Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, muapostora Pauro akataura nezve“kuiswa kwemaoko.” Aitaura nezvekugadzwa kwevakuru here kana kuti pane zvimwe zvaaitaura nezvazvo?—VaH. 6:2.

Hatigoni kunyatsotaura kuti aitaura nezvechakati, asi zvinoita sokuti Pauro aitaura nezvokuisa maoko kwokupa zvipo zvomudzimu.

Bhaibheri rinotaura nezvokuiswa maoko kwokugadzwa kwomunhu muungano yaMwari. Mosesi ‘akaisa ruoko rwake’ pamusoro paJoshua paaimugadza kuti azomutsiva. (Dheut. 34:9) Muungano yechiKristu, dzimwe hama dzaikodzera dzakagadzwa dzichiitwa zvokuiswa maoko. (Mab. 6:6; 1 Tim. 4:14) Pauro akayambira vamwe kuti vasakurumidza kuisa maoko pamunhu.—1 Tim. 5:22.

Zvisinei, Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti ‘vashande nesimba kuti vave vakuru’ sezvo vakanga vasiya “dzidziso yokutanga.” Akazotaurawo nezve“kupfidza pamabasa akafa, nokutenda kuna Mwari, zvinodzidziswa pamusoro porubhabhatidzo nokuiswa kwemaoko.” (VaH. 6:1, 2) Kugadza vakuru kunganzi idzidziso yokutanga here yokuti muKristu angafanira kushanda nesimba kuti asiye? Kwete. Kuva mukuru muungano chinangwa chinofanira kuvavarirwa nehama dzakura uye dzichizokoshesa ropafadzo yacho.—1 Tim. 3:1.

Asi kuisa maoko kwaiitwawo nokuda kwechimwe chikonzero. Muzana remakore rokutanga, Jehovha akaramba kuti vaIsraeri vave vanhu vake achida vaIsraeri vomudzimu, ungano yevaKristu vakazodzwa. (Mat. 21:43; Mab. 15:14; VaG. 6:16) Zvipo zvinoshamisa zvomudzimu, zvakadai sokutaura nendimi, zvakaratidza kuti zvinhu zvakanga zvachinja. (1 VaK. 12:4-11) Koneriyo nemhuri yake pavakava vatendi, vatsva ava vakapiwa mudzimu mutsvene, uye zvakaoneka pavakatanga ku“taura nendimi.”—Mab. 10:44-46.

Dzimwe nguva, vamwe vaiiswa maoko kuti vapiwe zvipo zvinoshamisa. Firipi paakaparidza mashoko akanaka kuSamariya, vakawanda vakabhabhatidzwa. Dare rinodzora rakatuma muapostora Petro naJohani ikoko. Kunoitei? Tinoverenga kuti: “[Vaviri ava] vakabva vaisa maoko avo pavari [vanhu vakanga vachangobhabhatidzwa], ivo vakatanga kugamuchira mudzimu mutsvene.” Izvozvo zvinofanira kunge zvaireva kuti vakapiwa zvipo zvomudzimu, vakanga vava kukwanisa kuita zvinhu zvaioneka. Tinoziva izvi nokuti Simoni, aimboita zvemashiripiti, akaona mudzimu mutsvene uchishanda uye akaedza kuita chiokomuhomwe kuti akwanise kuisa maoko ake pane vamwe kuti avape mudzimu mutsvene, waizoita kuti vakwanise kuita zvishamiso. (Mab. 8:5-20) Pave paya, vanhu 12 vakabhabhatidzwa muEfeso. Tinoverenga kuti: “Pauro paakaisa maoko ake pavari, mudzimu mutsvene wakauya pavari, vakatanga kutaura nendimi uye kuprofita.”—Mab. 19:1-7; enzanisa na2 Timoti 1:6.

Saka, pana VaHebheru 6:2, zvinoratidza kuti Pauro akanga ari kureva kuisa maoko kwokupa vatendi vatsva zvipo zvomudzimu.