Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndaida Kutevedzera Mwanasikana waJefta

Ndaida Kutevedzera Mwanasikana waJefta

Ndaida Kutevedzera Mwanasikana waJefta

Yakataurwa naJoanna Soans

Ndichiri kuyaruka, ndakava nechido chakasimba chokutevedzera mwanasikana waJefta. Regai nditsanangure zvandaironga uye kuti ndakazomutevedzera sei pane zvakawanda.

MUNA 1956, ndakapinda gungano reZvapupu zvaJehovha kekutanga muBombay (yava kunzi Mumbai) kuIndia, uye izvozvo zvakachinja upenyu hwangu. Ndakabayiwa mwoyo nehurukuro yandakanzwa yaitaura nezvemwanasikana waJefta.

Ungangodaro wakaverenga muBhaibheri kuti mwanasikana waJefta, uyo akanga achiri kuyaruka akabvuma kuti aisazoroorwa. Izvozvo zvakaita kuti baba vake vakwanise kuzadzisa mhiko yavakanga vaita. Saka kweupenyu hwake hwose, akashanda patebhenekeri kana kuti paimba yaJehovha asina kuroorwa.—Vatongi 11:28-40.

Ndaida chaizvo kumutevedzera! Asi paiva nenyaya, nokuti panguva iyoyo muIndia waitofanira kuroorwa kuti unzi uri munhu.

Mamiriro Emhuri Yedu

Ndaiva mwana wechishanu pavana vatanhatu vaBenjamin naMarcelina Soans vaigara muguta reUdipi riri kumadokero kweIndia. Tinotaura chiTulu, mutauro wevanhu vanenge mamiriyoni maviri. Asi kuchikoro taidzidziswa nomutauro wechiKannada, sezvaingoitwa vanhu vakawanda vomuUdipi.

Munzvimbo iyi kuti unzi uri munhu unofanira kuroorwa wova nevana vako. Pandaikura, handina kumbobvira ndanzwa mashoko echiTulu ekuti “kusaroora kana kusaroorwa,” “kusurukirwa,” uye “kusuwa kumusha.” Zvaiita sokuti hakuna zvinhu zvakadaro. Ndinodaro nokuti pamba pedu taigara nehama dzakawanda dzaisanganisira vanasekuru navanambuya, vanababamukuru navanababamunini nevana vavo uye vanatete nevazukuru.

Mutsika dzedu, vana vainzi ndevaamai. Dzinza raikosha nderekwaamai uye vanasikana ndivo vaiwana pfuma yakawanda panhaka. Mune dzimwe nzvimbo dzechiTulu, murume ndiye aitonogara nevabereki vomukadzi.

Mhuri yedu yakanga yava kuenda kuchechi saka takanga tava kuita zvakasiyana nevamwe vomunharaunda. Manheru oga oga, sekuru vangu vaitungamirira mhuri yose pakunamata, vachinyengetera uye vachiverenga Bhaibheri rechiTulu zvinonzwika. Pose pavaivhura Bhaibheri ravo rakasakara vachitiverengera, zvaiita sokuti vari kuvhura bhokisi rine matombo anokosha. Zvainakidza chaizvo! Ndaibatwa-batwa nePisarema 23:1 iro rinoti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa.” Zvaindinetsa kuti, ‘Jehovha ari kutaurwa uyu ndiani uye nei achinzi mufudzi?’

“Mafunurwa” Akadonha Mumaziso Angu

Kuoma kwakanga kwaita zvoupfumi nemhaka yeHondo Yenyika II kwakaita kuti titamire kuBombay, yaiva kure nemakiromita anopfuura 900. Muna 1945 tiri ikoko, Zvapupu zvaJehovha zvakashanyira baba vangu ndokuvapa kabhuku kaitaura zveBhaibheri. Baba vakakaverenga nechido ndokutanga kuudzawo vamwe vaitaura chiKannada mashoko acho. Mukutanga kwema1950 boka iri duku rakazokura kusvika rava ungano yokutanga yomutauro wechiKannada muBombay.

Baba naAmai vaitidzidzisa isu vana kuti tide kugara tichidzidza Bhaibheri uye kuti tive vadzidzisi vakanaka. Zuva roga-roga vaitsvaka mikana yokuti tinyengetere nokudzidza pamwe chete. (Dheuteronomio 6:6, 7; 2 Timoti 3:14-16) Rimwe zuva pandaiverenga Bhaibheri, zvakaita sokuti mafunurwa adonha mumaziso angu. Ndakadzidza kuti Jehovha anofananidzwa nomufudzi nokuti anotungamirira vanomunamata, anovapa zvokudya, uye anovadzivirira.—Pisarema 23:1-6; 83:18.

Jehovha Akabata Ruoko Rwangu

Gungano risingakanganwiki rakaitwa muna 1956 kuBombay richangopera, ndakabva ndabhabhatidzwa. Pashure pemwedzi mitanhatu, ndakatevedzera muenzaniso wehanzvadzi yangu Prabhakar ndokutanga kuita basa rokuparidza nguva yakazara. Kunyange zvazvo ndaida chaizvo kuudza vamwe chokwadi chemuBhaibheri, pandaida kutaura zvandaitenda, ndaipererwa nemashoko. Ndaikakama uye uye inzwi rangu raidedera. Ndakazviudza kuti: ‘Jehovha chete ndiye angandibatsira kuita basa iri!’

Jehovha akandibatsira achishandisa Homer naRuth McKay, mamishinari aibva kuCanada, vakanga vapinda chikoro chemamishinari cheZvapupu zvaJehovha muNew York, U.S.A., muna 1947. Pandakatanga kuita basa rokuparidza zvaiita sokuti vaindibata ruoko vachindidzidzisa kufamba. Ruth aigara achindidzidzisa mharidzo dzepaimba neimba. Ainyatsoziva zvokuita kuti ndisatya. Aindibata maoko angu anenge achidedera oti: “Usatya hako mudikani. Ngatimboedzai paimba inotevera.” Matauriro ake aindisimbisa.

Rimwe zuva ndakaudzwa kuti ndaizoita basa rokuparidza naElizabeth Chakranarayan uyo akanga akura uye agara nebasa rokudzidzisa Bhaibheri. Chakatanga kuuya mupfungwa dzangu ndechokuti: ‘Ndichagona here kugarisana naye? Munhu wechikuru, asi ini ndichiri mudiki!’ Zvisinei, ndakazoona kuti zvakanga zvakakodzera chaizvo kuti tigarisane.

“Hapana Chaipo Patinenge Tiri Toga”

Takatanga kutumirwa kuguta rakakurumbira reAurangabad riri makiromita anenge 400 kumabvazuva kweBombay. Takabva tangoona kuti taingova Zvapupu zviviri chete muguta iroro raiva nevanhu vanoda kusvika miriyoni. Ndaifanirawo kudzidza mutauro unonyanya kutaurwa muguta racho wechiMarathi.

Dzimwe nguva ndaimbosurukirwa zvikuru uye ndaimbochema zvinonzwika ndiri ndoga senherera isina amai. Asi Elizabeth aindinyaradza achitaura sezvingaitwa naamai achiti: “Dzimwe nguva tingasurukirwa asi hapana chaipo patinenge tiri toga. Kunyange zvazvo uri kure nehama neshamwari dzako, Jehovha anewe nguva dzose. Shamwaridzana naye kuti usasurukirwa.” Nanhasi ndichiri kungokoshesa zano iroro.

Patainge tisina mari, taifamba makiromita anosvika 20 zuva roga-roga nomuguruva, mumatope uye pamwe pacho kuchitonhora uye kuchipisa. Muchirimo kwaipisa zvokupisa zviya, zvokusvika madhigirii 40. Munguva dzezhizha, dzimwe nzvimbo dzaigona kupedza mwedzi yakawanda dziine matope. Asi kakawanda kacho taitoona kuti mamiriro ekunze akanga asinganetsi kujaira pane tsika dzeko.

Vakadzi vakanga vasingabvumirwi kutaura nevarume paruzhinji kunze kwekunge vaine ukama, uyezve kazhinji vaisakwanisa kudzidzisa varume. Saka taishorwa tichiitirwa utsinye. Mumwedzi mitanhatu yokutanga taingoita misangano yokudzidza Bhaibheri tiri vaviri chete. Nokufamba kwenguva vamwe vanhu vakazotanga kuuyawo. Pasina nguva takanga tava kuungana tiri kaboka kaduku. Vamwe vakatanga kutoenda nesu kunoparidza.

“Ramba Uchikwenenzvera Unyanzvi Hwako”

Pashure pemakore anenge maviri nehafu takanzi tidzokere kuBombay. Elizabeth akaramba achiita basa rokuparidza, asi ini ndakanzi ndibatsire baba vangu kushandurira mabhuku eBhaibheri mumutauro wechiKannada nokuti panguva iyoyo ndivo voga vaiita basa iri. Vakafara chaizvo kuti ndivabatsire nokuti vaiva nezvakawanda zvokuita muungano.

Muna 1966 vabereki vangu vakasarudza kudzokera kuUdipi kwataimbogara. Baba pavakanga vava kubva muBombay, vakanditi: “Mwanangu, urambe uchikwenenzvera unyanzvi hwako. Shandura zviri nyore uye zvinonzwika. Usazvirova dundundu uye ramba uchizvininipisa. Vimba naJehovha.” Ndiwo akava mashoko avo okupedzisira kwandiri, nokuti vakabva vafa vachangodzokera kuUdipi. Nanhasi ndichiri kutevedzera zano iroro mubasa randinoita rokushandura.

“Haudiwo Kuva Nemhuri Yako Here?”

KuIndia, vabereki vanorongera vana vavo kuti varoorwe vachiri vaduku chaizvo vovakurudzira kuti vave nevana. Saka ndaigara ndichibvunzwa kuti: “Haudiwo kuva nemhuri yako here? Ndiani achakuchengeta kana wakura? Hauzosurukirwi here?”

Dzimwe nguva mashoko aya aigara achingotaurwa aimbondiodza mwoyo, kunyange zvazvo ndaisazviratidza pane vanhu. Ndainyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kana ndava ndoga. Ndainyaradzwa nokuziva kuti kusaroorwa hakuiti kuti Jehovha anditarisire pasi. Kuti ndimutsidzire chido changu chokushumira ndisina chinonditsausa, ndaifunga nezvemwanasikana waJefta uye Jesu, avo vakaramba vasina wavakaroorana naye asi vakazvipira kuramba vachiita zvinodiwa naMwari.—Johani 4:34.

Chipo Chinobva Kuna Jehovha

Ini naElizabeth takava neushamwari hwebhande nebhurugwa kwemakore anenge 50. Akazofa muna 2005 ava nemakore 98. Sezvo akanga asisakwanisi kuverenga Bhaibheri nemhaka yokuti akanga asisanyatsoona, aipedza nguva yakawanda zuva roga-roga achinyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose. Ndaitombofunga kuti ane munhu waari kukurukura naye zveBhaibheri mumba make, ndozoona kuti ari kutaura naJehovha. Aimuona semunhu chaiye waaigara naye mumba make. Ndakadzidza kuti iwoyo ndiwo mushonga chaiwo wokuti urambe wakatsiga pakushumira Mwari, sezvakaitwa nemwanasikana waJefta. Ndinotenda Jehovha chaizvo nokundipa hanzvadzi yakura muzera uye yakasimba pakunamata kuti indidzidzise nokundikurudzira ndichiri mudiki uye mumatambudziko angu ose.—Muparidzi 4:9, 10.

Zvechokwadi kushumira Jehovha sezvakaitwa nemwanasikana waJefta kwakaita kuti ndiwane zvikomborero zvakawanda! Kuramba ndisina kuroorwa uye kutevedzera zano reBhaibheri kwakaita kuti ndirarame upenyu hwakanaka uye hune mubayiro, ukuwo ndichishandira “Ishe nguva dzose pasina kudzongonyedzwa.”—1 VaKorinde 7:35.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Baba vangu vachipa hurukuro yavose muBombay kuma1950

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ndiina Elizabeth nguva pfupi asati afa

[Mufananidzo uri papeji 29]

Tichikokera vanhu kuhurukuro yeBhaibheri muBombay muna 1960

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndiine vandinoshanda navo muhofisi yeshanduro