Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | DHAVHIDHI

“Kurwa ndokwaJehovha”

“Kurwa ndokwaJehovha”

DHAVHIDHI ari kufamba achipesana nemasoja ayo ari kutiza achiratidza kutya zvisingaiti. Chii chavaitya? Dhavhidhi anofanira kunge akavanzwa vachingotaura nezvezita remumwe murume. Achitarisa nechemubani, Dhavhidhi anoona zirume rino rakakura zvaasati amboona.

Zirume racho ndiGoriyati! Dhavhidhi akazoona chaiita kuti masoja atye. Goriyati aiva zihofori chairo uye airema kupfuura varume vaviri vakasimba. Aiva nezvombo zvakakura, uye aiva nyanzvi pakurwa. Aidaidzira nehasha uye chimbofungidzira inzwi rake richiita maungira mumakomo paaishora uto revaIsraeri namambo wavo Sauro. Akati kana paine munhu anoda kurwa naye ngaauye vapedzerane, poonekwa kuti ndevapi vakurirwa!—1 Samueri 17:4-10.

Sauro nevaIsraeri vakatya. Dhavhidhi akaudzwa kuti zvakanga zvatova neunopfuura mwedzi zvichiitika! Goriyati akanga achishora vaIsraeri zuva nezuva. Dhavhidhi akanetseka. Zvainyadzisa kuona Sauro nemasoja ake vachidedera nekutya, pamwe chete nevakoma vatatu vaDhavhidhi, avo vaivawo masoja! Goriyati aiva muhedheni. Dhavhidhi akaona kuti mashoko akataurwa naGoriyati akanga asiri ekushora uto revaIsraeri chete, asi kuti aitoshorawo Jehovha, Mwari wevaIsraeri! Dhavhidhi, uyo anga achiri mudiki aizodii pakadai? Uye tingadzidzei pakutenda kwake?​—1 Samueri 17:11-14.

“MUZODZE, NOKUTI UYU NDIYE!”

Ngatimbodzokerei kune zvakaitika mwedzi yakati kuti Dhavhidhi asati aenda kuhondo. Aifudza makwai ababa vake mumakomo ari pedyo neBhetrehema uye kwakanga kwava kusviba. Aiva mukomana mutsvuku akanaka, uye airatidza kuti akangwara. Pakwainge kwakati zii, aivarairwa zvake achiridza rudimbwa. Aiyevedzwa nekunaka kwakaita zvinhu zvakasikwa naMwari, uye unyanzvi hwake hwekuridza hwakaramba huchiwedzera paaiita nguva yakawanda achidzidzira. Asi akashevedzwa manheru iwayo nekuti baba vake vaida kumuona nekukurumidza.—1 Samueri 16:12.

Akawana baba vake, Jese, vachitaura nemumwe murume akanga akwegura chaizvo. Murume wacho aiva Samueri, muprofita akavimbika. Jehovha akanga amutuma kuti anozodza mumwe wevanakomana vaJese kuti azova mambo anotevera wevaIsraeri! Samueri akanga atoona vakoma 7 vaDhavhidhi, uye hapana kana mumwe chete wavo akanga asarudzwa naJehovha. Asi Dhavhidhi paakasvika, Jehovha akaudza Samueri kuti: “Muzodze, nokuti uyu ndiye!” Samueri akatora nyanga yainge yakazara nemafuta, akadira mamwe acho mumusoro waDhavhidhi vakoma vake vachiona. Upenyu hwaDhavhidhi hwakabva hwachinja kubva paakazodzwa. Bhaibheri rinoti: “Mudzimu waJehovha wakatanga kushanda pana Dhavhidhi kubvira pazuva iroro zvichienda mberi.”—1 Samueri 16:1, 5-13.

Dhavhidhi aiziva kuti kunyange hofori hapana zviripo kana tichiienzanisa naJehovha Mwari

Dhavhidhi akabva atanga kuzvikudza nekuti aizova mambo here? Aiwa, akaramba achimirira kutungamirirwa nemudzimu waJehovha, kuti azive nguva yaaifanira kuzopiwa umambo. Panguva yaaimirira izvi, akaramba achiita basa rakaderera rekufudza makwai. Ainge akazvipira kubasa rake uye airiita neushingi. Makwai ababa vake akamboda kudyiwa neshumba, uye nebheya. Haana kudzinga zvikara izvi ari nechekure. Asi akakurumidza kurwisana nazvo kuti adzivirire makwai. Akauraya zvikara izvi zvinorura zvemusango ari ega!—1 Samueri 17:34-36; Isaya 31:4.

Dhavhidhi akazoshevedzwa naMambo Sauro nekuti ainge anzwa nezvemukurumbira wake. Kunyange zvazvo akanga achiri murwi ane simba, Sauro haana kuteerera uye Jehovha akanga asisamufariri. Jehovha akabvisa mudzimu mutsvene paari uye akanga ava kugara achiita hasha, achifungira vamwe zvakaipa uye achiita zveutsinye. Izvi pazvaiitika, mimhanzi ndiyo yega yaiita kuti Sauro anzwe zviri nani. Vamwe vashandi vaSauro vakanzwa nezveunyanzvi hwaDhavhidhi hwekurwa uye hwekuridza mimhanzi. Saka Dhavhidhi akashevedzwa, akatanga kugara mumuzinda wamambo, akava mumwe wevairidza mimhanzi uye ariwo mutakuri wezvombo zvaSauro.—1 Samueri 15:26-29; 16:14-23.

Vechidiki vane zvavanogona kudzidza pakutenda kwaiva naDhavhidhi. Paaiwana nguva yekumbozorora aiita zvinhu zvaimuswededza pedyo naJehovha. Uyewo akadzidzira mabasa emaoko zvikaita kuti azowana basa. Chinotonyanya kukosha ndechekuti, akabvuma kutungamirirwa naJehovha. Izvi zvidzidzo zvinokosha kwatiri tose!—Muparidzi 12:1.

“MUSAREGA CHERO MUNHU UPI ZVAKE ACHIPERA MWOYO”

Dhavhidhi paakanga achishandira Sauro, aipota achidzokera kumba kunofudza makwai, uye dzimwe nguva aitombonoti garei. Vakoma vake vatatu vakanga vaenda kuhondo saka baba vake vakabva vamutuma kuti anoona kuti vakoma vake vari sei. Akabva aenda nechikafu chakawanda chekunopa vakoma vake kuBani reEraa. Zvaakasvika achiona ndizvo zvataurwa patangira nyaya ino uye zvakaita kuti atange kunetseka. VaIsraeri vakanga vakamira mune rimwe gomo, vaFiristiya vakamirawo mugomo rakanga riri mhiri.—1 Samueri 17:1-3, 15-19.

Zvakamunetsa kuona uto raJehovha Mwari mupenyu richitiza munhuwo zvake wenyama, uye muhedheni pamusoro pazvo. Dhavhidhi akatoona sekuti Goriyati aishora Jehovha. Saka akatanga kukurudzira masoja kuti asatya Goriyati. Eriyabhi, mukoma waDhavhidhi, akabva anzwa zvaitaurwa naDhavhidhi. Akatsamwira munin’ina wake achibva amutuka nehasha achiti auya kuti azongoona vanhu vachirwa hondo. Asi Dhavhidhi akamupindura kuti: “Zvino ndaita sei? Handina kungobvunzawo hangu here?” Akabva aramba achitaura neushingi nezvekukunda Goriyati, kusvikira mumwe wavo audza Sauro zvaitaurwa naDhavhidhi. Mambo akabva ati ngavauye naye.—1 Samueri 17:23-31.

Dhavhidhi akakurudzira mambo achiti: “Musarega chero munhu upi zvake achipera mwoyo.” Sauro neuto rake vakanga vapererwa. Zvimwe vakanga vari kuzvienzanisa nezirume iri ranga rakakura, vachizviona vachigumira muchiuno chake kana kuti pachipfuva. Vaitozviona vachitsakatiswa naGoriyati. Asi Dhavhidhi haana kuona saizvozvo. Akatozvipira kurwisa Goriyati.—1 Samueri 17:32.

Asi Sauro akamurambidza achiti: “Haukwanisi kuenda kunorwa nomuFiristiya uyu, nokuti unongova hako mukomana, asi iye munhu wehondo kubvira achiri mukomana.” Dhavhidhi anga ari mwana here? Aiwa, asi akanga asati asvika zera rekurwa hondo uye angangodaro airatidzika semudiki. Asi anga ava kutozivikanwa semurwi akashinga uye anofanira kunge akanga ava kuda kutosvitsa makore 20.—1 Samueri 16:18; 17:33.

Akaudza Sauro nezvekuuraya kwaakaita shumba nebheya. Aizvikudza here? Aiwa. Aiziva kuti ndiani akanga amupa simba rekuuraya zvikara izvozvo. Akati: “Jehovha, akandinunura patsoka dzeshumba nepatsoka dzebheya, ndiye achandinunura paruoko rwomuFiristiya uyu.” Sauro akazobvuma achibva ati: “Enda, uye Jehovha ngaave newe.”—1 Samueri 17:37.

Unoda kuva nekutenda sekwaiva naDhavhidhi here? Zvaaiziva nezvaMwari uye zvakaitika muupenyu hwake ndizvo zvakamubatsira kuti ave nekutenda muna Mwari. Aiziva kuti Jehovha anochengeta vanhu vake uye anozadzisa zvaanenge avimbisa. Kana tichida kuva nekutenda kwakadaro, tinofanira kuramba tichidzidza nezvaJehovha, Mwari anotaurwa muBhaibheri. Patinoshandisa zvatinodzidza, toona zvinhu zvakanaka zvinenge zvichiitika muupenyu hwedu, kutenda kwedu kuchabva kwasimba.—VaHebheru 11:1.

“JEHOVHA ACHAKUISA MURUOKO RWANGU”

Sauro akabva apfekedza Dhavhidhi hembe dzake dzekurwa. Dzakanga dzakati fananei nedzaGoriyati, uye dziri dzesimbi. Saka Dhavhidhi akamboedza kufamba akadzipfeka, asi akaona kuti dzakanga dzakakurisa uye dzichirema. Semunhu anga asina kudzidzira zvechisoja, zvekupfeka hembe dzakadai anga asina kuzvijaira, kunyanya dzaipfekwa naSauro uyo aiva murefu kudarika vaIsraeri vose. (1 Samueri 9:2) Akadzibvisa, akatora dzake dzaakanga akajaira dzinoshandiswa nemufudzi kudzivirira makwai ake.—1 Samueri 17:38-40.

Dhavhidhi akatora tsvimbo yake, bhegi uye chipfuramabwe. Mazuva ano chipfuramabwe chingaita sechisingabatsiri asi panguva iyoyo chaiva chombo chakasimba. Chaigadzirwa netambo mbiri dzeganda, uye kunoperera tambo dzacho kwaiiswa kahomwe, uye ndicho chainyanya kushandiswa nevafudzi. Vaiisa dombo mukahomwe kacho, vochivhiriridza zvine simba, voregedza imwe tambo, dombo robva rananga chavari kupfura chacho. Zvipfuramabwe zvainyatsoshanda zvekuti mamwe mauto aitova nemasoja aingomirira kushandisa zvipfuramabwe.

Dhavhidhi akanga agadzirira, saka akabva aenda kunosangana nemuvengi wake mubani. Edza kufungidzira Dhavhidhi achinyengetera nemwoyo wose achinhonga matombo madiki 5 anotsvedzerera murwizi rwaiva rwusina mvura. Akabva aenda kunorwa naGoriyati, asingaiti zvekufamba, asi achitomhanya!

Goriyati akafungei paakaona Dhavhidhi? Nyaya yacho inoti: “Akatanga kumuzvidza, nokuti aingova hake mukomana mutsvuku, ane chitarisiko chakanaka.” Goriyati akati nenzwi guru: “Ndiri imbwa here, zvauri kuuya kwandiri netsvimbo?” Kunenge kuti chaakangoona itsvimbo chete, asi chipfuramabwe haana kuchiona. Akatuka Dhavhidhi nezita ravanamwari vevaFiristiya uye akati aizopa shiri nemhuka dzesango mutumbi waDhavhidhi.—1 Samueri 17:41-44.

Nanhasi, patinonzwa zvakataurwa naDhavhidhi, tinobva taona kuti aiva nekutenda kwakasimba. Fungidzira achidaidzira kuna Goriyati achiti: “Uri kuuya kwandiri nebakatwa nepfumo uye nepfumo duku, asi ini ndiri kuuya kwauri ndichishandisa zita raJehovha wemauto, Mwari wemauto akarongwa evaIsraeri, wawashora.” Dhavhidhi aiziva kuti zvombo hazvisirizvo zvinonyanya kukosha. Goriyati akanga aratidza kusaremekedza Jehovha Mwari, uye Jehovha ane zvaaizoita. Izvi zvinoenderana nezvakataurwa naDhavhidhi paakati, “kurwa ndokwaJehovha.” —1 Samueri 17:45-47.

Hazvirevi kuti Dhavhidhi akanga asingaoni kukura kwaiva kwakaita Goriyati nezvombo zvake. Asi izvi hazvina kuita kuti atye. Haana kuita zvakaitwa naSauro nemasoja ake. Haana kuzvienzanisa naGoriyati. Asi akaenzanisa Goriyati naJehovha. Goriyati aiva akareba mamita 2,9 uye ndiye aiva murefu pavarume vose vaivapo, asi hapana zvaaiva kana tichimuenzanisa naChangamire wezvisikwa zvose. Jehovha aiona Goriyati sechipembenene chainge chava kuda kutswanywa.

Dhavhidhi akamhanya akananga kuna Goriyati, achibva atora dombo raiva mubhegi rake. Akariisa muchipfuramabwe akachivhiriridza kusvika chava kutanga kurira. Goriyati akafamba achienda kwaiva naDhavhidhi, ari pedyo nemusoja aiva akatakura nhoo yake. Sezvo Goriyati aiva akanyanya kureba, musoja wake anga akapfupika zvekutadza kuvharidzira musoro waGoriyati. Dhavhidhi akabva ananga musoro iwoyo.—1 Samueri 17:41.

Dhavhidhi akati Jehovha ndiye akamubatsira kurwisa zvikara zvemusango

Dhavhidhi akabva aregedzera dombo riya. Vanhu vanofanira kunge vanga vakati zii dombo paraivhiririka rakananga Goriyati. Jehovha akaita kuti dombo racho rinorova chaipo pakanga pakanangwa naDhavhidhi. Rakabva ranoti pahuma yaGoriyati bhovho, richibva ranyura. Zirume racho rakabva radzedzereka, ndiye pasi dhii nehuma! Musoja wake anofanira kunge akatiza nekutya. Dhavhidhi akabva anotora bakatwa raGoriyati achibva amugura musoro.—1 Samueri 17:48-51.

Sauro nemasoja ake vakabva vatanga kuita ushingi. Vakatanga kushevedzera vachimhanya vachidzingirira vaFiristiya. Zvakanga zvaudzwa Goriyati naDhavhidhi ndozvakazoitika, paakati: “Jehovha . . . achakuisai mumaoko edu.”—1 Samueri 17:47, 52, 53.

Mazuva ano vashumiri vaMwari havacharwi muhondo. Nguva iyoyo yakapfuura. (Mateu 26:52) Asi, tinofanira kutevedzera kutenda kwaiva naDhavhidhi. Tinofanira kutenda kuti Jehovha ariko uye kuti ndiye Mwari ega wechokwadi watinofanira kunamata. Tinogona kuona sekuti matambudziko edu akanyanya kukura, asi hapana zviripo kana tichiaenzanisa nesimba guru rina Jehovha. Kana tikasarudza Jehovha kuti ave Mwari wedu, tovimba naye sezvakaitwa naDhavhidhi, hapana dambudziko, kana muedzo zvatinofanira kutya. Hapana dambudziko ringanzi iguru kuna Jehovha!