Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munhu Anopesana naKristu Ndiani?

Munhu Anopesana naKristu Ndiani?

Pane firimu rinotyisa richangobva kubuda rinonzi Antichrist (Munhu Anopesana naKristu).

Chimwe chikwata chinoridza mimhanzi chine mukurumbira chakabudisa dambarefu rinonzi Antichrist Superstar (Shasha Yekupesana naKristu).

Pamabhuku akanyorwa nemumwe muzivi ainzi Friedrich Nietzsche uyo akararama makore anenge 200 apfuura, pane raakatumidza kuti The Antichrist (Munhu Anopesana naKristu).

Madzimambo akatonga kubvira muna 474 C.E. kusvika munenge muna 1500 aiwanzodana vavengi vawo kuti vanhu vanopesana naKristu.

Martin Luther wekuGermany uyo aitungamirira vaya vaibuda muchechi yeRoma akati vanapapa vechechi iyi vanopesana naKristu.

SEZVO mashoko ekuti “munhu anopesana naKristu” ava nenguva refu achishandiswa pakurondedzera zvakawanda zvinosanganisira madzimambo nemafirimu, zvine musoro kubvunza kuti: Munhu anopesana naKristu ndiani? Mazuva ano pane here anganzi munhu anopesana naKristu? Mashoko ekuti “munhu anopesana naKristu” anowanika ka4 muBhaibheri uye ekuti “vanhu vanopesana naKristu” anowanika kamwe chete. Saka zvakanaka kuti titange kuongorora zvarinotaura.

MUNHU ANOPESANA NAKRISTU ANOFUMURWA

Muapostora Johani ndiye chete munyori weBhaibheri akanyora mashoko ekuti “munhu anopesana naKristu.” Akamutsanangura sei? Ona mashoko aya ari mutsamba yake yekutanga anoti: “Vana vaduku, iawa yokupedzisira, uye, sokunzwa kwamakaita kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya, kunyange zvino kwazova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji; muna izvozvi tinoziva kuti iawa yokupedzisira. Ivo vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu . . . Murevi wenhema ndiani kana asiri uya anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Uyu ndiye munhu anopesana naKristu, uyo anoramba Baba noMwanakomana.”1 Johani 2:18, 19, 22.

Muapostora Johani ainzwisisa kuti munhu anopesana naKristu ndevaya vose vanodzidzisa nhema pamusoro paJesu Kristu uye zvaakadzidzisa vachitoziva havo

Tinodzidzei pamashoko aya? Johani akanyora kuti “vanhu vanopesana naKristu vazhinji,” zvichiratidza kuti akanga asingatauri nezvemunhu mumwe chete asi boka revanhu. Anonzi “munhu anopesana naKristu” ndivo vanhu kana kuti masangano anodzidzisa nhema, anoramba kuti Jesu ndiye Kristu, kana kuti Mesiya, uye anodzidzisa kuti Mwari neMwanakomana wake Jesu Kristu munhu mumwe chete. Vaya vanopesana naKristu vanozviti ndivo Kristu wacho, kana kuti vamiririri vake. Asi sezvo “vakabva kwatiri,” vanhu ava vakaramba dzidziso dzechokwadi dzeBhaibheri. Uyewo boka iri rakanga riripo Johani paakanyora tsamba yake ‘muawa yokupedzisira,’ zvichida kwasara nguva pfupi kuti vaapostora vese vapere.

Ndezvipi zvimwe zvakanyorwa naJohani nezvemunhu anopesana naKristu? Paaitaura nezvevaprofita venhema, akanyevera kuti: “Kutaura kwose kwakafuridzirwa kunobvuma kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama kunobva kuna Mwari, asi kutaura kwose kwakafuridzirwa kusingabvumi Jesu hakubvi kuna Mwari. Uyezve, uku ndiko kutaura kwakafuridzirwa kwomunhu anopesana naKristu kwamakanzwa kuti kwakanga kuchiuya, uye zvino kwatova munyika.” (1 Johani 4:2, 3) Mutsamba yake yechipiri, Johani akadzokororazve pfungwa yacho achiti: “Vanyengeri vazhinji vakaoneka munyika, vanhu vasingabvumi kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama. Uyu ndiye munyengeri uye munhu anopesana naKristu.” (2 Johani 7) Zviri pachena kuti Johani ainzwisisa kuti munhu anopesana naKristu ndevaya vose vanodzidzisa nhema pamusoro paJesu Kristu uye zvaakadzidzisa vachitoziva havo.

“VAPROFITA VENHEMA” UYE “MUNHU ASINGATEERERI MUTEMO”

Jesu akanyevera kuti vaprofita venhema vaizouya “vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza”

Pachine nguva refu Johani asati anyora nezvevanyengeri ava, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Chenjererai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza.” (Mateu 7:15) Muapostora Pauro akanyeverawo vaKristu vaiva muTesaronika kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai chero nenzira ipi zvayo, nokuti [zuva raJehovha] haringauyi kunze kwokunge kutsauka pakutenda kwatanga kuuya uye munhu asingateereri mutemo aratidzwa, iye mwanakomana wokuparadzwa.”2 VaTesaronika 2:3.

Saka panguva yevaapostora, vaprofita venhema uye vanhu vakatsauka pakutenda vakanga vatovako, vachiedza kuita kuti vanhu vari muungano yechiKristu vasava nekutenda kwakasimba. Vanhu vose vaidzidzisa nhema, uye vaitaura zvisiri izvo pamusoro paJesu Kristu uye zvaakadzidzisa kuti vatsause vanhu ndivo vainzi naJohani “munhu anopesana naKristu.” Pauro akaratidza kuti Jehovha anoona sei vanhu vakadaro paakavati, “mwanakomana wokuparadzwa.”

NGWARIRA KUTSAUSWA NEMUNHU ANOPESANA NAKRISTU

Ko mazuva ano? Vanhu nemasangano anopesana naKristu vachiri kuramba Kristu pamwe chete nezvaakadzidzisa. Vanonyengera vanhu uye vanodzidzisa nhema vachitoziva havo, nechinangwa chekuti vanhu vasaziva chokwadi pamusoro paBaba, Jehovha Mwari, neMwanakomana wavo Jesu Kristu. Tine chikonzero chakanaka chekuti tingwarire kutsauswa nenhema idzodzo. Ngatimboonai dzimwe dzacho mbiri.

Kwemazana emakore, machechi akaita kuti vakawanda vatende dzidziso yeUtatu, vachiti Baba neMwanakomana vakaenzana. Saka munhu anopesana naKristu akaita kuti vanhu vatadze kunzwisisa kuti Jehovha Mwari ndiani uye Jesu Kristu ndiani. Izvi zvinoita kuti vanhu vanoda kunamata vatadze kutevedzera Jesu Kristu uye kuva pedyo naMwari sezvavanokurudzirwa muBhaibheri.1 VaKorinde 11:1; Jakobho 4:8.

Machechi ari kuwedzera kuvhiringidza vanhu nokuti anovakurudzira kushandisa maBhaibheri asina zita raMwari rekuti Jehovha. Vanoita izvi pasinei nokuti zita rekuti Jehovha rinowanika kanenge ka7 000 muzvinyorwa zvekutanga zveBhaibheri. Izvi zviri kutoita kuti vanhu vakawanda vatadze kuziva Mwari wechokwadi.

Kunyange zvakadaro, kuziva zita raMwari rekuti Jehovha kuri kuita kuti vamwe vanhu vakawanda vanonyatsoda kunamata vaswedere pedyo naye. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Richard uyo anoyeuka kukurukura kwaakaita neZvapupu zvaJehovha zviviri. Anoti, “Vakandiratidza kubva muBhaibheri kuti zita raMwari wechokwadi nderokuti Jehovha. Ndakafara chaizvo pandakaziva kuti Mwari ane zita, uye ndakanga ndisati ndambonzwa nezvaro.” Richard akabva atanga kuchinja upenyu hwake kuti huenderane nezvinotaurwa muBhaibheri uye kuti afadze Jehovha. Anoti: “Kuziva zita raMwari kuri kundibatsira kuti ndive neushamwari hwakasimba naye.”

Munhu anopesana naKristu ava nemazana emakore achiita kuti mamiriyoni evanhu atadze kuziva chokwadi nezvaMwari. Asi kudzidza Shoko raMwari Bhaibheri, kunotibatsira kuziva kuti ndiani chaizvo munhu anopesana naKristu uye kunotisunungura panhema neunyengeri hwemunhu iyeye.Johani 17:17.