Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zano 2 Tarisira Muviri Wako

Zano 2 Tarisira Muviri Wako

“Hapana murume [munhu] akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira.”—VaEfeso 5:29. Kutora matanho anokosha okuzvitarisira kunoita kuti utano hwako huve nani zvikuru.

Wana nguva yakakwana yokuzorora. “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Zvinhu zvinoda kuitwa uye zvinovhiringidza zvoupenyu hwemazuva ano zviri kudyira vanhu nguva yokurara. Asi kurara kunokosha kuti uve neutano hwakanaka. Kuongorora kwakaitwa kwakaratidza kuti patinenge takarara, muviri wedu nepfungwa zvinozvigadzirisa, zvichitibatsira pakuyeuka uye kuti tigare tichifara.

Kurara kunosimbisa muviri wedu kuti uzvidzivirire pazvirwere uye kunoita kuti tisanyanye kupindwa neutachiona, tisabatwe nechirwere cheshuga, chemwoyo, kenza, kuva nomuviri wakakurisa, chirwere chedepression uye chirwere cheAlzheimer. Pane kushandisa zvimwe zvinhu kuti tidzinge hope zvakadai sezviwitsi, caffeine kana zvimwewo, tinofanira kuteerera muviri patinenge tanzwa hope torara. Vanhu vakuru vazhinji vanoda maawa ari pakati pemanomwe nemasere okurara usiku hwoga hwoga kuti vataridzike zvakanaka, vanzwe zvakanaka uye kuti vanyatsoshanda. Vaduku vanotoda maawa akawanda. Vechiduku vasingawani nguva yokurara yakakwana vanowanzotambudzika nepfungwa uye kukotsira vachityaira.

Kurara kunonyanya kukosha patinenge tichirwara. Muviri wedu unogona kukurira zvimwe zvirwere, zvakadai sedzihwa, kana tikangowedzera nguva yokurara uye tikanwa zvinwiwa zvakawanda.

Chengetedza mazino ako. Kukwesha mazino ako uye kuanon’ona uchishandisa shinda yakagadzirirwa izvozvo paunenge wapedza kudya uye kunyanya paunenge wava kunorara kunobatsira kuti asaore, usaita chirwere chematadza uye mavende. Kana tisina mazino tingasanyatsobatsirwa nezvokudya. Zvinonzi nzou hadzifi nokukura asi dzinoziya nenzara zvishoma nezvishoma kusvikira dzafa, mazino adzo paanenge apera zvokuti dzinenge dzisisakwanisi kutsenga zvakanaka. Vana vakadzidziswa kukwesha mazino uye kuanon’ona pavanenge vapedza kudya vanova neutano hwakanaka vachiri vaduku uye kweupenyu hwavo hwose.

Enda kwachiremba. Zvimwe zvirwere zvinotoda kuti uende kwachiremba. Chirwere chikakurumidza kuonekwa, zvinowanzoita kuti chikurumidze kurapwa uye pasazoshandiswa mari yakawanda. Saka kana usiri kunzwa zvakanaka, enda unoongororwa kuti mudzi wechirwere chacho urapwe panzvimbo pokungonyaradza panenge pachirwadza nguva iyoyo.

Kugara uchinoonekwa nenyanzvi dzokurapa kunogona kuita kuti uzvidzivirire pamatambudziko akakura, sezvakunoita pavakadzi vanonoonekwa nenyanzvi pavanenge vakazvitakura. * Zvisinei gara uchiziva kuti vana chiremba havaiti zvishamiso. Kunyatsoporeswa kwezvirwere zvedu kuchaitika Mwari paachaita kuti “zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:4, 5.

^ ndima 8 Ona nyaya inoti “Vanaamai Vane Utano, Vanovawo Nevana Vane Utano,” iri mumagazini yeMukai! yaJuly-September 2010.