Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuzvidzora Pakuita Zvawakajaira

Kuzvidzora Pakuita Zvawakajaira
  • WACHI yaAustin inorira, asi iye achiri kunzwa hope. Kunyange zvakadaro anokurumidza kumuka, obva apfeka hembe dzake dzemaekisesaizi dzaakarara abudisa, oenda kunomhanya.Atova negore achiita maekisesaizi aya katatu pavhiki.

  • Laurie nemurume wake vanga vachipopotedzana. Nehasha, Laurie anobva amhanyira kukicheni otora machocolate obva adya ese uye izvi ndizvo zvaanowanzoita paanenge atsamwa.

Austin naLaurie vakafanana pachii? Vangava vachizviziva kana kuti vasingazvizivi, vose vane zvavajaira kuita zvokuti vanongoerekana vazviita vasina kana kumbofunga.

Ko iwe une zvinhu zvakanaka zvaunoda kuramba uchiita here muupenyu hwako? Pamwe unoda kugara uchiita maekisesaizi, kukurumidza kurara, kana kuti kugara uchifonera hama dzako.

Asiwo zvimwe une katsika kauri kuda kurega kakadai sekusvuta fodya, kunyanya kudya chikafu chisingavaki muviri, kana kuti kupedza nguva yakawanda uri paIndaneti.

Hazvisi nyore kurega chimwe chinhu chawakajaira. Vamwe vakatoti tutsika twakaipa twakafanana nekudziya kunoita magumbezi kana kuchitonhora, zviri nyore kupinda asi kubuda hakusi nyore!

Saka ungaita sei kuti uzvidzore pazvinhu zvawanga uchiita, wojaira kuita zvinhu zvakanaka? Verenga nyaya dzinotevera unzwe mazano matatu anobva muBhaibheri.