Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndiri Munhu Anokundikana Here?

Ndiri Munhu Anokundikana Here?

“Ndaizviona semunhu pasina ndichizvienzanisa neshamwari yangu. Zvinhu zvose zvanga zvichimufambira mushe-mushe—zvose aingozviwana akangogara! Zvaindinetsa kuti dambudziko rangu raimbova rei. Ndinoona sokuti ndini ndine dambudziko.”—Annette. *

KUNZWA sepasina chaunogona kunokutadzisa kuita zvimwe zvinhu zvausina kumbobvira waita muupenyu hwako here? Dzimwe nguva zvinhu zvinotaurwa nevanhu vanenge vaine vavariro dzakanaka vaunoremekedza zvinoderedza chivimbo chako here? Kukanganisa kwawakaita kare kuri kukuodza mwoyo here? Kana zvakadaro, chii chaungaita kuti usakurirwe nokukundikana kwaunoita—kungave kukundikana chaiko kana kuti kwokufungidzira?

Zvinokosha kuti uwane mhinduro yemubvunzo wapedzisira kutaurwa nokuti munhu wose anokanganisa. (VaRoma 3:23) Asi vanhu vanotsungirira pavanenge vakundikana vanhu vakashinga. Izvi zvinoreva kuti vanokwanisa kuongorora zvavanenge vakanganisa voedza zvakare kugadzirisa. Kazhinji kacho pavanoedzazve vanobudirira! Saka ngationei kuti zvii zvaungaita paunosangana nematambudziko matatu anotevera—paunofunga kuti ungangokundikana, paunofungidzira kuti wakundikana, uye paunenge wanyatsokundikana.

PAUNOFUNGA KUTI UNGANGOKUNDIKANA → ZVINOGONA KUITIKA

Unofunga kuti uchakundikana pane zvauri kuda kuita wotyira kure uchifunga kuti hausi kuzobudirira.

Ziva pane dambudziko. Pasi apa, isa ✔ pamberi pechaungada kubudirira kuita—asi chaunoona sokuti haukwanisi kunyange ukaedza.

  • Kudzivirira zvaunotenda pamberi pevaunodzidza navo

  • Kutsvaka basa

  • kutaura pamberi pechaunga

  • Kutamba mitambo

  • Kuimba kana kuti kuridza chiridzwa chemimhanzi

  • Chimwewo ․․․․․

Fungisisa. Ongorora chawamaka pamusoro apa, uye pindura mibvunzo iyi kuti uzive zvinogona kuitika:

‘Chii chandingada kuti chiitike?’

․․․․․

‘Chii chandinotyira kuti chingaitika?’

․․․․․

Zvino chinyora chikonzero chimwe chete nei uchifanira kuedza kuita zvawasarudza, pasinei nokuti unogona kukundikana.

․․․․․

Muenzaniso womuBhaibheri. Mosesi paakatumwa naJehovha Mwari kuti atungamirire rudzi rwevaIsraeri, akatanga kufunga kuti chii chisina kunaka chaizoitika. Akabvunza Mwari kuti, “Ko, kana vakasanditenda kana kunditeerera?” Akabva atanga kufunga nezvezvaaisakwanisa kuita. Akati, “Handina kumbogona kutaura, . . . uye rurimi rwangu runononoka.” Kunyange pashure pokunge Jehovha avimbisa kumubatsira, Mosesi akateterera kuti: “Ndapota hangu, tumai henyu mumwe kuti aite izvozvo.” (Eksodho 4:1, 10, 13, Bhaibheri Dzvene) Pakupedzisira Mosesi akabvuma basa raakanga apiwa, uye tinoziva zvakazoitika. Achitungamirirwa naMwari, Mosesi akatungamirira vaIsraeri kwemakore 40.

Zvaunogona kuita. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose.” (Muparidzi 9:10) Panzvimbo pokutadza kuita zvimwe zvinhu nemhaka yokutya kuti ungakundikana, edza kuita zvose zvaunogona kuti ubudirire. Wadii kufunga nezvepamwe pawakaita zvakanaka kupfuura zvawaitarisira? Chii chawakadzidza nezvako pakubudirira kwawakaita? Izvozvo zvinokubatsira sei kuti ukurire kutya kukundikana kwaungave uinako iye zvino?

Zano: Kana zvichiita, wana mazano kubva kuvabereki vako kana kuti mumwe munhu akura anogona kukubatsira kuti uve nechivimbo. *

PAUNOFUNGADZIRA KUTI WAKUNDIKANA → ZVAUNOFUNGIDZIRA KUTI NDIZVO ZVAKAITIKA

Mumwe munhu akabudirira pane chimwe chinhu chawaidawo kuita, unozviona sokuti wakundikana kana uchizvienzanisa naye.

Ziva pane dambudziko. Uri kuzvienzanisa naani, uye chii chaakabudirira kuita chinoita kuti ufungidzire kuti wakundikana?

․․․․․

Fungisisa. Kubudirira kwakaita munhu iyeye kunonyatsoreva here kuti iwe wakakundikana? Pasi apa nyora zvakabva kuitika, zvakadai sebvunzo yekuchikoro, pawakagona asi mumwe munhu akakukunda.

․․․․․

Iye zvino chinyora kuti nei kuedza kwawakaita kwaikosha.

․․․․․

Muenzaniso womuBhaibheri. Kaini ‘akatsamwa kwazvo’ pazvakava pachena kuti Jehovha akafarira munun’una wake Abheri. Jehovha akanyevera Kaini nezvegodo rake, asi akaratidza chivimbo chokuti Kaini aizobudirira kana aizosarudza kuti abudirire. Jehovha akati kwaari, “Kana ukaita zvakanaka, haungakwidziridzwi here?” *Genesisi 4:6, 7.

Zvaunogona kuita. Panzvimbo pokuti ‘umutse makwikwi’—kunyange kana zvingori mupfungwa dzako—bvuma kubudirira kwevamwe. (VaGaratiya 5:26; VaRoma 12:15) Panguva imwe chete, usingazvikudzi, cherechedza kuti une zvimwe zvaunogona zvisingakwaniswi nevamwe. Bhaibheri rinoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake.”VaGaratiya 6:4.

PAUNENGE WANYATSOKUNDIKANA → ZVAKAITIKA

Unoongorora pawakakundikana uye unonzwa sokuti haungambobudiriri pasinei nezvauri kuedza kuita.

Ziva pane dambudziko. Ndezvipi zvaunokundikana zvaunoona zvichinyanya kukuodza mwoyo?

․․․․․

Fungisisa. Zvawanyora pamusoro apa zvinonyatsoratidza kuti uri munhu anokundikana zvechokwadi here? Somuenzaniso, kana paine zvawakambokundikana kuita, izvozvo zvinonyatsoreva here kuti hapana chauchazogonawo? Kana kuti chingori chiratidzo chokuti unoda kubatsirwa? Kana ukadonha uchitamba mutambo, ungabvuma kubatsirwa kuti usimuke wopfuurira nemutambo. Ko wadii kungozvionawo saizvozvo paunokundikana? Nyora pasi zita remunhu waunogona kutaura naye nezvedambudziko rako. *

․․․․․

Muenzaniso wemuBhaibheri. Dzimwe nguva muapostora Pauro aiodzwa mwoyo nokufunga zvaaikanganisa. Akanyora kuti: “Ndiri munhu wenhamo.” (VaRoma 7:24) Zvisinei, zviri pachena kuti Pauro ainyatsoziva kuti zvaaikanganisa zvaisaratidza zvaaiva. Akanyora kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.”—2 Timoti 4:7.

Zvaungaita. Panzvimbo pokungotarisa zvaunokanganisa, fungawo nezvezvinhu zvakanaka zvaunoita. Ndizvo chaizvo zvinoitwa naJehovha. Bhaibheri rinoti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaHebheru 6:10; Pisarema 110:3.

Yeuka izvi: Hapana munhu asingatadzi. Munhu wose anombotadzawo. Kana ukadzidza kubvuma zvaunenge wakundikana usingazokandi mapfumo pasi, unenge wawana chinhu chinokosha chinozokubatsira kana wakura. Zvirevo 24:16 inoti:“Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka.Ndizvo zvaunogona kuitawo!

 

^ ndima 3 Zita rakachinjwa.

^ ndima 23 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Mukai! yeChirungu yaMay 2010, mapeji 26-28.

^ ndima 31 Kaini akasarudza kusaremekedza zvaakanga audzwa naJehovha. Kukundikana kwaakaita kunoratidza kukosha kwazvinoita kuti tisave negodo rinogona kuvapo kana mumwe munhu abudirira.—VaFiripi 2:3.

^ ndima 36 MuKristu anenge aita chivi chakakura anobatsirwa nokutaura nemukuru muungano.​—Jakobho 5:14, 16.