Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI | KUZVIDYA MWOYO

Kuzvidya Mwoyo

Kuzvidya Mwoyo

Kuzvidya mwoyo kuri paviri. Kunogona kukuvadza kana kubatsira. Bhaibheri rinoita kuti tizive kubatsira kana kukuvadza kunoita kuzvidya mwoyo.

Munhu anofanira kuzvidya mwoyo here?

ZVINOITIKA

Kuzvidya mwoyo kunosanganisira kunzwa usina kugadzikana, kutya, kana kunetseka. Muupenyu hatizivi kuti chii chichaitika mangwana, saka tose hedu tinombozvidya mwoyo.

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndicharamba ndichirwisa mumweya wangu kusvikira rini, Ndiine shungu mumwoyo mangu masikati?” (Pisarema 13:2) Chii chakazobatsira Dhavhidhi? Akanyengetera, achitaura zvose zvaiva pamwoyo pake, aine kutenda kwakasimba kwekuti Mwari anomuda. (Pisarema 13:5; 62:8) Mwari anototikumbira kuti timuturire zvose zvinotinetsa. Pana 1 Petro 5:7 panoti, ‘Kandai kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.’

Kana ukaitira vanhu vaunoda chimwe chinhu, zvinogona kukubatsira kuti usanyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pavo

Kakawanda kacho, tine zvatinogona kuita kuti tisanyanye kuzvidya mwoyo. Semuenzaniso, mumwe munyori weBhaibheri ainzi Pauro ‘paaizvidya mwoyo pamusoro peungano dzose,’ akashanda nesimba kuti anyaradze uye akurudzire vanhu vaiva muungano idzodzo. (2 VaKorinde 11:28) Apa tinoona kuti kuzvidya mwoyo kwaakaita kwainge kwakanaka, nekuti kwakaita kuti abatsire sezvakanga zvichidiwa. Nesuwo tinogona kuita zvimwe chetezvo. Asi kana tisina basa nevamwe, tinenge tichitoratidza kuti hativadi.—Zvirevo 17:17.

‘Musaramba muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi ivai nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’VaFiripi 2:4.

Ungaita sei kana uchinyanya kuzvidya mwoyo?

ZVINOITIKA

Vanhu vanogona kuzvidya mwoyo nemhaka yezvakaipa zvavakamboita, nezveramangwana ravo kana kuti nezvenyaya dzemari. *

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Kunetseka nemhaka yezvakaipa zvawakamboita: Vamwe vanhu vakararama panguva yevaapostora vaimbova zvidhakwa, makororo, zvifeve uye mbavha vasati vava vaKristu. (1 VaKorinde 6:9-11) Pane kuti varambe vachinetseka nemhaka yezvavaimboita kare, vakachinja mararamiro avo vaine chivimbo chizere chekuti Mwari aizovanzwira tsitsi nemwoyo wose. Pisarema 130:4 rinoti: “Nokuti imi [Mwari] munokanganwira zvechokwadi, kuti mutyiwe.”

Kunetseka pamusoro pekuti ramangwana richange rakadini: Jesu Kristu akati, “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro.” (Mateu 6:25, 34) Airevei? Funga nezvematambudziko anhasi chete. Usaomese zuva rako ranhasi nekufunga nezvematambudziko achazouya mangwana, nekuti izvi zvinogona kukanganisa maonero ako woita zvisarudzo zvisina kunaka. Uye unofanira kuziva kuti, zvimwe zvatinozvidya mwoyo pamusoro pazvo hazvizomboitike.

Kunetseka nenyaya dzemari: Murume ainge akachenjera akambonamata achiti: “Musandipa urombo kana upfumi.” (Zvirevo 30:8) Aida kugutsikana nezviripo, uye izvi zvinoita kuti munhu afarirwe naMwari. Pana VaHebheru 13:5 panoti: “Mararamiro enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti iye [Mwari] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’” Kusiyana nemari, iyo inogona kutadza kukubatsira, Mwari haambotadzi kubatsira vaya vanovimba naye uye vachirarama upenyu husina zvakawanda-wanda.

“Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya.”Pisarema 37:25.

Kuzvidya mwoyo kuchazopera here?

ZVINOTAURWA NEVANHU

“Iye zvino vanhu kwose kwose vava kuzvidya mwoyo,” akadaro mutori wenhau, Harriet Green, munyaya yakabuda mupepanhau rinonzi The Guardian muna 2008. Muna 2014, Patrick O’Connor akanyora muThe Wall Street Journal kuti “Vanhu vekuAmerica vava kuzvidya mwoyo zvavasati vamboita.”

ZVINOTAURA BHAIBHERI

“Kuzvidya mwoyo kuri mumwoyo momunhu ndiko kuchaukotamisa, asi shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.” (Zvirevo 12:25) ‘Shoko rakatonyanya kunaka’ rinogona kuwanika mumashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Umambo ihwohwo ihurumende yaMwari, uye huchaita zvatisingafi takakwanisa kuita. Huchabvisa zvinhu zvose zvinoita kuti vanhu vazvidye mwoyo, kusanganisira kurwara uye rufu! “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:4.

“Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare rwose nokuda kwokutenda kwenyu.”VaRoma 15:13.

^ ndima 10 Zvakanaka kuti vanhu vanenge vachinyanya kuzvidya mwoyo vanoona chiremba. Mukai! haisarudzire munhu kuti anofanira kurapwa nenzira ipi.