Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kana Uchirwara Zvakanyanya

Kana Uchirwara Zvakanyanya

Linda, ane makore 71 anoti: “Pandakaudzwa kuti ndaiva nekenza mumapapu uye mumatumbu, ndakabva ndaona rufu mberi kwangu. Asi pandakasvika kumba ndichibva kwachiremba, ndakati, ‘Izvi handizvo zvandaitarisira, asi ndinofanira kuona zvekuita kuti nditsungirire.’”

Elise, ane makore 49 anoti: “Ndine chirwere chinorwadza chinoita kuti tsinga dzekuruboshwe kwechiso changu dzitadze kushanda zvakanaka. Dzimwe nguva marwadzo acho anoita kuti ndishungurudzike zvakanyanya. Kakawanda ndainzwa kusurukirwa, uye ndakatombofunga kuzviuraya.”

PAUNOZIVA kuti iwewe kana hama yako yabatwa nechirwere chinouraya, zvinogona kuita kuti ushungurudzike zvakanyanya. Panenge pachiti marwadzo echirwere chacho, kwozotiwo kushushikana mupfungwa uye zvimwe zvinhu zvinoshungurudza zvinenge zvichiitwa nevari kukuchengeta. Zvimwe zvinoita kuti uwedzere kutya uye kushushikana inyaya yekuendazve kwachiremba, kunetseka kuwana mari yekurapwa kana kuti mishonga uye matambudziko anokonzerwa nemishonga yaunenge uchishandisa. Zvese izvi zvinogona kuita kuti uone sekuti hauchazvigoni.

Saka tingawanepi rubatsiro? Vakawanda vakanyaradzwa nekunyengetera uye kuverenga mavhesi anonyaradza ari muBhaibheri. Rudo uye rutsigiro rwatinowana kuhama neshamwari zvinogona kutibatsirawo.

ZVIMWE ZVAKABATSIRAWO VAMWE

Robert ane makore 58 anoti, “Paunosangana nedambudziko reurwere, iva nekutenda muna Mwari uye achakubatsira kuti utsungirire. Nyengetera kuna Jehovha uchimuudza zviri kukunetsa. Mukumbire kuti akupe mweya mutsvene, akubatsire kuti urambe wakadzikama uye kuti usaita zvinhu zvinopedza simba vari kukuchengeta.”

Robert anoenderera mberi achiti, “Kana hama dzako dzikamira newe dzichikutsigira, izvozvo zvinobatsira chaizvo. Mazuva ese panotoita munhu mumwe chete kana vaviri vanondifonera vachibvunza kuti ndiri sei. Ndine shamwari dzinondikurudzirawo. Dzinondibatsira kuti ndinzwe zviri nani uye kuti nditsungirire.”

Paunoshanyira shamwari inenge ichirwara, inzwa zvakataurwa naLinda zvinogona kukubatsira. Akati: “Munhu anenge achirwara anodawo kungorarama sezvinoitawo vamwe uye anogona kunge asingadi kungogara achitaura nezvekurwara kwake. Saka taurawo naye dzimwe nyaya.”

Tichibatsirwa naMwari uye nekunyaradzwa kwatinoitwa neBhaibheri, nerutsigiro rwatinowana kubva kuhama neshamwari, tinogona kurarama tichifara kunyange kana tichirwara zvakanyanya.