Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Munhu Asina Zivo Anongotenda Mashoko Ose”

“Munhu Asina Zivo Anongotenda Mashoko Ose”

“Munhu asingaverengi bepanhau akapusa, asi munhu akatonyanya kupusa ndeuya anongobvuma zvese zvaanoverenga nekuti zvakanyorwa mubepanhau.”—Mushambadzi uye munyori wenhoroondo, August von Schlözer wekuGermany (1735-1809).

KANA zvakanga zvakaoma kuti munhu abvume zvese zvainyorwa mumapepanhau makore 200 apfuura, ko kuzoti zvakawanda zvatinoverenga paIndaneti mazuva ano. Mashoko akawanda, angava echokwadi kana ekunyepa, anobatsira kana asingabatsiri, anokuvadza kana asingakuvadzi, ava kuwanika nemhaka yekufambira mberi kweruzivo rwekugadzirwa kwezvinhu. Tinofanira kunyatsosarudza zvinhu zvatingada kuverenga. Vaya vachangotanga kushandisa Indaneti vanogona kufunga kuti mashoko kana nhau dzavanoona ndezvechokwadi, pasinei nekuti zvinoshamisa zvakadini, nemhaka yekungoti vazviona paIndaneti kana kuti zvatumirwa neshamwari pae-mail. Ndokusaka Bhaibheri richinyevera kuti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvir. 14:15.

Tingaita sei kuti tive ‘nenjere’ uye kuti tikwanise kuziva zvinhu zvisiri zvechokwadi zvinogona kubuda paIndaneti? Chekutanga zvibvunze kuti: ‘Mashoko aya ari panzvimbo yepaIndaneti yepamutemo inovimbwa nayo here, kana kuti haazivikanwe kwaari kubva kana kuti vanongova vanhu vari kungotaurawo zvavanofunga? Akambotaurwa nezvawo here panzvimbo dzepaIndaneti dzinofumura mashoko asiri echokwadi?’ * Kana wadaro, chishandisa “njere.” (Zvir. 7:7) Kana nyaya yawaverenga ichiita seisiri yechokwadi, kakawanda kacho ndozvainenge iri. Uyewo, kana nyaya ichitsoropodza vamwe vanhu, funga kuti ndiyani angabatsirwa nayo uyewo kuti aibudisa wacho haana vavariro dzakashata here.

VAMWE VANHU VANONGOPFUUDZA ZVESE ZVESE

Nemhaka yekutsvaga mukurumbira, vamwe vanoda kuva vekutanga kuparadzira nyaya, saka vanoipfuudza kumunhu wese wavanoziva vasina kufunga kuti ndeyechokwadi here, uyewo havatombofungi kuti chii chingazoitika. (2 Sam. 13:28-33) Asi kana tiine “njere,” tichafunga kuti izvi hazvizosvibise here zita remumwe munhu kana kuti rimwe sangano.

Kuti uone kuti nyaya yawanzwa ndeyechokwadi here, zvinotoda kushanda nesimba. Ndokusaka vakawanda vachingopfuudza vachiti wavanenge vatumira azozvionera ega kana chiri chokwadi. Asi zvinoda nguva yakawanda zvakadini kuti aite izvozvo? Nguva inokosha. (VaEf. 5:15, 16) Pane kutumira mumwe munhu usina chokwadi nazvo, zviri nani kuti kana usina chokwadi nazvo udzime!

Zvibvunze kuti: ‘Ndinongopfuudza chero zvandinenge ndatumirwa pae-mail here? Pane here pandakambonyorera shamwari dzangu ndichikumbira ruregerero nekuti ndakanga ndavatumira mashoko akazoonekwa kuti aiva enhema? Pane here munhu akambondiudza kuti ndimire kungopfuudza mae-mail?’ Yeuka kuti vanhu vaunogona kutumira e-mail vanokwanisa kuenda paIndaneti, saka vanogona kuzvitsvagira vega nyaya. Havadi havo kugara vachitumirwa nyaya dzinosetsa kana mavhidhiyo pese pese. Uyewo hazvina musoro kutumira hurukuro dzakarekodhwa kana manotsi ehurukuro. * Uyewo, kupfuudza mashoko anenge atsvakurudzwa nevamwe, mavhesi ekushandisa pakudzidza Bhaibheri, kana mhinduro dzekushandisa pamisangano zvinoita kuti vanhu vasakoshese kugadzirira vari vega.

Ndinofanira kutumira e-mail iyi kune mumwe munhu here?

Unofanira kuita sei kana ukaona mashoko ekushora sangano raJehovha paIndaneti? Unofanira kukurumidza kusiyana nemashoko iwayo. Vamwe vanofunga kuti vanofanira kuaudza vamwe kuti vanzwe kuti vanofungei nezvawo, asi ikoko kuparadzira mashoko anokuvadza. Kana tikanetseka nezvatinenge taona paIndaneti, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atipe uchenjeri tobva tataura nehama dzakakura mune zvekunamata nezvenyaya yacho. (Jak. 1:5, 6; Jud. 22, 23) Jesu, uyo aipomerwa nhema kakawanda, akanyevera vateveri vake kuti vavengi vaizovatambudza uye kuvarevera “zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose.” (Mat. 5:11; 11:19; Joh. 10:19-21) Tinofanira kushandisa “mano okufunga” uye “ungwaru” kuti tikwanise kuona “munhu anotaura zvinhu zvakatsauka” uye vaya “vanonyengera munzira dzavo dzose.”—Zvir. 2:10-16.

REMEKEDZA KODZERO DZEVAMWE

Tinofanirawo kungwarira nyaya kana zvakaitika zvine chekuita nekunamata zvatinonzwa nevamwe vanhu. Kunyange kana tikanzwa zvinhu zvechokwadi, hazvirevi kuti zvinofanira kuparadzirwa. Dzimwe nguva zvinenge zvisina kunaka uye kusiri kuratidza rudo kana tikaparadzira nyaya dzechokwadi. (Mat. 7:12) Somuenzaniso, kuparadzira guhwa, kunyange kana riri rechokwadi, hakuvaki uye kushaya rudo. (2 VaT. 3:11; 1 Tim. 5:13) Dzimwe nyaya hadzifaniri kuudzwa munhu wese wese, uye tinofanira kuremekedza vaya vane kodzero yekubudisa mashoko acho panguva yakakodzera uye nenzira dzakakodzera. Kuparadzira mashoko nguva isati yakwana kunogona kukuvadza.

Mazuva ano, mashoko echokwadi kana ekunyepa, anobatsira kana asingabatsiri, anokuvadza kana asingakuvadzi, ava kukwanisa kuparadzirwa nekukurumidza zvikuru. Munhu anotumira e-mail kana meseji kunyange kumunhu mumwe chete anofanira kuziva kuti pasinei nekuti meseji yacho yanga ichifanira kutumirwa mumwe munhu here kana kuti kwete, zvaatumira zvinogona kungoerekana zvazara nyika yose pasina kana nguva. Saka ngatidzivisei katsika kekungopfuudza mashoko nekukurumidza tisina kutanga tafunga. Patinoverenga nyaya dzinonakidza, tinofanira kuyeuka kuti munhu ane rudo anewo zivo uye haangobvumi zvese zvese. Kupfuura zvose, rudo runoita kuti tirambe mashoko akaipa anotaurwa nezvesangano raJehovha kana kuti nhema pamusoro pehama dzedu dzinotaurwa nevaranda vaSatani Dhiyabhorosi, “baba venhema.” (Joh. 8:44; 1 VaK. 13:7) Mano ekufunga neungwaru zvichatibatsira kuti tive ‘nenjere’ uye kuti tizive zvatingaita nemashoko akawanda atinowana zuva rimwe nerimwe. Sezvinotaurwa neBhaibheri, “vasina zivo vachagara nhaka youpenzi, asi vane njere vachapfeka zivo sechishongo chomumusoro.”—Zvir. 14:18.

^ ndima 4 Ziva kuti pano neapo, mashoko akambofumurwa anodzoka angochinja zvishoma kuti aite seechokwadi.

^ ndima 8 Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 2010, “Bhokisi Remibvunzo.