Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUKURUKURA NEMUVAKIDZANI

Mwari Ane Hanya Nokutambura Kwedu Here?

Mwari Ane Hanya Nokutambura Kwedu Here?

Zvakanyorwa pasi apa ndizvo zvingaitwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha paanenge achikurukura nemuvakidzani wake. Ngatimbotii Chapupu chinonzi Michelle chasvika pamba pemukadzi anonzi Sophia.

NEI MWARI ACHIREGA TICHITAMBURA?

Michelle: Nhasi ndiri kugovera turakiti iri kuvanhu vemunzvimbo ino. Rine musoro unoti, Ungada Here Kuziva Chokwadi? Renyuwo iri.

Sophia: Nderechitendero here?

Michelle: Hongu. Onai mibvunzo mitanhatu iri papeji yokutanga. Ndoupi mubvunzo—

Sophia: Chimbomirai zvenyu. Mungatopedza nguva yenyu muchitaura neni.

Michelle: Nei madaro?

Sophia: Chiripo ndechokuti handina chokwadi kana Mwari ariko.

Michelle: Maita henyu nokundiudza chokwadi. Ndingabvunzawo kuti ndiwo agara ari maonero enyu here?

Sophia: Kwete, ndakakura ndichienda kuchechi. Asi ndakarega kare kare.

Michelle: Ndinozvinzwisisa izvozvo. Sori ndanga ndisina kutaura zita rangu. Ndinonzi Michelle.

Sophia: Ini ndinonzi Sophia.

Michelle: Ndafara kukuziva, Sophia.

Sophia: Neniwo ndafara.

Michelle: Handina hangu kuuya kuzokumanikidza kuti utende zvandinotenda, Sophia. Asi ndingada kuziva. Pane here chakanyatsoita kuti usava nechokwadi kana Mwari ariko?

Sophia: Hongu. Amai vangu vakapinda mutsaona yemotokari makore 17 akapfuura.

Michelle: Ndine urombo zvikuru. Vakakuvara here?

Sophia: Hongu vakakuvara zvokuti havachakwanisi kuita chimwe chinhu.

Michelle: Inga zvakaoma. Ndinofunga zviri kukurwadza zvikuru.

Sophia: Zvinondirwadza. Ndosaka ndichinetseka kuti, Kana Mwari ariko, nei akabvumira kuti izvi zviitike? Nei Mwari achibvumira kuti titambure kudai?

ZVAKAIPA HERE KUBVUNZA KUDARO?

Michelle: Hapana chakaipa nokunzwa saizvozvo uye mibvunzo yako inonzwisisika. Zviri matiri kunetseka kuti nei tichitambura. Ndizvo zvakaitwawo nevamwe varume nevakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri!

Sophia: Hoo?

Michelle: Ehe. Ndingakuratidza mumwe muenzaniso kubva muBhaibheri here?

Sophia: Horaiti.

Michelle: Ona kuti muprofita akatendeka Habhakuki akabvunza Mwari kuti chii, sezvakanyorwa pana Habhakuki chitsauko 1 ndima ya2 ne3: “Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini, imi musinganzwi? Ndichashevedzera kwamuri kuti mundibatsire pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musingaponesi? Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza?” Mibvunzo iyi yakafanana neyawave uchibvunza here?

Sophia: Yakafanana.

Michelle: Mwari haana kutsamwira Habhakuki nokubvunza mibvunzo iyi, kana kumuudza kuti aifanira kuwedzera kutenda.

Sophia: Izvi zvitori zvitsva.

JEHOVHA ANOVENGA KUTAMBURA

Michelle: Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anoona uye ane hanya nokutambura kwedu.

Sophia: Uri kurevei?

Michelle: Rega ndikuratidze muenzaniso uri pana Eksodho 3:7. Ungada here kuverenga vhesi yacho?

 Sophia: Zvakanaka. Panoti: “Jehovha akatizve: ‘Chokwadi ndaona kutambudzika kwevanhu vangu vari muIjipiti, uye ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwevaya vanovamanikidza kuti vashande; nokuti ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.’”

Michelle: Waita hako. Sezvawaona pavhesi iyi, Mwari anoona here kutambura kwevanhu vake?

Sophia: Yaa, zvinoita sokudaro.

Michelle: Haangooni chete kutambura kwatinoita. Tarisa zvakare panoperera vhesi iyi. Mwari akati: “Ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.” Mashoko aya anoratidza kuti ndiMwari asina hanya nesu here?

Sophia: Haa, kana.

Michelle: Ichokwadi, Mwari haangooni matambudziko atinotarisana nawo asi anorwadziwawo patinotambura.

Sophia: Ndizvozvo.

Michelle: Tichiri papfungwa iyi, ngativerengei nezveimwe nguva vanhu vaMwari pavaitambura. Ngationei pana Isaya 63:9. Vhesi iyi inotanga ichiti: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika.” Nemashoko aya ungati Mwari akarwadziwa nokutambura kwevanhu vake here?

Sophia: Yaa, zvinoita sokudaro.

Michelle: Sophia, chokwadi ndechokuti Mwari ane hanya chaizvo nesu uye anovenga kuona tichitambura. Patinorwadziwa, anorwadziwawo.

NEI KWENGUVA YAKAREBA KUDAI?

Michelle: Ndisati ndaenda, pane imwe pfungwa yandinoda kukurukura newe.

Sophia: Zvakanaka.

Michelle: Ona zvinodzidziswa neBhaibheri nezvesimba raMwari. Ndiri kufunga nezvaJeremiya 10:12. Ungaiverenga here?

Sophia: Horaiti. Panoti: “Iye ndiye Muiti wenyika nesimba rake, Iye ari kusimbisa kwazvo nyika inobereka nouchenjeri hwake, Iye akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.”

Michelle: Waita hako. Ngatimbofunga nezvevhesi iyi. Unofunga kuti Mwari aida simba guru here kuti asike zvinhu zvose zviri pasi nokudenga?

Sophia: Ichokwadi aida simba guru.

Michelle: Saka, kana Mwari aine simba rokusika zvinhu zvose, hatingatarisiri here kuti ane simba rokupedza kutambura?

Sophia: Haangambotadzi.

Michelle: Chimbofunga nezvaamai vako. Nei zvichikurwadza kuvaona vachitambura?

Sophia: Nekuti ndinovada.

Michelle: Kudai wanga uine simba rokuvarapa waisazodaro here?

Sophia: Ndizvo chaizvo zvandaizoita.

Michelle: Funga kuti izvi zvinorevei. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anoona kutambura kwedu, anonzwisisa kurwadziwa kwatinoita uye ane simba guru. Saka ungafungidzira here kuzvidzora kuri kuita Mwari kuti asapindire obva angogumisa kutambura iye zvino?

Sophia: Handina kumbobvira ndazvifunga nenzira iyoyo.

Michelle: Kuti angava nechikonzero chakanaka chokuti asagumisa matambudziko edu iye zvino here? *

Sophia: Ndinofunga kuti anacho.

Michelle: Ndiri kunzwa foni yako iri kurira, saka rega ndizodzoka pane imwe nguva toenderera mberi nenyaya yedu.

Sophia: Waita hako. Ndingafara kana ukadzoka. *

Pane nyaya yomuBhaibheri inombokutemesa musoro here? Pane zvaunoda kuziva here nezvezvinotendwa kana kuti zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha pamanamatiro azvo? Kana zviripo, usazeza kubvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha. Achafara kutaura newe nyaya dzakadaro.

^ ndima 61 Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 64 Imwe nyaya ichabuda mumagazini inotevera ichakurukura kuti nei Mwari achibvumira kutambura.