Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Teererai Vafudzi Vakagadzwa naJehovha

Teererai Vafudzi Vakagadzwa naJehovha

“Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu.”—VAH. 13:17.

1, 2. Nei Jehovha achizvifananidza nemufudzi?

JEHOVHA anozvifananidza nemufudzi. (Ezek. 34:11-14) Izvi zvinotibatsira kunzwisisa zvaari. Mufudzi ane rudo nemakwai ake anoziva kuti anofanira kunyatsoatarisira. Anoatungamirira kumafuro uye kunonwa mvura (Pis. 23:1, 2); anoatarisira masikati nousiku (Ruka 2:8); anoadzivirira pazvikara (1 Sam. 17:34, 35); anotakura anenge achangoberekwa (Isa. 40:11); anotsvaka anenge arasika uye anonyatsotarisira anenge akuvara.—Ezek. 34:16.

2 Jehovha Mwari paaizvifananidza nemufudzi ane rudo, vanhu vake vekare vainzwisisa zvazvinoreva nokuti vakawanda vavo vaichengeta zvipfuwo uye vaiita zvokurima. Vaiziva kuti makwai aifanira kunyatsotarisirwa kuti arambe achirarama. Ndizvo zvakaitawo vanhu pane zvokunamata. (Mako 6:34) Kana vakasatarisirwa uye vakasatungamirirwa zvakanaka, vanotambura. Vanotadza kuziva chakanaka nechakaipa uye vanoshaya anovadzivirira, vopararira “semakwai asina mufudzi.” (1 Madz. 22:17) Zvisinei, Jehovha anotarisira vanhu vake.

3. Munyaya ino tichakurukurei?

3 Mazuva ano tinonzwisisawo kufananidzwa kunoitwa Jehovha nemufudzi. Jehovha achiri kutarisira vanhu vake vakaita semakwai. Ngationei kuti anotungamirira uye anotarisira sei makwai ake. Tichakurukurawo kuti makwai anofanira kuita sei paanotungamirirwa uye paanotarisirwa naJehovha.

MUFUDZI AKANAKA KWAZVO ANOTIPA VAFUDZI VADUKU

4. Jesu anoita sei pakutarisira makwai aJehovha?

4 Jehovha akagadza Jesu kuti ave Musoro weungano yechiKristu. (VaEf. 1:22, 23) “Mufudzi akanaka kwazvo,” Jesu, akafanana naBaba vake. Anoda  makwai uye anoatarisira. ‘Akatopa mweya wake nokuda kwemakwai.’ (Joh. 10:11, 15) Chokwadi chibayiro chorudzikinuro chaKristu ndicho chipo chikuru chatakapiwa! (Mat. 20:28) Jehovha ane chinangwa chokuti “munhu wose anotenda [muna Jesu] arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi”!—Joh. 3:16.

5, 6. (a) Ndivanaani vakagadzwa naJesu kuti vatarisire makwai ake, uye makwai anofanira kuitei kuti abatsirwe nourongwa uhwu? (b) Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti tide kuteerera vakuru veungano?

5 Makwai anoratidza sei kuti Jesu Kristu ndiye Mufudzi wawo? Jesu akati: “Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ini ndinoaziva, uye anonditevera.” (Joh. 10:27) Kuteerera inzwi roMufudzi Akanaka Kwazvo zvinoreva kubvuma kutungamirirwa naye pane zvose. Izvi zvinosanganisira kuteerera vafudzi vaduku vaakagadza. Jesu akaratidza kuti vaapostora nevadzidzi vake vaifanira kuramba vachiita basa raakatanga. Vaifanira ‘kudzidzisa’ uye ‘kudyisa makwai maduku aJesu.’ (Mat. 28:20; verenga Johani 21:15-17.) Mashoko akanaka zvaairamba achiparidzwa uye vadzidzi zvavaiwedzera, Jesu akaronga kuti vaKristu vakakura pakunamata vafudze ungano.—VaEf. 4:11, 12.

6 Paaitaura nevatariri vomuungano yokuEfeso, muapostora Pauro akati vatariri ivavo vainge vagadzwa nomudzimu mutsvene ‘kuti vafudze ungano yaMwari.’ (Mab. 20:28) Ndizvo zvakaitawo vatariri vechiKristu mazuva ano nokuti vanogadzwa pachishandiswa Magwaro akafemerwa nomudzimu mutsvene. Saka kuteerera vatariri vechiKristu kunoratidza kuti tinoremekedza Jehovha naJesu, Vafudzi vakuru. (Ruka 10:16) Chokwadi, ichi ndicho chikonzero chikuru chinoita kuti tide kuteerera vakuru. Zvisinei, pane zvimwewo zvikonzero zvinoratidza kuti kuzviisa pasi pevakuru kuchenjera.

7. Vakuru vanokubatsira sei kuti urambe uine ukama hwakanaka naJehovha?

7 Vakuru vanotungamirira vavanonamata navo nokuvakurudzira uye kuvapa zano vachishandisa Magwaro. Chinangwa chavo hachisi chokuvaudza zvokuita noupenyu hwavo. (2 VaK. 1:24) Asi ndechokuvabatsira kuti vaite zvisarudzo zvakanaka vachibatsirwa neBhaibheri uye kuti muungano muve norugare uye zvinhu zvive zvakarongeka. (1 VaK. 14:33, 40) Vakuru vari ‘kurinda mweya yedu’ pakuti vanoda kubatsira mumwe nomumwe ari muungano kuti arambe aine ukama hwakanaka naJehovha. Saka vanokurumidza kubatsira kana vakaona kuti hama kana kuti hanzvadzi yava kuda kudarika kana kuti ‘yadarika.’ (VaG. 6:1, 2; Jud. 22) Izvi hazvisi zvikonzero zvakanaka here zvokuti ‘titeerere vaya vari kutungamirira?’—Verenga VaHebheru 13:17.

8. Vakuru vanodzivirira sei makwai aMwari?

8 Muapostora Pauro uyo aivawo mufudzi wechiKristu, akanyorera hama dzake dzaiva muKorose kuti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.” (VaK. 2:8) Nyevero iyi inotiratidza chimwe chikonzero chakanaka chokuteerera zano remuMagwaro rinopiwa nevakuru. Vanodzivirira boka nokuita kuti vavanonamata navo vagare vakangwaririra munhu wose angaedza kukanganisa kutenda kwavo. Muapostora Petro akanyevera kuti kwaizova ‘nevaprofita venhema’ “nevadzidzisi venhema” vaizoedza ‘kunyengera mweya isina kusimba’  kuti iite zvakaipa. (2 Pet. 2:1, 14) Vakuru vemazuva ano vanofanira kunyeverawo hama dzavo saizvozvo pazvinenge zvakakodzera. Sezvo vakasimba pakunamata, vane zvakawanda zvavanoziva. Uyewo, vasati vagadzwa, vakaratidza kuti vanonyatsonzwisisa Magwaro uye kuti vanokwanisa kudzidzisa zvinopa utano. (1 Tim. 3:2; Tito 1:9) Kukura kwavo pakunamata, kuva nemaonero akanaka uye uchenjeri hunobva muBhaibheri, zvinoita kuti vakwanise kutungamirira boka.

Sokudzivirira kunoita mufudzi makwai ake, vakuru vanodzivirirawo makwai avakapiwa (Ona ndima 8)

MUFUDZI AKANAKA KWAZVO ANODYISA MAKWAI UYE ANOADZIVIRIRA

9. Jesu anotungamirira uye anodyisa sei ungano yechiKristu mazuva ano?

9 Jehovha anopa sangano rose rehama dzomunyika yose zvokudya zvokunamata zvakawanda, achishandisa sangano rake. Mazano akawanda omuMagwaro anopiwa pachishandiswa mabhuku edu. Uyewo, dzimwe nguva sangano rinopa vakuru veungano mirayiridzo richishandisa tsamba kana kuti vatariri vanofambira. Zvose izvi zvinoita kuti makwai awane mirayiridzo yakajeka.

10. Vafudzi vechiKristu vanoitei kana gwai rarasika?

10 Vatariri vane basa rokudzivirira uye kutarisira utano hwevavanonamata navo kunyanya vaya vanenge vazvikuvadza kana kuti vanenge vachirwara pakunamata. (Verenga Jakobho 5:14, 15.) Vamwe vavo vangave vakarasika vachibva muboka uye vasingachaiti mabasa  echiKristu. Pakadaro, mukuru ane hanya angasaita here zvose zvaanokwanisa kuti atsvake gwai rimwe nerimwe rinenge rarasika orikurudzira kuti ridzoke muboka, kureva kuungano? Chokwadi anodaro! Jesu akati: “Hachisi chinhu chinodiwa naBaba vangu vari kudenga kuti mumwe wevaduku ava aparare.”—Mat. 18:12-14.

TINOFANIRA KUONA SEI ZVIKANGANISO ZVEVAFUDZI VADUKU?

11. Nei vamwe vangaomerwa nokubvuma kutungamirirwa nevakuru?

11 Jehovha naJesu Vafudzi vakakwana. Asi vafudzi vaduku vavakapa basa rokutarisira ungano, vanokanganisa. Izvi zvingaita kuti vamwe vaomerwe nokubvuma kutungamirirwa nevakuru. Vanhu vakadaro vangati: ‘Nei tichifanira kuteerera zano ravo, ivo vachitadzawo sesu?’ Ichokwadi kuti vakuru vanotadza. Asi hatifaniri kubva tati nangananga nezvikanganiso zvavo.

12, 13. (a) Kare vashumiri vaMwari vaitungamirira vakaita zvikanganiso zvipi? (b) Nei Jehovha akaita kuti zvikanganiso zvevarume vaaishandisa zvinyorwe muBhaibheri?

12 Magwaro anonyatsoratidza kuti vaya vaishandiswa naJehovha pakutungamirira vanhu vake vaiva vanhuwo vanotadza. Somuenzaniso, Dhavhidhi akazodzwa kuva mambo uye mutungamiriri wevaIsraeri. Asi akakundwa nomuedzo akaita upombwe uye akaponda. (2 Sam. 12:7-9) Fungawo nezvemuapostora Petro. Kunyange zvazvo akapiwa basa rakakura muungano yechiKristu yepakutanga, akaita zvivi zvakakura. (Mat. 16:18, 19; Joh. 13:38; 18:27; VaG. 2:11-14) Kubvira munguva yaAdhamu naEvha kusvikira zvino, panyika hapana kumbobvira pava nevanhu vakakwana kunze kwaJesu chete.

13 Nei Jehovha akaita kuti vanyori veBhaibheri vanyore nhoroondo dzinotaura nezvekukanganisa kwevanhu vaakagadza? Chimwe chikonzero ndechokuti aida kuratidza kuti anogona kushandisa varume vanotadza kuti vatungamirire vanhu vake. Ndizvo zvaagara achitoita. Saka hatifaniri kunyunyutira kana kusateerera vaya vari kutitungamirira mazuva ano tichiti vane zvavanokanganisawo. Jehovha anoda kuti tiremekedze uye titeerere hama idzi.—Verenga Eksodho 16:2, 8.

14, 15. Tingadzidzei panzira yaishandiswa naJehovha kupa vanhu vake mirayiridzo?

14 Zvinokosha kuti titeerere vaya vari kutitungamirira mazuva ano. Funga kuti Jehovha aitaura sei nevanhu vake pavaiva munguva dzakaoma. VaIsraeri pavakabuda muIjipiti, Mwari akavapa mirayiro achishandisa Mosesi naAroni. Kuti vapone padambudziko rechigumi, vaIsraeri vaifanira kuteerera murayiro wokuti vadye paseka uye vasase rimwe ropa regwai pamagwatidziro nokurutivi rwokumusoro rwemasuo edzimba dzavo. VaIsraeri havana kuita zvokunzwa inzwi raibva kudenga richivaudza mirayiridzo iyi. Asi vaifanira kuteerera varume vakuru vaIsraeri avo vakapiwa mirayiro yakajeka naMosesi. (Eks. 12:1-7, 21-23, 29) Panguva iyi, Jehovha akashandisa Mosesi uye varume vakuru kuti vaudze vanhu vake zvokuita. Mazuva ano Jehovha anoshandisawo vakuru vechiKristu.

15 Pamwe ungafungawo nezvedzimwe nyaya dzakawanda dziri muBhaibheri apo Jehovha aipa mirayiridzo inoponesa upenyu achishandisa vanhu kana kuti ngirozi. Muzviitiko zvose izvi, Mwari akaona zvakakodzera kupa vamwe basa rokutaura vachimumiririra uye vachiudza vanhu vake zvavaifanira kuita kuti vapone. Hatingafungi here kuti Jehovha anogonawo  kuita saizvozvo paAmagedhoni? Chokwadi, vakuru vose avo vakapiwa basa rokumiririra Jehovha kana kuti sangano rake mazuva ano, vanofanira kungwarira chaizvo kuti vasatomboshandisa zvisizvo simba ravakapiwa.

“BOKA RIMWE CHETE, PASI POMUFUDZI MUMWE CHETE”

16. Tinofanira kuteerera “shoko” ripi?

16 Vanhu vaJehovha ‘iboka rimwe chete’ riri pasi “pomufudzi mumwe chete,” Jesu Kristu. (Joh. 10:16) Jesu akati aizova nevadzidzi vake “mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:20) Zvaari Mambo wokudenga, anonyatsokwanisa kufambisa zvakanaka zviitiko zvose zvichaita kuti nyika yaSatani iparadzwe. Kuti tirambe takabatana uye takachengeteka tiri muboka remakwai aMwari, tinofanira kuteerera ‘shoko riri shure kwedu’ rinotiudza kwatinofanira kuenda. “Shoko” iri rinosanganisira zvinotaurwa nemudzimu mutsvene waMwari zviri muBhaibheri uye zvinotaurwa naJehovha naJesu vachishandisa vaya vavakagadza sevafudzi vaduku.—Verenga Isaya 30:21; Zvakazarurwa 3:22.

Vakuru vanoedza kudzivirira mhuri dzine mubereki mumwe chete pashamwari dzakaipa (Ona ndima 17, 18)

17, 18. (a) Makwai ari mungozi ipi asi tingava nechokwadi chei? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

17 Satani anonzi ari kufamba-famba “seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Pet. 5:8) Sezvinoita chikara chinorura chine nzara, Satani ari kuvhima makwai achitsvaka mukana wokubata anenge akavarairwa kana kuti anenge arasika. Ndokusaka tichifanira kuramba tiri pedyo chaizvo neboka remakwai uye “mufudzi nomutariri wemweya” yedu. (1 Pet. 2:25) Zvakazarurwa 7:17 inotaura nezvevachapona pakutambudzika kukuru ichiti: “Gwayana [Jesu] . . . richavafudza, uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu. Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.” Chokwadi iyi ivimbiso yakazonaka!

18 Zvatakurukura basa rinokosha revakuru vechiKristu avo vanoshanda sevafudzi vaduku, zvakanaka kubvunza kuti, Varume ava vakagadzwa vangaitei kuti vave nechokwadi chokuti vari kubata zvakanaka makwai aJesu? Mhinduro yacho ichakurukurwa munyaya inotevera.