Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuTaiwan

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuTaiwan

MAKORE angasvika mashanu adarika Choong Keon naJulie, murume nomudzimai vane makore ekuma35, vaishanda semapiyona enguva dzose muSydney, Australia. “Taishanda basa raitisiya tiine nguva yokuita zvimwe zvinhu uye tairarama upenyu hwakanaka,” anodaro Choong Keon. “Mamiriro ekunze ekwataigara ainge akanaka uye upenyu huri nyore. Zvaifadza kugara pedyo nehama neshamwari.” Kunyange zvakadaro Choong Keon naJulie vainyatsonzwa kuti pane chimwe chinhu chavasiri kuita. Nei vainzwa saizvozvo? Vaiziva kuti vaiva nemukana wekuita zvakawanda mubasa raJehovha, asi vaizeza kuchinja upenyu hwavo.

Vakazonzwa hurukuro yakaita kuti vafungisise zvavaida kuzoita neupenyu hwavo, pagungano rakaitwa muna 2009. Mashoko emukurukuri akanga akanangana nevaya vaiva nemukana wokuwedzera ushumiri hwavo. Akati: “Funga nezveizvi: Kuti mutyairi akonesere motokari yake kurudyi kana kuruboshwe, hunge iri kutofamba. Saizvozvowo, Jesu anotitungamirira pakuwedzera ushumiri hwedu kana tiine zvatiri kutoita kuti tizadzise chinangwa chedu.” * Vakanyatsonzwa sekuti mukurukuri akanga achitotaura navo pachavo. Pagungano iri, mamwe mamishinari murume nemudzimai vari kushumira kuTaiwan vakabvunzurudzwa. Vakataura nezvemufaro wavari kuwana muushumiri uye vakasimbisa kuti kuchiri kudiwa vaparidzi vakawanda. Choong Keon naJulie vakanzwazve sekuti ndivo vakanga vari kuudzwa mashoko aya.

Julie anoti, “Gungano iri rapera, takanyengetera kuna Jehovha kuti atipe ushingi hwokuti titamire kuTaiwan.” Anowedzera kuti: “Asi taitya. Taiita semwana asingagoni kushambira ari kuda kusvetukira mumvura yakadzika.” Rugwaro rwakavabatsira kuti vazosarudza kutama ndiMuparidzi 11:4, iyo inoti: “Munhu anotarira mhepo haazodyari mbeu; uye uya anotarira makore haazokohwi.” Choong Keon anoti: “Panzvimbo ‘pokungotarira mhepo nemakore,’ takasarudza kutanga ‘kudyara nokukohwa.’” Vakanyengetera vanyengeterazve, vakaverenga nyaya dzoupenyu dzemamishinari,  vakanyorerana kakawanda nevaya vakanga vatotamira kuTaiwan, vakatengesa motokari nemidziyo yavo, uye vakazotamira kuTaiwan pashure pemwedzi mitatu.

KUWANA MUFARO UNOBVA PAKUPARIDZA

Hama nehanzvadzi dzinopfuura zana dzinobva kune dzimwe nyika dziri kushumira kuTaiwan munzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda voUmambo. Dzakabva kunyika dzakadai seAustralia, Britain, Canada, France, Japan, Korea, Spain, neUnited States, uye dzine makore ari pakati pe21 kusvika ku73. Pakati pavo pane hanzvadzi dzisina kuroorwa dzinopfuura 50. Chii chakabatsira hama idzi nehanzvadzi dzinoshingaira kuti dzizoita ushumiri hwadzo mune imwe nyika? Ngationei.

Laura

Laura, hanzvadzi isina kuroorwa inobva kuCanada, anopayona nechekumadokero kweTaiwan. Akanga asingatombofariri kuparidza, asi zvakazochinja makore anenge gumi adarika. Laura anotsanangura kuti, “Ndaibuda hangu muushumiri, asi kwete kakawanda zvokusvika pakunakidzwa nahwo.” Asi shamwari dzake dzekuCanada dzakamukumbira kuti aende nadzo kuMexico kuti vanoparidza kwemwedzi mumwe chete. “Aka ndiko kaiva kokutanga kuitawo nguva yakawanda ndiri muushumiri, uye ndakanakidzwa zvandakanga ndisingafungiri!”

Kufara kwaakaita ndiko kwakaita kuti afunge zvokutamira kuungano yemumwe mutauro paakadzokera kuCanada. Akatanga kuita kosi yechiChinese, ndokushanda nerimwe boka remutauro uyu nechinangwa chokutamira kuTaiwan, icho chaakazozadzisa muna September 2008. Laura anoti, “Zvakanditorera rinenge gore kuti ndijairane nekwandakanga ndava kugara, asi iye zvino, handina kana kapfungwa kekudzokera kuCanada.” Ava kuona sei basa rokuparidza? “Rava kundinakidza zvokuti,” anodaro. “Hapana chinogutsa kupfuura kuona vadzidzi veBhaibheri vachichinja upenyu hwavo pavanosvika pakuziva Jehovha. Kushumira kuTaiwan kuri kundipa mukana wokuramba ndichiwana mufaro uyu wakadzama.”

 DAMBUDZIKO ROKUSANYATSOZIVA MUTAURO WEKO

Brian and Michelle

Brian naMichelle, murume nomudzimai vane makore ekuma35 vanobva kuUnited States, pavakatamira kuTaiwan makore anenge masere apfuura, vainzwa sokuti hapana chavakanga vachiita muushumiri. Asi mumwe mumishinari agara nebasa akavaudza kuti: “Kunyange kana mukangokwanisa kupa mumwe munhu turakiti, munofanira kuyeuka kuti zvimwe kanenge kachitova kekutanga kuti munhu iyeye anzwe nezvaJehovha. Saka zvamuri kutoita muushumiri zvinokosha!” Mashoko aya anokurudzira akabatsira Brian naMichelle kuti vasambodzokera shure. Imwe hama yakavaudza kuti: “Kuti musaora mwoyo, musazviongorore zuva nezuva kuti muri kufambira mberi zvakadii pakudzidza chiChinese, asi onai kuti kubvira pagungano rakapfuura makadzidza zvakadini.” Zvechokwadiwo vakafambira mberi uye iye zvino vari kubudirira chaizvo pabasa ravo rokupayona.

Chii chingakubatsira kuti utangewo kudzidza mumwe mutauro? Chimboedza kushanyira nyika yaunoda kuzonoshumira uri. Pinda misangano yeko, wadzana nehama nehanzvadzi, uye buda navo muushumiri. Brian anoti: “Paunoona kuti vakawanda zvikuru vari kuteerera mashoko oUmambo uye paunoona rudo rwehama nehanzvadzi, unobva wawana ushingi hwekunoshumira kune imwe nyika.”

VANOWANA SEI CHOUVIRI?

Kristin and Michelle

Mapiyona akati kuti akanoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kuTaiwan anorarama nokudzidzisa Chirungu. Kristin naMichelle vanorarama nokutengesa zvokudya zvinowanika mugungwa. Kristin anotsanangura kuti: “Ndakanga ndisati ndambozviita, asi basa iri rinondibatsira kuramba ndichigara kuno.” Nokufamba kwenguva Kristin akanga ava nevanhu vaigara vachitenga zvinhu zvake. Basa iri rinoita kuti akwanise kuwana mari yekurarama nemudzimai wake, uye rinoita kuti vasare vaine mukana wokuita basa ravanokoshesa rokupayona, basa rokuredza vanhu.

“NAKIDZWA NERWENDO RWACHO”

William naJennifer, mumwe murume nomudzimai vokuUnited States, vakasvika kuTaiwan makore manomwe apfuura. William anoti, “Dzimwe nguva kudzidza mutauro weko, kushumira semapiyona, kuita mabasa omuungano, uye kutsvaga mari yokuraramisa mhuri, zvaitisiya taneta.” Chii chakavabatsira kubudirira uye kuramba vachifara? Vanoedza kuva nezvinangwa zvavanokwanisa kuzadzisa. Somuenzaniso, kusatarisira kubudirira zvakanyanya pakudzidza mutauro weChinese, kwakavabatsira kuti vasaora mwoyo pavaiita sevasiri kunyanya kufambira mberi.

William and Jennifer

William anoyeuka zvaakamboudzwa nemumwe mutariri anofambira uyo akafananidza kuzadzisa zvinangwa nekufamba rwendo achiti, “Nakidzwa nerwendo rwacho, kwete kungofunga nezvekusvika kwauri kuenda.” Kureva kuti, kana uine zvauri kuronga kuita panyaya dzekunamata, unofanira kunakidzwa nematanho aunotora kuti uzvizadzise. William anoti paakashandisa zano iri, zvakamubatsira nomudzimai wake kuti vaite zvinoenderana nemamiriro ezvinhu, vateerere mazano anotaurwa nehama dzinotungamirira, uye vachinje zvinhu zvavanga vajaira kuita kuti vabudirire muushumiri hwavo mune imwe nyika. Anowedzera kuti, “Zvakatibatsirawo kuti tive nenguva yokunakidzwa nokuona kunaka kwakaita chitsuwa ichi.”

Megan, imwe hanzvadzi isina kuroorwa inopayona, inobva kuUnited States, yakaita sezvakaitwa naWilliam naJennifer. Iri kunakidzwa pairi kuedza kuzadzisa chinangwa chokunyatsotaura chiChinese. Pakupera kwevhiki kwega kwega, anobatana neboka revaparidzi vanoshanda mundima inonakidza zvikuru yechiteshi chengarava cheKaohsiung, chinova ndicho chikuru kupfuura zvimwe zvose muTaiwan. Megan ari kukwanisa kusvitsa mashoko akanaka kubva pane imwe ngarava achienda pane imwe, achiparidzawo kuvabati vehove vanobva kuBangladesh, India, Indonesia, Philippines, Thailand, neVanuatu. “Sezvo vabati vehove ava vachingogara pachiteshi kwenguva shomanana, tinobva tatotanga chidzidzo cheBhaibheri patinongovaona. Kuti  ndikwanise kutaura navo vose, ndinowanzodzidza nevanhu vana kana kuti vashanu panguva imwe chete.” Asi ava papi nekudzidza chiChinese? Anoti, “Ndiri kunonoka kubata mutauro uyu, asi ndinogara ndichiyeuka zvandakaudzwa neimwe hama kuti, ‘Ita zvose zvaunogona, uye Jehovha achakubatsira kunyatsoita ushumiri hwako.’”

Megan

KURARAMA USINA CHOKUTYIRA, USINA TWAKAWANDAWANDA UYE UCHINAKIDZWA

Cathy, uyo anobva kuBritain, akatsvaga kuti ndeipi nyika iri nani yaangakwanisa kutamira sehanzvadzi isina kuroorwa. Akanyengetera achiudza Jehovha zvose zvaaityira, uye akanyora tsamba dzinoverengeka kumahofisi emapazi, achibvunza kuti zvinhu zvipi zvakaoma zvinogona kusangana nehanzvadzi dzisina kuroorwa. Akazonyatsoongorora mhinduro dzaakapihwa uye akaona kuti Taiwan ndiyo inomuitira.

Muna 2004, ava nemakore 31, Cathy akatamira kuTaiwan, kwaari kuedza kurarama nezvinhu zvishoma. Anoti: “Ndakabvunza hama nehanzvadzi kuti ndekupi kunotengeswa michero nemiriwo nemitengo yakaderera. Mazano avakandipa akandibatsira kuchengetedza mari.” Chii chinomubatsira kuti arambe achirarama upenyu husina twakawandawanda? Cathy anoti: “Ndinowanzonyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kugutsikana nechikafu chisingashamisiri chandinodya uye hembe dzisingadhuri dzandinopfeka. Ndinonyatsoona kuti Jehovha anopindura minyengetero yangu nokundibatsira kuziva zvinhu zvandinonyatsoda uye kuti ndisashuve zvinhu zvandisina.” Anowedzera kuti: “Ndinoda kurarama upenyu husina twakawandawanda nekuti hunondibatsira kuisa pfungwa dzangu pazvinhu zvokunamata.”

Cathy

Cathy anonakidzwawo noupenyu hwake. Anotsanangura chinoita kuti afare paanoti: “Ndinoparidza munzvimbo ine vanhu vakawanda vanoteerera mashoko akanaka. Izvi zvinozondifadza!” Paakasvika kuTaiwan, muguta maakatanga kupayona maingova neungano mbiri chete dzemutauro weChinese asi iye zvino dzava nomwe. Cathy anoti: “Kuona nemaziso angu kuwedzera uku kunoshamisa kuchiitika uye kuva nezvandinoitawo pakukohwa, kunoita kuti zuva rimwe nerimwe ndinyatsonakidzwa neupenyu!”

“VAITODAWO MUNHU AKAITA SENI!”

Zvinhu zvakazofambira sei Choong Keon naJulie, vataurwa patangira nyaya ino? Choong Keon akambotanga achifunga kuti kusakwanisa kwake kunyatsotaura chiChinese kwaiita kuti ave munhu asina zvaanobatsira muungano. Asi hama dzemuungano hadzina kumbofunga kudaro. “Ungano yedu payakakamurwa kuva ungano mbiri, ndakapiwa zvakawanda zvokuita somushumiri anoshumira,” anodaro Choong Keon. “Ipapo ndopandakanyatsonzwa kuti zvechokwadi ndiri kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.” Achinyemwera anowedzera kuti, “zvakandifadza chaizvo, kuti vaitodawo munhu akaita seni!” Iye zvino anoshumira semukuru. Julie anowedzera kuti: “Tinonzwa kuti panewo zvatiri kuita, tinogutsikana uye tinofara zvatisati tamboita muupenyu. Takauya kuno kuzobatsira, asi zvinhu zviri kuitika kuno zvinoita kuti tinyatsonzwa kuti ndisu tiri kutobatsirwa. Tinotenda Jehovha nokutipa mukana wekushumira kuno!”

Kune nyika dzakawanda dzichiri kuda vashandi vakawanda vanogona kubatsira pakukohwa kwokufananidzira. Wava kupedza chikoro uye uri kufunga kuti woitei neupenyu hwako here? Hausati waroora kana kuroorwa uye une chido chokuwedzera basa rako musangano raJehovha here? Ungada kuti mhuri yako ive nezvakawanda zvakanaka zvainogona kuyeuka mubasa rokushumira Jehovha here? Wava pamudyandigere, uye une ruzivo rwunokosha rwoupenyu rwaunoda kuudza vamwe here? Iva nechokwadi chokuti uchawana makomborero akawanda kana ukasarudza kuwedzera ushumiri hwako nokuenda kunodiwa vaparidzi vakawanda voUmambo.