Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munhu Wese Anoda Ramangwana Rakanaka

Munhu Wese Anoda Ramangwana Rakanaka

Unoda ramangwana rakaita sei? Zviri pachena kuti sezvinongoita munhu wese, unoda kuti iwe nemhuri yako muve neramangwana rakanaka, rakachengeteka ramuchagara muchifara, muine utano hwakanaka, rugare uye muchibudirira pane zvamunoita.

Asi vanhu vakawanda havana chokwadi kuti vachazombofa vakawana ramangwana ravanoshuvira. Zvinhu zvakangoerekana zvaitika zvakadai sechirwere cheCOVID-19 zvakavhiringidza upenyu hwevanhu, zvikaita kuti vamwe vasare vava varombo uye zvikatouraya vanhu vakawanda. Saka izvi zvinoita kuti vafunge kuti hazviiti kuva neramangwana rakanaka.

Kusava nechokwadi nezveramangwana, kuri kuita kuti vanhu vatsvage zvinhu zvakasiyana-siyana zvavanofunga kuti zvichavabatsira kuva neramangwana rakanaka. Vamwe vanovimba nezvinhu zvisingaoneki, zvakadai sekuva nemhanza yakanaka. Vamwewo ndivo vanoita zvese zvavanogona kuti vawane dzidzo nepfuma, vachifunga kuti zvinhu izvozvo ndizvo zvichaita kuti vawane zvavanoda muupenyu. Vamwe vanofunga kuti kungova munhu akanaka ndiko kuchaita kuti vave neupenyu hwakanaka.

Zvinhu zvinofungwa nevanhu zvataurwa pamusoro apa, zvingakubatsira kuti uve neramangwana raunoda here? Kuti uwane mhinduro yacho unofanira kufunga nezvemibvunzo inotevera:

  • Ramangwana rako riri mumaoko aani?

  • Dzidzo nemari zvinoita kuti uve neramangwana rakanaka here?

  • Kuva munhu akanaka kuchaita kuti uve neramangwana rakanaka here?

  • Ungawanepi mazano anogona kukubatsira kuti uve neramangwana rakanaka?

Magazini ino yeNharireyomurindi inogona kukubatsira kuwana mhinduro dzacho.