Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NZIRA YEKUWANA MUFARO

Kuva Neutano

Kuva Neutano

URWERE KANA KUTI UREMA HUNOGONA KUVHIRINGA UPENYU. Mumwe murume anonzi Ulf aiva neutano hwake hwakanaka asi akazoremara. Anoti: “Ndakaora mwoyo chaizvo. Ndainzwa kuti handichagoni kutsungirira.”

Zvakaitika kuna Ulf zvinotiyeuchidza kuti munhu anogona kungoerekana arwara kana kuti aremara. Asi tine zvatinogona kuita kuti tizvidzivirire. Ko kana tikarwara kana kuti tikaremara, zvinoreva kuti hatichafari here muupenyu? Aiwa. Iye zvino ngatimbotangai nekukurukura zvatingaita kuti tirambe tiine utano hwakanaka, tozopedzisa nezvatingaita kana tikarwara kana kuti tikaremara.

‘IVA NEMWERO.’ (1 Timoti 3:2, 11) Kugara tichidyisa kana kunwisa kunokanganisa utano hwedu uye kunopedza mari. “Usava mumwe wevanonwisa waini, mumwe wevanokara nyama. Nokuti chidhakwa nomunhu anokara vachava varombo.”—Zvirevo 23:20, 21.

USASVIBISA MUVIRI WAKO. ‘Ngatizvichenesei pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama nemweya.’ (2 VaKorinde 7:1) Kusvuta fodya, kushandisa madrugs kana kuti kudhakwa nedoro kunosvibisa muviri. Semuenzaniso, rimwe sangano rezveutano rekuUnited States rinonzi Centers for Disease Control and Prevention rinoti kusvuta “kunokonzera zvirwere neurema uye kunokanganisa nhengo dzemuviri dzakawanda.”

ONA MUVIRI WAKO NEUPENYU SEZVIPO ZVINOKOSHA. Mwari ndiye akatipa upenyu. (Mabasa 17:28) Kuziva izvi kunoita kuti tisaita zvinhu zvinogona kutikuvadzisa patinenge tiri kubasa, tichityaira, kana kuti tichitamba. Hazvina musoro kuti ufare kwenguva pfupi asi uchizosara waremara!

DZORA ZVINHU ZVINOVHIRINGIDZA PFUNGWA. Muviri wako nepfungwa zvinoshandidzana. Saka edza kudzora hasha dzako, worega kunyanya kuzvidya mwoyo uye kungoita zvinhu zvinokukwidza BP. Pisarema 37:8 inoti, “Rega kutsamwa, usiye hasha.” Mateu 6:34 inotiwo, “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro.”

EDZA KUFUNGA ZVINHU ZVAKANAKA. “Mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri,” inodaro Zvirevo 14:30. Imwe vhesi inotiwo: “Mwoyo unofara unorapa.” (Zvirevo 17:22) Izvi zvinoenderana nezvinotaurwawo nesainzi. Mumwe chiremba wekuScotland akati, “Kana uri munhu anofara, hauzonyanyi kurwara-rwara sezvinoita vanhu vanogara vakasuwa.”

TSVAGA NZIRA DZEKURARAMA NEDAMBUDZIKO RAKO. Sezvakaitika kuna Ulf, dzimwe nguva hatina zvatinokwanisa kuita nedambudziko redu kunze kwekutsungirira. Vamwe vanobva vazonyanya kuora mwoyo, uye izvozvo zvinoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma,” inodaro Zvirevo 24:10.

Vamwe vanombotanga vachiora mwoyo asi vozotanga kunzwa zviri nani. Vanotsvaga nzira dzekurarama nedambudziko ravo. Ndizvo zvakaitika kuna Ulf. Akati kunyengetera kakawanda uye kufungisisa zvaaiverenga muBhaibheri kwakamubatsira kuisa pfungwa dzake pazvinhu zvaaikwanisa kuita. Vanhu vakawanda vanowirwa nematambudziko makuru vanodzidza kuva vanhu vanonzwira vamwe tsitsi. Ndizvo zvakaitikawo kuna Ulf, uye zvakaita kuti audzewo vamwe mashoko anonyaradza anobva muBhaibheri.

Mumwe akasanganawo nedambudziko rakakura ndiSteve. Paaiva nemakore 15, akadonha mumuti achibva aremara kubva pamutsipa kusvika kutsoka. Paakazosvitsa makore 18, akanga ava kukwanisa kushandisa maoko ake. Akabva aenda kuyunivhesiti uye akatanga kuita zvemadrugs, zvedoro uye zveunzenza. Akanga asisina tariro, asi paakazotanga kudzidza Bhaibheri akaita seava kurarama upenyu hutsva uye zvakamubatsira kusiya mabasa ake akaipa. Akati, “Kusurukirwa kwandaiva nako kwakabva kwapera. Iye zvino ndava nerugare, ndava kufara uye ndava kunzwa kugutsikana neupenyu.”

Zvakataurwa naSteve naUlf zvinotiyeuchidza mashoko ari pana Pisarema 19:7, 8 anoti: “Mutemo waJehovha wakakwana, [unodzosa simba]. . . . Mirayiro inobva kuna Jehovha yakarurama, inoita kuti mwoyo ufare; murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye.”