Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Kuti Ndizokunda, Ndakatombokundikana Kakawanda

Kuti Ndizokunda, Ndakatombokundikana Kakawanda
  • GORE ROKUBEREKWA: 1953

  • NYIKA: AUSTRALIA

  • NHOROONDO YOUPENYU: AIVA NETSIKA YEKUONA ZVINONYADZISIRA

MARARAMIRO ANDAIITA:

Baba vangu vakatamira kuAustralia vachibva kuGermany muna 1949. Vakauya kuzotsvaga basa mumakambani emigodhi uye anoona nezvekugadzirwa kwemagetsi vachibva vanogara kuVictoria. Vari ikoko vakaroora amai vangu ndikazoberekwa muna 1953.

Makore mashoma-shoma izvi zvaitika, mhamha vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, saka ndakatanga kuziva dzidziso dzeBhaibheri ndichiri mudiki. Asi, baba vakanga vasingadi kunzwa zvechitendero. Vakatanga kuita hasha nekuvhundutsira, uye mhamha vakanga vava kuvatya zvisingaiti. Vakaramba vachidzidza Bhaibheri pachivande uye vaifarira chaizvo zvinhu zvavaidzidza. Baba pavainge vasipo, mhamha vaisara vachiudza ini nehanzvadzi yangu zvavaidzidza. Vaitiudza kuti nyika ichaita paradhiso uyewo kuti kana tikateerera mitemo iri muBhaibheri upenyu hunotifambira zvakanaka.—Pisarema 37:10, 29; Isaya 48:17.

Ndava nemakore 18, ndakabva pamba nemhaka yehasha nekurova kwababa. Kunyange zvazvo ndaiziva kuti zvandaidzidziswa muBhaibheri namhamha zvaiva zvechokwadi, ndakanga ndisinganyatsooni kukosha kwazvo. Saka handina kuzviteerera. Ndakatanga kushanda ndichiita zvemagetsi mumigodhi yemarasha. Ndakazoroora ndava nemakore 20. Pashure pemakore matatu takabva tava nemwanasikana wedu wekutanga, uye ndakatanga kunyatsofunga kuti chii chaizvo chaikosha muupenyu hwangu. Ndaiziva kuti Bhaibheri raigona kubatsira mhuri yangu, saka ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Asi mudzimai wangu akanga asingadi kuona Zvapupu. Pandakaenda kumusangano weZvapupu, akandiudza kuti kana ndaida zvekugara naye ndaifanira kurega kudzidza Bhaibheri. Ndapererwa, ndakaita zvaaida. Ndakazozvidemba kuti ndakatadza kuita zvandaiziva kuti ndizvo zvakanaka.

Rimwe zuva, vandaishanda navo vakandiratidza zvinonyadzisira. Zvaiti kunakidza zvikati kusemesa, uye zvakandiita kuti ndisare ndichizvitongesa. Nezvandakanga ndadzidza muBhaibheri, mwoyo wangu waindiudza kuti Mwari achandiranga chete. Asi pandairamba ndichiona zvinhu zvinonyadzisira, hana yangu yakanga isisarovi. Ndakanga ndisisakwanise kuzvisiya.

Mumakore 20 akazotevera, zvishoma nezvishoma ndakakanganwa mitemo yandakanga ndadzidziswa namhamha. Zvandakanga ndava kuita zvairatidza zvandakanga ndichiisa mupfungwa dzangu. Ndaitaura zvinyadzi, uye ndaiita majee anonyadzisira. Ndakatanga kuva nemafungiro asiriwo panyaya dzebonde. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kugara nemudzimai wangu, ndakanga ndisingasiyani nemadhirezi. Rimwe zuva ndakazvitarisa mugirazi ndikati nechemumwoyo, ‘Haubatsiri chinhu.’ Panzvimbo pekuzviremekedza, ndakanga ndava kusemeswa neupenyu hwangu.

Ndakarambana nemudzimai wangu, ndikava rombe. Ndakabva ndanyengetera kuna Jehovha ndichimuudza zvaiva pasi pemwoyo. Ndakatangazve kudzidza Bhaibheri, kunyange zvazvo pakanga papfuura makore 20. Panguva iyi baba vakanga vashaya, uye mhamha vakanga vabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Mararamiro andaiita akanga akasiyana nekure nemitemo yemuBhaibheri. Asi pari zvino ndakanga ndatsunga kuwana rugare rwepfungwa rwunotaurwa neBhaibheri. Ndakatanga kuchinja matauriro angu nekudzora hasha dzangu. Ndakafungawo kusiya zveunzenza, kubheja, kudhakwa, nekubira wandaishandira.

Vandaishanda navo vakatadza kunzwisisa kuti nei ndaida kusiya zvese izvi. Kwemakore matatu, vaigara vachindishora kuti ndidzokere kune zvandaiita kare. Dzimwe nguva pazvaimbondikundawo ndoputika nehasha, kana kupotsa pakutaura, vaibva vadaidzira vachifara vachiti: “Yaa! Uyu ndiye Joe watinoziva.” Mashoko iwayo aindirwadza zvekuti! Kakawanda ndaibva ndafunga kuti handifi ndakabudirira.

Pabasa pangu pakanga pakazara zvinonyadzisira mumakombiyuta nepamapepa. Vandaishanda navo vaigara vachitumirana mapikicha anonyadzisira nemakombiyuta sezvandaimboitawo. Ndakanga ndichirwisa chaizvo kusiyana nekuona zvinonyadzisira asi ivo vairamba vachingondiisa pamuedzo. Ndakakumbira munhu aindidzidzisa Bhaibheri kuti andibatsire. Akanyatsonditeerera pandaimuudza zvese.Achishandisa mavhesi emuBhaibheri, akandiratidza kuti ndingakunda sei dambudziko iri, uye akandikurudzira kuramba ndichinyengetera, ndichikumbira Jehovha kuti andibatsire.—Pisarema 119:37.

Rimwe zuva ndakashevedza vandaishanda navo. Pavakauya, ndakavaudza kuti vape doro vamwe varume vaviri vaizivikanwa kuti zvidhakwa. Vose vakabva vati: “Hazviiti! Varume ava vari kutambura kuti vasiye doro!” Ndakabva ndavati: “Neniwo ndozvandiri kuitawo.” Kubva ipapo vakabva vaona kuti zvechokwadi ndaida kurega kuona zvinonyadzisira saka havana kuzoramba vachindiisa pamuedzo kuti ndidzokere pazvinhu zvandaimboita kare.

Jehovha akandibatsira chaizvo zvekuti nekufamba kwenguva ndakazokwanisa kukunda dambudziko rangu rekuona zvinonyadzisira. Ndakabhabhatidzwa ndikava Chapupu chaJehovha muna 1999, uye ndinoonga kuti ndakapiwa mukana wechipiri wokushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri.

Ndava kuziva kuti nei Jehovha achivenga zvinhu zvandakanga ndava nenguva ndichifarira. NdiBaba vane rudo, saka aida kundidzivirira kuti ndisakanganiswa nekuona zvinonyadzisira. Mashoko ari pana Zvirevo 3:5, 6 ndeechokwadi! Anoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” Zvinodzidziswa neBhaibheri zvinotichengetedza uye zvinoita kuti tirarame upenyu hwakanaka.—Pisarema 1:1-3.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Kare ndaisemeswa neupenyu hwangu asi iye zvino ndava kuzviremekedza uye pfungwa dzangu dzagadzikana. Handichaiti mabasa angu akaipa uye ndinoziva kuti Jehovha akandiregerera uye ari kunditsigira. Muna 2000, ndakaroora Karolin, mudzimai akanaka uye anoda Jehovha sezvandinoita. Mumba medu tinogarisana zvakanaka. Takakomborerwa kuti tiri musangano rechiKristu rinowanikwa munyika yose rine vanhu vanoita zvinhu zvakanaka uye vane rudo.