NHARIREYOMURINDI October 2013 | Bhaibheri Rinombotaura Nezvei?

Bhaibheri rinotiudza kuti takabva kupi uye zvakaitwa naMwari kuti anunure vanhu achishandisa Mesiya.

NYAYA IRI PAKAVHA

Nei Uchifanira Kufarira Bhaibheri?

Bhaibheri haringotauri kuti ibhuku rinotaura nezvaMwari asiwo kuti rinobva kuna Mwari. Ungadzidzei mariri?

NYAYA IRI PAKAVHA

Vanhu Vakabva Kupi?

Bhuku reBhaibheri raGenesisi rinotsanangura nemashoko mashoma uye ari nyore kunzwisisa kuti zvinhu zvose zvakabva kupi. Chii chimwe chatinodzidza mubhuku raGenesisi?

NYAYA IRI PAKAVHA

Mwari Anoronga Kununura Vanhu

Mesiya anopinda papi pavimbiso yakaitwa naMwari kuna Abrahamu? Ona kuti Mwari achanunura sei vanhu pakurwara, kutambura uye rufu.

NYAYA IRI PAKAVHA

“Tawana Mesiya”!

Vakawanda vanobvuma kuti Jesu ndiye Mesiya akapikirwa. Vamwe havabvumi. Ona zvinotaurwa neBhaibheri.

NYAYA IRI PAKAVHA

Mashoko Akanaka Kuvanhu Vose

Mashoko aMwari kuvanhu ari muBhaibheri anokubatsira sei iye zvino uye mune remangwana?

Upenyu Pashure Pokurambana

Vanenge vanhu vose vanorambana vanozoona kuti upenyu hwakaoma kupfuura zvavaitarisira. Mazano emuBhaibheri anogona kukubatsira kuti ubudirire.

SWEDERA PEDYO NAJEHOVHA

“Jehovha Akakukanganwirai Nomwoyo Wose”

Mwari anokanganwira nokuzvidira vatadzi vanopfidza. Izvi zvinofanira kuita kuti tibate vamwe sei? Nei kukanganwira kuchikosha zvikuru?

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Vanhu Vakawanda Vaindivenga”

Ona kuti kudzidza Bhaibheri kwakabatsira sei mumwe murume aiita zvechisimba kuti ave munhu ane rugare.

Ruvara Runoita Kuti Uite Sei?

Ruvara rune zvarunogona kuita pavanhu. Chimbofunga nezvemavara matatu uye zvaangakuita.

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Vakafa vane tariro yei? Vanogona kuraramazve here?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza Paimba Neimba?

Ona kuti Jesu akaudza vadzidzi vake vepakutanga-tanga kuitei.