kufadza kwazvo.

  3. 3. Usakundwe nechigumbu,

    Woita zvakaipa.

    Tungamirirwa naMwari;

    Akudzidzise izvi:

    Kumuda nekuda vanhu;

    Rwacho runonzi rudo.

    Tigare tichida vamwe

    Nerudo serwaMwari.